Nations Bible

1 Samuel 12

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toca un versículo para ver sus referencias cruzadas.

Mashoko aSamueri oKuoneka

1Samueri akati kuvaIsraeri vose, “Ndakateerera zvose zvamakataura kwandiri ndikagadza mambo pamusoro penyu. 2Zvino mava namambo somutungamiri wenyu. Kana ndiri ini, ndakwegura uye ndachena musoro, uye vanakomana vangu vanemi pano. Ndakava mutungamiri wenyu kubvira paudiki hwangu kusvikira zuva ranhasi. 3Zvino ndiri pano. Chindipupurirai pamberi paJehovha nomuzodziwa wake. Ndeyani hando yandakatora? Ndeyani mbongoro yandakatora? Ndiani wandakanyengera? Ndianiko wandakambodzvinyirira? Ndakagamuchira fufuro kubva muruoko rwaani kuti ndipofumadze meso angu? Kana ndakaita chimwe chaizvozvi, ndichazvigadzirisa.”

4Vakapindura vachiti, “Hamuna kutinyengera kana kutidzvinyirira. Hamuna kutora kana chinhu kubva muruoko rwomunhu.”

5Samueri akati kwavari, “Jehovha ndiye chapupu chinokupomerai, uye muzodziwa wake ndiye chapupu zuva ranhasi, kuti hamuna kuwana kana chinhu muruoko rwangu.”

Vakati, “Ndiye chapupu.”

6Ipapo Samueri akati kuvanhu, “Jehovha ndiye akasarudza Mozisi naAroni akabudisa madzitateguru enyu kubva muIjipiti. 7Naizvozvo zvino chimbomirai nditaure nemi pamberi paJehovha pamusoro pezvose zvakarurama zvamakaitirwa naJehovha, imi namadzibaba enyu.

8“Mushure mokunge Jakobho aenda muIjipiti, vakachema kuna Jehovha kuti vabatsirwe, uye Jehovha akatuma Mozisi naAroni, vakabudisa madzitateguru enyu kubva muIjipiti vakavagarisa munzvimbo ino.

9“Asi vakakanganwa Jehovha Mwari wavo; naizvozvo akavatengesa kuna Sisera, mutungamiri wehondo yaHazori, uye nokumaoko avaFiristia namambo weMoabhu, uyo akavarwisa. 10Vakachema zvikuru kuna Jehovha vachiti, ‘Takatadza; takasiya Jehovha tikashandira vanaBhaari navaAshitoreti. Asi iye zvino tinunurei kubva mumaoko avavengi vedu, tigokushumirai.’ 11Ipapo Jehovha akatuma Jerubhi Bhaari, Bharaki, Jefuta naSamueri, uye akakununurai kubva mumaoko avavengi venyu kumativi ose, mukagara zvakanaka.

12“Asi pamakaona kuti Nahashi mambo wavaAmoni akanga achiuya kuzokurwisai, makati kwandiri, ‘Kwete, tinoda kuti tive namambo anotitonga,’ kunyange zvazvo Jehovha Mwari wenyu akanga ari mambo wenyu. 13Zvino hoyu mambo wamasarudza, uyo wamakakumbira; tarirai, Jehovha agadza mambo pamusoro penyu. 14Kana mukatya Jehovha uye mukamushandira nokumuteerera uye mukasamukira mirayiro yake, uye kana imi namambo anotonga pamusoro penyu mukatevera Jehovha Mwari wenyu, zvichava zvakanaka! 15Asi kana mukasateerera Jehovha, uye kana mukamukira mirayiro yake, ruoko rwake rucharwa nemi, sokurwa kwarwakaita namadzibaba enyu.

16“Naizvozvo zvino, rambai mumire muone chinhu chikuru ichi chava kuda kuitwa naJehovha pamberi penyu! 17Haisi nguva yokukohwa gorosi here ino? Ndichadana kuna Jehovha kuti atume kutinhira nemvura. Uye muchaona kuti chinhu chakashata sei chamakaita pamberi paJehovha pamakakumbira kuti mupiwe mambo.”

18Ipapo Samueri akadana kuna Jehovha uye, nomusi iwoyo, Jehovha akatuma kutinhira nemvura, nokudaro vanhu vose vakamira vakatya Jehovha naSamueri.

19Vanhu vose vakati kuna Samueri, “Nyengetererai varanda venyu kuna Jehovha Mwari wenyu kuti tirege kufa, nokuti pamusoro pezvimwe zvivi zvedu takawedzera chivi chokukumbira mambo.”

20Samueri akapindura achiti, “Musatya. Makaita zvose zvakaipa izvi; asi musatsauka kubva kuna Jehovha, asi shumirai Jehovha nomwoyo wenyu wose. 21Musatsaukira kuzvifananidzo zvisina maturo. Hazvina chakanaka chazvingakuitirai, kana kukununurai, nokuti hazvina maturo. 22Nokuda kwezita rake guru Jehovha haazorambi vanhu vake nokuti Jehovha akafadzwa kuti akuitei vake. 23Kana ndiri ini, ngazvive kure neni kuti nditadzire Jehovha nokurega kukunyengetererai. Uye ndichakudzidzisai nzira yakanaka uye yakarurama. 24Asi ityai Jehovha, mumushumire iye nokutendeka, nomwoyo wenyu wose; rangarirai zvinhu zvikuru zvaakakuitirai. 25Asi kana mukaramba muchiita zvakaipa, imi namambo wenyu muchaparadzwa.”

Ilustración artística: una interpretación, no un registro histórico.

¿Sabías que…?

El discurso de despedida de Samuel y la señal de la lluvia

  • Antes de transferir formalmente el liderazgo al rey Saúl, Samuel desafió públicamente a toda la nación a testificar si alguna vez había tomado un buey, recibido soborno u oprimido a alguien durante su gestión. La asamblea confirmó su completa integridad.Fuentes: el propio texto bíblico
  • Samuel recordó a los israelitas su historia, señalando que cada vez que se apartaban de la idolatría, Dios levantaba libertadores como Jerobaal (otro nombre de Gedeón), Jefté y el propio Samuel para librarlos de sus opresores.Fuentes: el propio texto bíblico · Gideon · Jephthah
  • Para mostrar la gravedad de haber exigido un rey terrenal, Samuel clamó a Dios para que enviara truenos y lluvia durante la cosecha de trigo, una época habitualmente seca en la región. La tormenta repentina llevó al pueblo a temer a Dios y a rogar la intercesión de Samuel.Fuentes: el propio texto bíblico

Notas escritas con ayuda de IA a partir de fuentes abiertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, dominio público) y revisadas antes de publicarse.

Lugares de este capítulo

  • Egypt · 30.129, 31.308 · versículos 6, 8
  • Hazor · Hoy: Tel Hazor · 33.018, 35.569 · versículo 9
  • Moab · Hoy: Moab 1 · 31.181, 35.701 · versículo 9
  • Ammon · 31.955, 35.934 · versículo 12

Solo aparecen lugares identificados con alta confianza (90 % o más según las fuentes académicas reunidas por OpenBible). Mapa de la época: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; mapa actual: © colaboradores de OpenStreetMap; lugares: OpenBible.info (CC BY 4.0).

Créditos y licencia de esta traducción
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Fuente: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Habla con nosotros

Cuéntanos desde dónde lees, cómo te ha ayudado la Biblia o qué podemos mejorar. Leemos todos los mensajes.