2 Reyes 14
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toca un versículo para ver sus referencias cruzadas.
Amazia Mambo weJudha
1Mugore rechipiri raJehoashi mwanakomana waJehoahazi mambo weIsraeri, Amazia mwanakomana waJoashi mambo weJudha akatanga kutonga. 2Akanga ava namakore makumi maviri namashanu paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore makumi maviri namapfumbamwe. Zita ramai vake rainzi Jehoadhini vakanga vachibva muJerusarema. 3Akaita zvakanaka pamberi paJehovha, asi kwete sezvakaitwa nababa vake Dhavhidhi. Pazvinhu zvose akatevera muenzaniso wababa vake Joashi. 4Kunyange zvakadaro matunhu akakwirira haana kubviswa, vanhu vakaramba vachipa zvibayiro nokupisa zvinonhuhwira ikoko.
5Mushure mokunge umambo hwanyatsosimba mumaoko ake, akauraya vabati vaya vakauraya baba vake iye mambo. 6Asi haana kuuraya vanakomana vavaurayi, sezvazvakanyorwa mubhuku romurayiro waMozisi sezvakarayira Jehovha paakati, “Madzibaba haazourayiwi nokuda kwavana vavo, uye vana havaurayiwi nokuda kwamadzibaba avo mumwe nomumwe anofanira kufira zvivi zvake.”
7Ndiye akakunda gumi rezviuru zvavaEdhomu muMupata woMunyu uye akapamba Sera muhondo, akaritumidza kuti Jokiteeri, rinova zita raro kusvikira nhasi.
8Ipapo Amazia akatuma nhume kuna Jehoashi mwanakomana waJehoahazi, mwanakomana waJehu, mambo weIsraeri, akati, “Uya tionane.”
9Asi Jehoashi mambo weIsraeri akapindura Amazia mambo weJudha akati, “Rukato rwomuRebhanoni rwakatuma nhume kumusidhari womuRebhanoni, rukati, ‘Ipa mwanasikana wako kuti awanikwe nomwanakomana wangu.’ Ipapo mhuka yesango yomuRebhanoni yakauyapo ikatsika-tsika rukato netsoka dzayo. 10Zvirokwazvo wakakunda Edhomu asi zvino wava kuzvikudza. Zvirumbidze hako pakukunda kwako, asi ugare kumba! Seiko wava kutsvaka bongozozo kuti uzviwisire pasi iwe pamwe chete neJudha?”
11Kunyange zvakadaro, Amazia haana kuda kuteerera, naizvozvo Jehoashi mambo weIsraeri akamurwisa. Iye naAmazia mambo weJudha vakasangana paBheti Shemeshi muJudha. 12VaJudha vakakundwa navaIsraeri, murume mumwe nomumwe akatizira kumusha kwake. 13Jehoashi mambo weIsraeri akabata Amazia mambo weJudha, mwanakomana waJoashi, mwanakomana waAhazia, paBheti Shemeshi. Ipapo Jehoashi akaenda kuJerusarema akandoputsa rusvingo rweJerusarema kubva kuSuo raEfuremu kusvikira paSuo repaKona chikamu chinosvika makubhiti mazana mana. 14Akatora goridhe rose nesirivha yose nemidziyo yose yakawanikwa iri mutemberi yaJehovha nomumatura omumuzinda wamambo. Akatorawo vasungwa ndokubva adzokera kuSamaria.
15Zvino zvimwe zvokutonga kwaJehoashi, nezvaakaita uye kubudirira kwake, pamwe nokurwa kwake naAmazia mambo weJudha, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eIsraeri? 16Jehoashi akazorora namadzibaba ake akavigwa muSamaria pamwe chete namadzimambo eIsraeri. Jerobhoamu mwanakomana wake akamutevera paumambo.
17Amazia mwanakomana waJoashi mambo weJudha akararama kwamakore gumi namashanu mushure mokufa kwaJehoashi mwanakomana waJehoahazi mambo weIsraeri. 18Zvino zvimwe zvakaitwa pakutonga kwaAmazia, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eJudha?
19Vakaita rangano yakaipa pamusoro pake muJerusarema, iye akatizira kuRakishi, asi vakatuma varume vakamutevera kuRakishi vakamuurayira ikoko. 20Akadzoswa namabhiza vakamuviga muJerusarema pamwe chete namadzibaba ake, muGuta raDhavhidhi.
21Ipapo vanhu vose veJudha vakatora Azaria, akanga ane makore gumi namatanhatu, vakamuita mambo panzvimbo yababa vake Amazia. 22Ndiye akavakazve Erati akaridzorera kuna Judha mushure mokunge Amazia azorora namadzibaba ake.
Jerobhoamu weChipiri Mambo weIsraeri
23Mugore regumi namashanu raAmazia mwanakomana waJoashi mambo weJudha, Jerobhoamu mwanakomana waJehoashi mambo weIsraeri akava mambo muSamaria, akatonga kwamakore makumi mana negore rimwe. 24Akaita zvakaipa pamberi paJehovha akasatendeuka kubva kana pane chimwe chezvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakaita kuti Israeri iite. 25Ndiye akadzikazve miganhu yeIsraeri kubva paRebho Hamati kusvika kuGungwa reArabha, sezvakarehwa neshoko raJehovha, Mwari waIsraeri, rakataurwa kubudikidza nomuranda wake Jona mwanakomana waAmutai, muprofita wokuGati Hefa.
26Nokuti Jehovha akanga aona kuti vanhu vose muIsraeri vaitambudzika zvakanyanya sei, vose nhapwa navakasununguka; pakanga pasina angabatsira. 27Uye sezvo Jehovha akanga asina kumboti aizodzima zita raIsraeri kubva pasi pedenga, akavaponesa noruoko rwaJerobhoamu mwanakomana waJehoashi.
28Zvino zvimwe zvakaitwa pakutonga kwaJerobhoamu, nezvose zvaakaita, nokukunda kwake pakurwa, pamwe nokuti akadzorera sei Dhamasiko neHamati kuIsraeri, aimbova maguta eJudha, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eIsraeri? 29Jerobhoamu akazorora namadzibaba ake, madzimambo eIsraeri. Zekaria mwanakomana wake akamutevera paumambo.

¿Sabías que…?
Conflicto Entre Reinos y Restauración Territorial
- Cuando Amasías consolidó su trono y ejecutó a los conspiradores que asesinaron a su padre Joás, perdonó expresamente la vida de los hijos de estos. El texto indica que actuó conforme al Libro de la Ley de Moisés, que mandaba que los padres y los hijos no debían morir por los pecados de los otros.Fuentes: el propio texto bíblico · Amaziah · Moses
- Tras derrotar a Edom, Amasías desafió al rey Joás de Israel a la batalla. Joás respondió con una parábola sobre un cardo humilde en el Líbano que pidió una alianza matrimonial a un majestuoso cedro antes de ser pisoteado por una fiera, advirtiendo a Amasías de que el orgullo por su victoria le traería la ruina.Fuentes: el propio texto bíblico · Amaziah · Joash
- A pesar de mantener el culto a los becerros de oro, Jeroboam II gobernó Israel durante cuarenta y un años prósperos y extendió sus fronteras desde Lebo-hamat hasta el mar del Arabá. El autor señala que esto cumplió una profecía de Jonás hijo de Amitai, ya que el Señor tuvo compasión de la amarga aflicción de Israel.Fuentes: el propio texto bíblico · Jeroboam
Notas escritas con ayuda de IA a partir de fuentes abiertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, dominio público) y revisadas antes de publicarse.
Lugares de este capítulo
- Jerusalem · 31.777, 35.234 · versículos 2, 13, 19, 20
- Edom · 30.746, 35.604 · versículos 7, 10
- Lebanon · 33.540, 35.584 · versículo 9
- Corner Gate · Hoy: in Jerusalem · 31.777, 35.234 · versículo 13
- Ephraim Gate · Hoy: in Jerusalem · 31.777, 35.234 · versículo 13
- Samaria · 32.276, 35.195 · versículos 14, 16, 23, 29
- Lachish · Hoy: Tell ed Duweir · 31.565, 34.849 · versículo 19
- City of David · 31.774, 35.236 · versículo 20
- Salt Sea · Hoy: Dead Sea · 31.500, 35.500 · versículo 25
- Damascus · 33.511, 36.306 · versículo 28
- Hamath · Hoy: Hama · 35.136, 36.750 · versículo 28
Solo aparecen lugares identificados con alta confianza (90 % o más según las fuentes académicas reunidas por OpenBible). Mapa de la época: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; mapa actual: © colaboradores de OpenStreetMap; lugares: OpenBible.info (CC BY 4.0).
Créditos y licencia de esta traducción
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Language: chiShona Contributor: Biblica, Inc. Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Creative Commons License Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.” Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA). Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us . This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.” Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA). If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us . This translation is made available to you under the terms of the Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0. You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that: You include the above copyright and source information. If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes. If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original. Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents. For other uses, please contact the respective copyright owners. Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19. 2023-04-14
Fuente: http://ebible.org/sna/ · eBible.org