1 Reyes 9
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toca un versículo para ver sus referencias cruzadas.
Jehovha anozviratidza kuna Soromoni
1Zvino Soromoni akati apedza kuvaka temberi yaJehovha nomuzinda wamambo nezvose zvaaida kuvaka, 2Jehovha akazviratidza kwaari kechipiri, sezvaakazviratidza kwaari paGibheoni. 3Jehovha akati kwaari:
“Ndanzwa munyengetero wako nechikumbiro chako chawaita pamberi pangu; temberi iyi yawavaka ndaiita tsvene, nokuisa Zita rangu mairi nokusingaperi. Meso angu nomwoyo wangu zvichavamo nguva dzose.
4“Zvino iwe, kana ukafamba pamberi pangu nomwoyo wakanaka nokururama, sezvakaitwa naDhavhidhi baba vako, uye ukaita zvose zvandinorayira uye ukatevera mitemo nemirayiro yangu, 5ndichasimbisa chigaro chako choushe pamusoro peIsraeri nokusingaperi sezvandakavimbisa Dhavhidhi baba vako pandakati, ‘Hapangashayikwi munhu anokutevera pachigaro choushe chaIsraeri.’
6“Asi kana mukarega kunditevera, imi kana vana venyu, uye mukarega kuchengeta mirayiro yangu nemitemo yangu yandakaisa pamberi penyu, asi mukaenda kundoshumira vamwe vamwari uye mukavanamata, 7ipapo ndichaparadza Israeri panyika yandakavapa ndigofuratira temberi iyi yandaita tsvene nokuda kweZita rangu. Ipapo Israeri ichazova chirevo nechiseko pakati pamarudzi ose avanhu. 8Kunyange zvazvo temberi iyi ichishamisa kwazvo iye zvino, avo vachazopfuura napairi vachazoshamiswa vagoshora vachiti, ‘Jehovha aitirei chinhu chakadai kunyika iyi nokutemberi iyi?’ 9Vanhu vachapindura vachiti, ‘Nokuti vakasiya Jehovha Mwari wavo akabudisa madzibaba avo muIjipiti, uye vakanamatira vamwe vamwari, vachivanamata nokuvashandira, ndokusaka Jehovha akauyisa dambudziko guru rakadai pavari.’ ”
Zvimwe Zvakaitwa naSoromoni
10Makore makumi maviri akati apera, panguva yakavakwa dzimba idzi mbiri naSoromoni, temberi yaJehovha nomuzinda wamambo, 11Mambo Soromoni akapa Hiramu mambo weTire maguta makumi maviri muGarirea, nokuti Hiramu akanga amupa misidhari, misipuresi negoridhe, zvose zvaaida. 12Asi Hiramu paakabva kuTire akaenda kundoona maguta aya aakanga apiwa naSoromoni, haana kufadzwa nawo. 13Akabvunza akati, “Maguta erudzii aya awandipa, hama yangu?” Naizvozvo akaatumidza zita rokuti Nyika yeKabhuru, rinova ndiro zita rawo nanhasi. 14Zvino Hiramu akanga atumira mambo matarenda zana namakumi maviri egoridhe.
15Heino nhoroondo yechibharo chakashandiswa naMambo Soromoni pakuvaka temberi yaJehovha, muzinda wake, Miro, rusvingo rweJerusarema neHazori, Megidho neGezeri. 16Faro mambo weIjipiti akanga arwisa uye akatora Gezeri. Akanga aripisa nomoto. Akauraya vaKenani vaigara mariri akaripa kumwanasikana wake, mukadzi waSoromoni sechipo pakuwanikwa kwake. 17Uye Soromoni akavaka Gezeri patsva. Akavaka Bheti Horoni yeZasi, 18Bhaarati, neTadhimori murenje, munyika imomo, 19pamwe chete namaguta ake ose amatura, namaguta engoro dzake namabhiza ake, zvose zvaakada kuvaka muJerusarema, muRebhanoni nomunyika yose yaaitonga.
20Vanhu vose vakanga vasara pavaAmori, vaHiti, vaPerizi, vaHivhi navaJebhusi (vanhu ava vakanga vasiri vaIsraeri), 21vana vavo vakanga vasara munyika, vasina kugona kuparadzwa zvachose navaIsraeri, ivava Soromoni akavaunganidza kuti vashande savaranda vake, sezvazviri kusvikira nhasi. 22Asi Soromoni haana kuita varanda pakati pavaIsraeri; ndivo vaiva mauto ake, makurukota ake ehurumende, machinda ake, vatungamiri vake vamauto, varayiri vezvengoro navachairi vengoro. 23Ndivozve vaiva machinda makuru aiona nezvamabasa aiitwa naSoromoni, vatariri mazana mashanu namakumi mashanu vaitungamirira vanhu vaiita basa.
24Mushure mokunge mwanasikana waFaro abva kuGuta raDhavhidhi akauya kumuzinda wake waakanga avakirwa naSoromoni, Soromoni akavaka Miro.
25Katatu pagore Soromoni akabayira zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa paaritari yaakanga avakira Jehovha, akapisa zvinonhuhwira pamwe chete nazvo pamberi paJehovha. Saizvozvo akapedza nezvetemberi.
26Mambo Soromoni akavakawo zvikepe paEzioni Gebheri, iri pedyo neEroti muEdhomu, pamahombekombe eGungwa Dzvuku. 27Uye Hiramu akatuma varanda vake, vafambisi vezvikepe vaiziva gungwa kuti vazoshandisa zvikepe pamwe chete navaranda vaSoromoni. 28Vakaenda kuOfiri, vakandodzokako namazana mana namakumi maviri amatarenda egoridhe, ayo avakandopa Mambo Soromoni.

¿Sabías que…?
El pacto, las construcciones y las alianzas de Salomón
- Tras veinte años de construcción del templo y del palacio real, Salomón entregó veinte ciudades de Galilea al rey Hiram de Tiro a cambio de madera de cedro, ciprés y oro. Cuando Hiram fue a inspeccionar las ciudades, no le agradaron y llamó a la región "tierra de Cabul".Fuentes: el propio texto bíblico · Hiram · Tyre
- La estratégica ciudad de Gézer permaneció en manos cananeas hasta que un faraón egipcio la conquistó e incendió, entregándola como dote nupcial a su hija cuando se casó con Salomón. Luego Salomón reconstruyó y fortificó Gézer junto con las defensas de Jerusalén y varias ciudades de aprovisionamiento.Fuentes: el propio texto bíblico · Gezer · Daughter of Pharaoh
- Salomón estableció una flota marítima en Ezión-guéber, en la costa del mar Rojo, en Edom. En colaboración con experimentados marineros fenicios enviados por Hiram de Tiro, la expedición navegó hasta Ofir y trajo 420 talentos de oro.Fuentes: el propio texto bíblico · Hiram
Notas escritas con ayuda de IA a partir de fuentes abiertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, dominio público) y revisadas antes de publicarse.
Lugares de este capítulo
- Gibeon · Hoy: El Jib · 31.847, 35.183 · versículo 2
- Egypt · 30.129, 31.308 · versículos 9, 16
- Galilee · 32.760, 35.527 · versículo 11
- Tyre · 33.271, 35.196 · versículos 11, 12
- Cabul · Hoy: Cabul 2 · 32.868, 35.211 · versículo 13
- Gezer · Hoy: Tel Gezer · 31.859, 34.919 · versículos 15, 16, 17
- Hazor · Hoy: Tel Hazor · 33.018, 35.569 · versículo 15
- Jerusalem · 31.777, 35.234 · versículos 15, 19
- Megiddo · Hoy: Tel Megiddo · 32.585, 35.184 · versículo 15
- Lower Beth-horon · Hoy: Beit Ur al Tahta · 31.895, 35.084 · versículo 17
- Lebanon · 33.540, 35.584 · versículo 19
- City of David · 31.774, 35.236 · versículo 24
- Edom · 30.746, 35.604 · versículo 26
- Red Sea · Hoy: Gulf of Aqaba · 28.750, 34.750 · versículo 26
Solo aparecen lugares identificados con alta confianza (90 % o más según las fuentes académicas reunidas por OpenBible). Mapa de la época: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; mapa actual: © colaboradores de OpenStreetMap; lugares: OpenBible.info (CC BY 4.0).
Créditos y licencia de esta traducción
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Language: chiShona Contributor: Biblica, Inc. Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Creative Commons License Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.” Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA). Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us . This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.” Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA). If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us . This translation is made available to you under the terms of the Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0. You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that: You include the above copyright and source information. If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes. If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original. Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents. For other uses, please contact the respective copyright owners. Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19. 2023-04-14
Fuente: http://ebible.org/sna/ · eBible.org