2 Crónicas 24
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toca un versículo para ver sus referencias cruzadas.
Joashi anogadziridza Temberi
1Joashi akanga ane makore manomwe paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore makumi mana. Mai vake vainzi Zibhia uye vaibva kuBheerishebha. 2Joashi akaita zvakanga zvakanaka pamberi paJehovha pamazuva ose aJehoyadha muprista. 3Jehoyadha akamusarudzira vakadzi vaviri uye akava navanakomana navanasikana.
4Kwapera kanguva Joashi akafunga kuti avandudze temberi yaJehovha. 5Akaunganidza vaprista navaRevhi akati kwavari, “Endai kumaguta eJudha mundotora mari inofanira kupiwa gore negore kubva kuIsraeri, yokugadziridza nayo temberi yaMwari wenyu. Zviitei iye zvino.” Asi vaRevhi havana kubva vazviita ipapo.
6Naizvozvo mambo akadaidza Jehoyadha muprista mukuru akati kwaari, “Sei usina kutuma vaRevhi kuti vauyise kubva kuJudha neJerusarema mutero wakarayirwa naMozisi muranda waJehovha neungano yeIsraeri weTende reChipupuriro?”
7Zvino vanakomana vaAtaria mukadzi uya akaipa vakanga vamanikidzira kupinda mutemberi yaMwari uye vakanga vashandisa kunyange midziyo yayo inoera mukunamata Bhaari.
8Mambo akati arayira, bhokisi rakagadzirwa rikaiswa pasuo retemberi yaJehovha. 9Shoko rakatumwa muJudha neJerusarema kuti vaifanira kuuyisa kuna Jehovha mutero wakanga warayirwa naMozisi muranda waMwari kuti vaIsraeri vape murenje. 10Machinda ose navanhu vose vakauyisa zvipo zvavo nomufaro, vakazvikanda mubhokisi kusvikira razara. 11Pose paitakurwa bhokisi richipinzwa mukati navaRevhi kumachinda amambo, uye pavaiona kuti maiva nemari yakawanda, munyori wamambo nomubati womuprista mukuru vaiuya vodurura mari kubva mubhokisi riya voridzorera panzvimbo yaro. Vakaita izvi nguva nenguva uye vakaunganidza mari yakawanda. 12Mambo naJehoyadha akaipa kuvanhu vaizoita basa raidiwa patemberi yaJehovha. Vakaripira vavezi vamatombo navavezi vamatanda kuti vamise pakare temberi yaJehovha, uyewo vapfuri vesimbi nendarira kuti vagadziridze temberi.
13Varume vaibata basa iri vaiva nounyanzvi uye kugadziridza kwose kwakaenderera mberi mumaoko avo. Vakavakazve temberi yaMwari sezvayakanga yakaita pakutanga, vakaisimbisa. 14Pavakapedza vakauyisa imwe mari yose yakanga yasara kuna mambo naJehoyadha, uye yakagadziriswa midziyo yomutemberi yaJehovha: midziyo yokushandisa neyezvipiriso zvinopiswa namadhishi nezvimwe zvegoridhe nesirivha. Jehoyadha paakanga achiri mupenyu, zvipiriso zvinopiswa zvaitopiwa nguva nenguva mutemberi yaJehovha.
15Zvino Jehoyadha akanga akura ava namakore mazhinji, uye akafa ava namakore zana namakumi matatu. 16Akavigwa namadzimambo muGuta raDhavhidhi, nokuda kwezvakanaka zvaakanga aitira Mwari muIsraeri nomutemberi yake.
Kuipa kwaJoashi
17Mushure mokufa kwaJehoyadha, vakuru veJudha vakauya kuzopa rukudzo kuna mambo, uye akateerera kwavari. 18Vakasiya temberi yaJehovha, Mwari wamadzibaba avo, vakanamata matanda aAshera nezvifananidzo. Nokuda kwokutadza kwavo, kutsamwa kwaMwari kwakauya pamusoro peJudha neJerusarema. 19Kunyange zvazvo Jehovha akatumira vaprofita kuvanhu kuti vavadzosere kwaari, uye kunyange vaipupura zvakaipa nezvavo, havana kuteerera.
20Ipapo mweya waJehovha wakauya pana Zekaria, mwanakomana waJehoyadha muprista. Akamira pamberi pavanhu akati, “Zvanzi naMwari, ‘Sei musingateereri mirayiro yaJehovha? Hamusi kuzobudirira. Nokuti makasiya Jehovha, iye akusiyaiwo.’ ”
21Asi ivo vakamupandukira uye nokurayira kwaMambo vakamutaka namabwe kusvikira afa, muchivanze chetemberi yaJehovha. 22Mambo Joashi haana kurangarira tsitsi dzaJehoyadha baba vaZekaria dzavakanga vamuratidza, asi akauraya mwanakomana wake, uye iye paakanga ava kufa akati, “Jehovha ngaazvione izvi uye aite kuti muzvidavirire.”
23Pakupera kwegore hondo yeAramu yakauya kuzorwisa Joashi; yakapamba Judha neJerusarema uye ikauraya vatungamiri vose vavanhu. Vakatumira zvavakanga vapamba zvose kuna mambo wavo kuDhamasiko. 24Kunyange zvazvo hondo yavaAramu yakanga ine varume vashoma shoma, Jehovha akaisa hondo huru kwazvo mumaoko avo. Nokuti Judha yakanga yarasa Jehovha, Mwari wamadzibaba avo, kutongwa kwakaiswa pamusoro paJoashi. 25VaAramu pavakazodzokera shure vakasiya Joashi akuvara zvakanyanya. Machinda ake akarangana akamupa mhosva yokuuraya mwanakomana waJehoyadha muprista, vakamuuraya akarara panhoo yake. Saka akafa akavigwa muGuta raDhavhidhi, asi kwete mumakuva amadzimambo.
26Avo vakarangana pamusoro pake vaiti Zabhadhi mwanakomana waShimeati, mudzimai wechiAmoni, naJehozabhadhi, mwanakomana waShimiriti muMoabhu. 27Nhoroondo dzavanakomana vake, nezvakaprofitwa pamusoro pake nezvakanyorwa pamusoro pokuvandudzwa kwetemberi yaMwari zvakanyorwa mubhuku renhoroondo dzamadzimambo. Uye Amazia mwanakomana wake akamutevera paumambo.
¿Sabías que…?
El Reinado de Joás y la Restauración del Templo
- Para financiar la restauración del templo descuidado, el rey Joás colocó un cofre de ofrendas a la entrada del templo y restableció el tributo asociado con Moisés en el desierto. El pueblo aportó con entusiasmo, lo que permitió a los supervisores contratar canteros, carpinteros y herreros para reparar los daños causados durante el dominio de Atalía.Fuentes: el propio texto bíblico · Athaliah
- El sumo sacerdote Joiada vivió hasta los 130 años y recibió el extraordinario honor de ser sepultado en la Ciudad de David junto a los reyes de Judá. Este entierro real reconoció su papel decisivo en la preservación del linaje de David y en la reforma del culto de la nación.Fuentes: el propio texto bíblico · Jehoiada
- Tras la muerte de Joiada, Joás abandonó el culto en el templo y ordenó apedrear a Zacarías, hijo de Joiada, en el atrio del templo por reprender al reino. En contraste con Joiada, cuando Joás fue asesinado más tarde por sus propios siervos tras una invasión aramea, se le negó la sepultura en las tumbas reales.Fuentes: el propio texto bíblico · Zacharias · Zabad
Notas escritas con ayuda de IA a partir de fuentes abiertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, dominio público) y revisadas antes de publicarse.
Lugares de este capítulo
- Jerusalem · 31.777, 35.234 · versículos 1, 6, 9, 18, 23
- City of David · 31.774, 35.236 · versículos 16, 25
- Damascus · 33.511, 36.306 · versículo 23
- Syria · Hoy: Aram · 33.511, 36.306 · versículos 23, 24
Solo aparecen lugares identificados con alta confianza (90 % o más según las fuentes académicas reunidas por OpenBible). Mapa de la época: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; mapa actual: © colaboradores de OpenStreetMap; lugares: OpenBible.info (CC BY 4.0).
Créditos y licencia de esta traducción
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Language: chiShona Contributor: Biblica, Inc. Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Creative Commons License Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.” Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA). Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us . This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.” Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA). If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us . This translation is made available to you under the terms of the Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0. You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that: You include the above copyright and source information. If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes. If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original. Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents. For other uses, please contact the respective copyright owners. Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19. 2023-04-14
Fuente: http://ebible.org/sna/ · eBible.org