1 Samuel 25
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toca un versículo para ver sus referencias cruzadas.
Dhavhidhi, Nabhari naAbhigairi
1Zvino Samueri akafa, uye Israeri yose yakaungana ikamuchema; uye vakamuviga pamusha pake muRama.
Ipapo Dhavhidhi akaburuka akaenda kuRenje reMaoni. 2Mumwe murume weMaoni, uyo akanga ane pfuma ikoko paKarimeri, akanga akapfuma kwazvo. Akanga ane mbudzi chiuru uye makwai zviuru zvitatu, aakanga achiveura paKarimeri. 3Zita rake rainzi Nabhari uye zita romukadzi wake rainzi Abhigairi. Mukadzi akanga akangwara uye akanaka kwazvo, asi murume wake muKarebhu, akanga ane mwoyo mukukutu akaipa pamagariro ake.
4Dhavhidhi achiri mugwenga, akanzwa kuti Nabhari akanga achiveura makwai ake. 5Saka akatuma majaya gumi akati kwavari, “Endai kuna Nabhari paKarimeri mundomukwazisa muzita rangu. 6Muti kwaari, ‘Rugare kwauri! Utano hwakanaka kwauri neimba yako! Uye utano hwakanaka pazvinhu zvako zvose!
7“ ‘Zvino ndinonzwa kuti ino inguva yokuveura makwai. Vafudzi vako pavakanga vanesu, isu hatina kuvabata zvakaipa, uye nguva yose yavakanga vari paKarimeri hakuna chimwe chezvinhu zvavo chakarasika. 8Ubvunze varanda vako, ivo vachakuudza. Naizvozvo chinzwira majaya angu tsitsi, sezvo tasvika panguva yomutambo. Ndapota ipai varanda venyu nomwanakomana wenyu Dhavhidhi zvose zvamungamuwanira.’ ”
9Vanhu vaDhavhidhi vakati vasvika, vakaudza Nabhari mashoko aya muzita raDhavhidhi. Ipapo vakamirira.
10Nabhari akapindura varanda vaDhavhidhi akati, “Dhavhidhi uyu ndiani? Ndianiko uyu mwanakomana waJese? Varanda vazhinji vanotiza vatenzi vavo mazuva ano aya. 11Ko, ndingatorerei chingwa changu nemvura yangu uye nenyama yandakaurayira vaveuri vangu, ndichipa vanhu vandisingazivi kwavanobva?”
12Vanhu vaDhavhidhi vakatendeuka vakadzokera havo. Vakati vasvika, vakamutaurira mashoko ose. 13Dhavhidhi akati kuvanhu vake, “Pakatai minondo!” Saka vakapakata minondo yavo, naDhavhidhi akapakatawo wake. Varume vanenge mazana mana vakaenda naDhavhidhi, vanokwana mazana maviri vakasara vane nhumbi.
14Mumwe wavaranda akataura kuna Abhigairi mukadzi waNabhari akati, “Dhavhidhi akatuma nhume kubva kurenje kuzokwazisa vatenzi vedu, asi ivo vakavatuka. 15Asi varume ava vakanga vakanaka kwazvo kwatiri. Havana kutibata zvakaipa, uye panguva yose iyi yatakanga tinavo musango hatina kurasikirwa nechinhu. 16Vakanga vari rusvingo kwatiri usiku namasikati nguva yose yatakanga tichifudza makwai edu pedyo navo. 17Zvino fungisisai izvi muone zvamungaita, nokuti njodzi yadongorera pamusoro patenzi wedu neimba yake yose. Iye munhu akaipa zvokuti hakuna angataura naye.”
18Abhigairi haana kupedza nguva. Akatora mazana maviri ezvingwa, matende amatehwe ewaini maviri, makwai akavhiyiwa mashanu, zviyero zvishanu zvezviyo zvakakangwa, mazana mashanu amakeke amazambiringa akaoma uye mazana maviri amakeke amaonde akasvinwa, akazvitakudza mbongoro. 19Ipapo akataura kuvaranda vake akati, “Chitungamirai; ini ndichakuteverai.” Asi haana kuudza murume wake Nabhari.
20Akati achiuya akatasva mbongoro yake pamupata wegomo, vanaDhavhidhi navanhu vake vakaburuka vakananga kwaari, iye akasangana navo. 21Dhavhidhi akanga achangobva kuti, “Zvirokwazvo ndakatamburirei kuchengetedza zvinhu zvose zvomunhu uyu murenje zvokuti hapana chinhu chake chakarasika. Andiripira nezvakaipa pachinzvimbo chezvakanaka. 22Mwari ngaarove Dhavhidhi, amurove kwazvo, kana mangwana mangwanani ndikasiya murume mumwe chete pavanhu vose vaanavo!”
23Abhigairi akati achiona Dhavhidhi, akakurumidza kuburuka pambongoro yake akakotama nechiso chake pamberi paDhavhidhi. 24Akawira pamakumbo ake akati, “Ishe wangu, mhosva iyi ngaive kwandiri ndoga. Ndapota hangu regai murandakadzi wenyu ataure kwamuri; inzwai zvinoreva murandakadzi wenyu. 25Ishe wangu ngaarege kurangarira munhu uya akaipa, iye Nabhari. Akangoita sezita rake, zita rake rinoreva kuti Benzi, uye upenzi hunogara naye. Asi kana ndirini, murandakadzi wenyu, handina kuona vanhu vakanga vatumwa natenzi wangu.
26“Zvino sezvo Jehovha akudzivisai, tenzi wangu, pakuteura ropa uye napakuzvitsivira namaoko enyu, zvirokwazvo naJehovha mupenyu, uye noupenyu hwenyu, vavengi venyu navose vanoda kuitira tenzi wangu zvakaipa ngavafanane naNabhari. 27Uye chipo ichi chauyiswa kuna tenzi nomurandakadzi wenyu ngachipiwe kuvanhu vanokuteverai. 28Ndapota hangu regererai murandakadzi wenyu pakukanganisa kwake, nokuti Jehovha achaitira tenzi wangu imba youmambo yakasimba, nokuti iye anorwa hondo dzaJehovha. Kuita kwakaipa ngakurege kuwanikwa mamuri muupenyu hwenyu hwose. 29Kunyange hazvo mumwe munhu akakudzinganisai kuti akuurayei, upenyu hwatenzi wangu hucharamba hwakasungirirwa pachisote chavapenyu naJehovha Mwari wenyu. Asi upenyu hwavavengi venyu achahupotsera kure sohunobva muhomwe yechimviriri. 30Mushure mokunge Jehovha aitira tenzi wangu zvinhu zvose zvakanaka zvaakavimbisa pamusoro pake uye amugadza kuti ave mutungamiri weIsraeri, 31tenzi wangu haangazovi nomutoro unorema pahana yake wokuteura ropa risina mhosva kana wokuzvitsivira pachake. Uye kana Jehovha akakundisa tenzi wangu, murangarire henyu murandakadzi wenyu.”
32Dhavhidhi akati kuna Abhigairi, “Jehovha ngaarumbidzwe, Mwari waIsraeri, akutuma nhasi kuti uzosangana neni. 33Uropafadzwe iwe nokuda kwokungwara kwako kwakanaka uye nokundiita kuti ndisateura ropa nhasi uye kuti ndisazvitsivira namaoko angu. 34Zvirokwazvo naJehovha Mwari waIsraeri mupenyu, iye andidzivisa kuti ndirege kukuuraya, zvimwe dai usina kukurumidza kusangana neni, hakuna murume pakati pavanhu vaNabhari anga achasiyiwa ari mupenyu mangwana chaiwo kuchiedza.”
35Ipapo Dhavhidhi akagamuchira kubva muruoko rwake zvaakanga amuvigira akati, “Enda kumba norugare. Ndanzwa mashoko ako uye nechikumbiro chako.”
36Abhigairi akati adzokera kuna Nabhari, akanga ari mumba achiita mutambo wakafanana nowamambo. Mwoyo wake wakanga wakafara kwazvo uye akadhakwa. Saka haana chaakamuudza kusvikira mangwana. 37Ipapo mangwanani, Nabhari paakanga asina kudhakwa, mukadzi wake akamuudza zvinhu zvose izvi, mwoyo wake ukaneta uye ukaita sedombo. 38Shure kwamazuva anenge gumi, Jehovha akarova Nabhari akafa.
39Dhavhidhi akati anzwa kuti Nabhari akanga afa, akati, “Jehovha ngaakudzwe, iye akanditsivira mhosva yangu pamusoro paNabhari uyo akandizvidza. Akadzivisa muranda wake kuti arege kuita zvakaipa uye auyisa kuipa kwaNabhari pamusoro pake.”
Ipapo Dhavhidhi akatuma shoko kuna Abhigairi, achimukumbira kuti ave mukadzi wake. 40Varanda vake vakaenda kuKarimeri vakati kuna Abhigairi, “Dhavhidhi atituma kwamuri kuti tikutorei kuti muve mukadzi wake.”
41Akakotamisa chiso chake pasi akati, “Houno murandakadzi wenyu, akazvigadzirira kukushumirai nokushambidza tsoka dzavaranda vatenzi wangu.” 42Abhigairi akakurumidza kutasva mbongoro akaenda navarandakadzi vake vashanu, vakaenda nenhume dzaDhavhidhi, akava mukadzi waDhavhidhi. 43Dhavhidhi akanga awanazve Ahinoami muJezireeri, uye vose vakava vakadzi vake. 44Asi Sauro akanga apa mwanasikana wake Mikari, mukadzi waDhavhidhi, kuna Paritieri mwanakomana waRaishi, akanga achibva kuGarimi.

¿Sabías que…?
David, Nabal y Abigaíl
- El Carmelo mencionado en este capítulo no es el monte Carmelo del norte de Israel, sino una ciudad en la región montañosa de Judá, cerca de Maón y al sur de Hebrón, donde Nabal pastoreaba sus grandes rebaños.Fuentes: Carmel · Maon · el propio texto bíblico
- La esquila de ovejas era tradicionalmente una época de fiesta y hospitalidad. Aunque los hombres de David habían protegido continuamente a los pastores de Nabal en el desierto, Nabal —cuyo nombre significa Necio— rechazó con dureza la solicitud de provisiones de David.Fuentes: Nabal · el propio texto bíblico
- Abigaíl evitó una tragedia al llevar de inmediato abundantes provisiones —incluidos doscientos panes, odres de vino, ovejas preparadas, grano tostado, racimos de pasas y tortas de higos—, apelando a la conciencia de David para evitar que tomara venganza.Fuentes: Abigail · el propio texto bíblico
Notas escritas con ayuda de IA a partir de fuentes abiertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, dominio público) y revisadas antes de publicarse.
Lugares de este capítulo
Solo aparecen lugares identificados con alta confianza (90 % o más según las fuentes académicas reunidas por OpenBible). Mapa de la época: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; mapa actual: © colaboradores de OpenStreetMap; lugares: OpenBible.info (CC BY 4.0).
Créditos y licencia de esta traducción
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Language: chiShona Contributor: Biblica, Inc. Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Creative Commons License Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.” Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA). Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us . This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.” Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA). If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us . This translation is made available to you under the terms of the Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0. You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that: You include the above copyright and source information. If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes. If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original. Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents. For other uses, please contact the respective copyright owners. Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19. 2023-04-14
Fuente: http://ebible.org/sna/ · eBible.org