Nations Bible

2 Reyes 18

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toca un versículo para ver sus referencias cruzadas.

Hezekia Mambo weJudha

1Mugore rechitatu raHoshea mwanakomana waEra Mambo weIsraeri, Hezekia mwanakomana waAhazi mambo weJudha akatanga kutonga. 2Akanga ava namakore makumi maviri namashanu paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore makumi maviri namapfumbamwe. Zita ramai vake rainzi Abhiya mwanasikana waZekaria. 3Akaita zvakanaka pamberi paJehovha, sezvakanga zvaita baba vake Dhavhidhi. 4Akabvisa matunhu akakwirira, akaputsa matombo okunamata, uye akatema matanda aAshera. Akaputsa nyoka yendarira yakanga yaitwa naMozisi, nokuti kusvikira panguva iyoyo vaIsraeri vakanga vachipisira zvinonhuhwira kwairi. (Yakanga ichinzi Nehushitani.)

5Hezekia akanga achivimba naJehovha, Mwari waIsraeri. Kwakanga kusina akafanana naye pakati pamadzimambo ose eJudha, vakamutangira kana vakamutevera. 6Akanamatira kuna Jehovha uye haana kurega kumutevera; akachengeta mirayiro yakapiwa Mozisi naJehovha. 7Uye Jehovha aiva naye; akabudirira pane zvose zvaakaita. Akamukira mambo weAsiria akasazomushandira. 8Akakunda vaFiristia, kubva pachirindo chavarindi kusvikira kuguta rakakomberedzwa, zvichienda kuGaza nenyika yayo.

9Mugore rechina ramambo Hezekia, iro raiva gore rechinomwe raHoshea mwanakomana waEra mambo weIsraeri, Sharimaneseri mambo weAsiria akaenda kundorwa neSamaria akarikunda. 10Pakupera kwamakore matatu vaAsiria vakaritora. Saka Samaria yakatorwa mugore rechitanhatu raMambo Hezekia, iro rakanga riri gore rechipfumbamwe raHoshea mambo weIsraeri. 11Mambo weAsiria akavatapa akavaendesa kuAsiria akandovagarisa muHara, muGozani paRwizi rweHabhori nomumaguta avaMedhesi. 12Izvi zvakaitika nokuti vakanga vasina kuteerera Jehovha Mwari wavo, asi vakanga vadarika sungano yake nezvose zvakanga zvarayirwa naMozisi muranda waJehovha. Vakaramba kunzwa mirayiro kana kuiita.

13Mugore regumi namana rokutonga kwamambo Hezekia, Senakeribhi mambo weAsiria akarwisa maguta ose eJudha akakomberedzwa namasvingo akaatora. 14Saka Hezekia mambo weJudha akatuma shoko kuna mambo weAsiria paRakishi achiti, “Ndakakanganisa hangu. Ibvai henyu kwandiri, uye ndicharipa zvose zvamuchareva kwandiri.” Mambo weAsiria akaripisa Hezekia mambo weJudha mutero wamazana matatu amatarenda esirivha namatarenda egoridhe makumi matatu. 15Saka Hezekia akamupa sirivha yose yakawanikwa mutemberi yaJehovha nomumatura omumuzinda wamambo.

16Panguva iyoyo Hezekia mambo weJudha akabvisa goridhe raakanga afukidza naro makonhi nembiru dzamakonhi etemberi yaJehovha, akazvipa kuna mambo weAsiria.

Senakeribhi anovhundutsira Jerusarema

17Mambo weAsiria akatuma mukuru wehondo, nomukuru wavabati uye nomukuru wavatariri, nehondo huru, kubva kuRakishi kuti vaende kuna mambo Hezekia kuJerusarema. Vakakwira kuJerusarema vakamira pamugero weDziva roKumusoro, mumugwagwa unoenda kuMunda woMusuki. 18Vakadana mambo; uye Eriakimi mwanakomana waHirikia mutariri womuzinda wamambo, naShebhina munyori, naJoa mwanakomana waAsafi munyori wenhoroondo vakabuda vakaenda kwavari.

19Mukuru wavatariri akati kwavari, “Udzai Hezekia kuti:

“ ‘Zvanzi namambo mukuru, mambo weAsiria: Chaunovimba nacho chii? 20Unoti unogona kuronga uye une simba rokurwa, asi uri kungotaura mashoko asingazari mukombe. Uri kuvimba naaniko, kuti undimukire? 21Tarira zvino, wakasendamira paIjipiti, uya mudonzvo werutsanga rwakatsemuka runobaya ruoko rwomunhu ruchimupa ronda kana asendamira parwuri! Ndizvo zvakaita Faro mambo weIjipiti kuna vose vanosendamira paari. 22Asi kana ukati kwandiri, “Tinovimba naJehovha Mwari wedu,” ko, haazi iye ane matunhu akakwirira nearitari dzakabviswa naHezekia, achiti kuJudha neJerusarema, “Munofanira kunamata pamberi pearitari iyi muJerusarema here?”

23“ ‘Chiuya zvino, uite chitsidzo natenzi wangu, mambo weAsiria. Ndichakupa zviuru zviviri zvamabhiza, kana uchigona kuisa vatasvi pamusoro pawo! 24Ungagona seiko kukunda mumwe wamachinda madiki atenzi wangu kunyange dai uchivimba neIjipiti kuti uchapiwa ngoro navatasvi vamabhiza? 25Pamusoro pezvo, handina kuuya kuzorwa nokuparadza nzvimbo ino ndisina shoko rinobva kuna Jehovha here? Jehovha pachake akandiudza kuti ndiuye kuzorwisa nyika uye ndiiparadze.’ ”

26Ipapo Eriakimu mwanakomana waHirikia, naShebhina naJoa vakati kumukuru wavatariri, “Tapota, taurai kuvaranda venyu norurimi rwechiAramu sezvo tichirunzwa. Musataura nesu nechiHebheru vanhu vari parusvingo vachizvinzwa.”

27Asi mukuru wehondo akapindura akati, “Ko, ndakatumwa natenzi wangu kuna tenzi wako nokwauri chete here kuti nditaure mashoko aya ndisingatauri kuvarume vagere parusvingo, ivo pamwe chete newe vanofanira kudya tsvina yavo nokunwa mvura yemiviri yavo?”

28Ipapo mukuru wehondo akasimuka akadanidzira norurimi rwechiHebheru achiti, “Inzwai shoko ramambo mukuru, mambo weAsiria! 29Zvanzi namambo: Musarega Hezekia achikunyengerai. Haagoni kukudzikinurai kubva muruoko rwangu 30Musarega Hezekia achikukurudzirai kuti muvimbe naJehovha paanoti, ‘Zvirokwazvo Jehovha achatirwira; guta rino harizopiwi muruoko rwamambo weAsiria.’

31“Musateerera Hezekia. Zvanzi namambo weAsiria: Itai rugare neni mugouya kuno kwandiri. Ipapo mumwe nomumwe wenyu achadya zvinobva pamuzambiringa wake napamuonde wake, uye achanwa mvura inobva muchirongo chake, 32kusvikira ndauya ndikakutorai ndigokuisai kunyika yakafanana neyenyu, nyika ine zvokudya newaini itsva, nyika yechingwa neminda yemizambiringa, nyika yemiti yemiorivhi nouchi. Sarudzai upenyu kwete rufu!

“Musateerera Hezekia, nokuti anokutsausai kana akati, ‘Jehovha achatirwira.’ 33Pana mwari wenyika ipi zvayo akamborwira nyika yake kubva muruoko rwamambo weAsiria? 34Vamwari veHamati neveAripadhi varipi? Vamwari veSefarivhaimi, neHena neIvha varipi? Vakanunura Samaria muruoko rwangu here? 35Ndiani wavamwari vose venyika idzi akagona kuponesa nyika yake kubva kwandiri? Zvino Jehovha achanunura Jerusarema sei kubva muruoko rwangu?”

36Asi vanhu vakaramba vakanyarara vakasataura chinhu, nokuti mambo akanga arayira akati, “Musamupindura.”

37Ipapo Eriakimi mwanakomana waHirikia mutariri womuzinda wamambo, naShebhina munyori naJoa mwanakomana waAsafi munyori wenhoroondo vakaenda kuna Hezekia, nenguo dzavo dzakabvaruka, vakamuudza zvakanga zvataurwa nomukuru wavarwi.

Ilustración artística: una interpretación, no un registro histórico.

¿Sabías que…?

La fe de Ezequías y la amenaza asiria

  • Como parte de sus reformas religiosas, el rey Ezequías destruyó la serpiente de bronce que Moisés había hecho originalmente, ya que los israelitas la habían convertido en un objeto de culto idólatra y le quemaban incienso.Fuentes: el propio texto bíblico · Hezekiah
  • El Rabsaces era un alto funcionario de la corte asiria, como el copero principal o visir. Durante el enfrentamiento fuera de Jerusalén, habló intencionalmente en hebreo en lugar del arameo diplomático para que los soldados en las murallas de la ciudad pudieran escuchar su intimidación psicológica.Fuentes: el propio texto bíblico · Rabshakeh
  • El rey Senaquerib dirigió su campaña militar contra Judá mientras atacaba la ciudad fortificada de Laquis. Desde allí recibió el tributo de oro y plata enviado por Ezequías antes de enviar un ejército y altos oficiales directamente a Jerusalén.Fuentes: el propio texto bíblico · Lachish

Notas escritas con ayuda de IA a partir de fuentes abiertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, dominio público) y revisadas antes de publicarse.

Lugares de este capítulo

  • Jerusalem · 31.777, 35.234 · versículos 2, 17, 22, 35
  • Assyria · 36.359, 43.153 · versículos 7, 9, 11, 13, 14, 16, 17, 19, 23, 28, 30, 31, 33
  • Gaza · Hoy: Tell Harube · 31.504, 34.464 · versículo 8
  • Samaria · 32.276, 35.195 · versículos 9, 10, 34
  • Lachish · Hoy: Tell ed Duweir · 31.565, 34.849 · versículos 14, 17
  • Upper Pool · Hoy: in Jerusalem · 31.777, 35.234 · versículo 17
  • Egypt · 30.129, 31.308 · versículos 21, 24
  • Hamath · Hoy: Hama · 35.136, 36.750 · versículo 34

Solo aparecen lugares identificados con alta confianza (90 % o más según las fuentes académicas reunidas por OpenBible). Mapa de la época: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; mapa actual: © colaboradores de OpenStreetMap; lugares: OpenBible.info (CC BY 4.0).

Créditos y licencia de esta traducción
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Fuente: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Habla con nosotros

Cuéntanos desde dónde lees, cómo te ha ayudado la Biblia o qué podemos mejorar. Leemos todos los mensajes.