Nations Bible

2 Crónicas 4

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toca un versículo para ver sus referencias cruzadas.

Midziyo yomuTemberi

1Akavaka aritari yendarira yakanga yakareba makubhiti makumi maviri, uye upamhi hwayo hwaiva makubhiti makumi maviri uye yakareba makubhiti gumi kuenda mudenga. 2Akaita Gungwa resimbi, rakatenderera pakuvakwa kwaro, rakareba makubhiti gumi pamuromo waro kubva kune rumwe rutivi kusvika kune rumwe rutivi uye makubhiti mashanu kuenda mudenga. Zvaida tambo yakareba makubhiti makumi matatu kuti ikwanise kupoteredza gungwa iri. 3Pazasi pomuromo, zvifananidzo zvehando zvairipoteredza, zviri gumi pakubhiti rimwe chete. Hando idzi dzakanga dzakaiswa mumitsara miviri dziri chinhu chimwe chete neGungwa.

4Gungwa rakanga rakamira pamusoro pehando gumi nembiri, nhatu dzakatarisa kumusoro, nhatu dzakatarisa kumavirira, nhatu dzakatarisa zasi, uye nhatu dzakatarisa kumabvazuva. Gungwa rakanga rakagara pamusoro padzo uye shure kwadzo kwakanga kwakatarisa pakati. 5Ukobvu hwaro hwakanga hwakaita sokufara kwechanza uye muromo waro wakanga wakaita somuromo womukombe, seruva rehapa. Raizara namabhati zviuru zvitatu.

6Akagadzirazve madhishi okusukira gumi akaisa mashanu kudivi rezasi, uye mashanu kudivi rokumusoro. Zvinhu zvose zvaizoshandiswa pazvipiriso zvinopiswa zvaisukirwamo, asi Gungwa raizoshandiswa navaprista pakushamba.

7Akagadzira zvigadziko zvemwenje gumi zvegoridhe, sokurayirwa kwazvakanga zvaitwa akazviisa mutemberi, zvishanu akaisa zasi zvishanu kumusoro.

8Akagadzira tafura gumi akadziisa mutemberi, shanu zasi uye shanu kumusoro. Akagadzirawo mbiya dzegoridhe zana dzokusasa.

9Akagadzira chivanze chavaprista, nechivanze chikuru nemikova yechivanze uye akafukidza mikova nendarira. 10Akaisa Gungwa kudivi rezasi, pakona yezasi yakadziva kumabvazuva.

11Akagadzirazve hari nefoshoro nembiya dzokusasa.

Saka Hurami akapedza basa raakaitira mambo Soromoni mutemberi yaMwari sezvinotevera:

12mbiru mbiri;

misoro miviri yakanga yakaumbwa sembiya pamusoro pembiru;

mimbure miviri yakanga yakashongedza misoro miviri yakanga yakaumbwa pamusoro pembiru;

13Matamba mazana mana emimbure miviri nemimwe yakanga yakashongedza misoro yakanga yakaumbwa sembiya pamisoro yembiru;

14zvigadziko namadhishi azvo;

15Gungwa nehando gumi nembiri pasi paro;

16hari, foshoro, forogo dzenyama, nemimwe midziyo yose.

Zvinhu zvose zvakagadzirwa naHurami-Abhi zvamambo Soromoni zvetemberi yaJehovha zvaiva zvendarira inobwinya. 17Mambo akaita kuti zviumbwe nevhu mubani reJorodhani pakati peSukoti neZaretani. 18Zvinhu izvi zvose zvakagadzirwa naSoromoni zvakanga zvakawanda kwazvo zvokuti uremu hwendarira yakashandiswa hwakanga husingaverengeki.

19Soromoni akagadzirazve midziyo yose yakanga iri mutemberi yaMwari yaiti:

aritari yegoridhe;

tafura dzaiva nechingwa choKuratidza;

20zvigadziko zvemwenje zvegoridhe nemwenje yazvo kuti ipfute pamberi penzvimbo tsvene yomukati sezvakarayirwa;

21maruva egoridhe nemwenje nembato (dzaiva dzegoridhe chairo);

22zvidzimiso zvemwenje, mbiya dzokusasa, madhishi nezvaenga zvomoto zvegoridhe yakaisvonaka namakonhi egoridhe, etemberi: makonhi omukati yapaNzvimbo Tsvene-tsvene namakonhi eimba huru.

Ilustración artística: una interpretación, no un registro histórico.

¿Sabías que…?

Mobiliario para el Templo

  • Los grandes objetos de bronce para el templo, incluido el colosal depósito conocido como el Mar y los doce bueyes que lo sostenían, se fundieron en moldes de barro en la llanura del Jordán, entre Sucot y Sereda (también llamada Saretán). Esta compleja labor metalúrgica fue dirigida por el maestro artesano Hiram-abí.Fuentes: el propio texto bíblico · Hiram · Zeredah
  • El gran Mar de metal fundido tenía un borde en forma de flor de lirio y almacenaba agua destinada exclusivamente para que los sacerdotes se lavaran antes de sus labores sagradas. Diez fuentes separadas se reservaban para lavar las piezas de los animales ofrecidos en holocausto.Fuentes: el propio texto bíblico
  • En el interior del templo, Salomón dispuso diez candelabros y diez mesas de oro puro para los panes de la proposición, así como puertas de oro hacia el Lugar Santísimo y numerosos utensilios dorados, tales como tazones, incensarios y despabiladeras.Fuentes: el propio texto bíblico · Most Holy Place

Notas escritas con ayuda de IA a partir de fuentes abiertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, dominio público) y revisadas antes de publicarse.

Lugares de este capítulo

  • Jordan · Hoy: Jordan River · 31.761, 35.558 · versículo 17
  • Most Holy Place · Hoy: on Mount Moriah · 31.778, 35.236 · versículos 20, 22

Solo aparecen lugares identificados con alta confianza (90 % o más según las fuentes académicas reunidas por OpenBible). Mapa de la época: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; mapa actual: © colaboradores de OpenStreetMap; lugares: OpenBible.info (CC BY 4.0).

Créditos y licencia de esta traducción
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Fuente: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Habla con nosotros

Cuéntanos desde dónde lees, cómo te ha ayudado la Biblia o qué podemos mejorar. Leemos todos los mensajes.