1 Reyes 21
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toca un versículo para ver sus referencias cruzadas.
Munda weMizambiringa waNabhoti
1Kwapera nguva yakati, pane imwe nyaya yakaitika pamusoro pomunda wemizambiringa waNabhoti muJezireeri. Munda wemizambiringa uyu waiva muJezireeri, pedyo nomuzinda waAhabhu mambo weSamaria. 2Ahabhu akati kuna Nabhoti, “Ndipe munda wako wemizambiringa kuti ndiuite bindu romuriwo, sezvo uri pedyo nomuzinda wangu. Ini ndichatsinhanhisa nokukupa munda wemizambiringa uri nani, kana kuti, kana uchida, ndichakuripa mari inoenderana nomutengo wawo.”
3Asi Nabhoti akapindura akati, “Jehovha ngaazvirambidze kuti ndikupei nhaka yamadzibaba angu.”
4Saka Ahabhu akaenda kumba akasuwa uye akashatirwa nokuti Nabhoti muJezireeri akanga ati, “Handisi kuzokupai nhaka yamadzibaba angu.” Akarara pamubhedha wake akazvidya mwoyo, akaramba kudya.
5Jezebheri, mukadzi wake, akapindamo akamubvunza akati, “Sei makasuwa kudai? Sei musiri kudya?”
6Akamupindura akati, “Nokuti ndati kuna Nabhoti muJezireeri, ‘Nditengesere munda wako wemizambiringa; kana kuti, kana uchida, ndichakupa mumwe munda wemizambiringa kune imwe nzvimbo kuti, utsive uyu.’ Asi iye ati, ‘Handisi kuzokupai munda wangu wemizambiringa.’ ”
7Jezebheri, mukadzi wake akati, “Izvi ndizvo here zvamunoita samambo weIsraeri? Simukai mudye! Faranukai. Ndichakuwanirai munda wemizambiringa waNabhoti muJezireeri.”
8Naizvozvo akanyora matsamba muzita raAhabhu, akadhinda chidhindo chake padziri, akadzitumira kuvakuru nokumachinda aaigara nawo muguta raNabhoti.
9Mumatsamba aya akanyora akati:
“Daidzirai zuva rokutsanya mugogadzika Nabhoti panzvimbo yakakwirira pakati pavanhu. 10Asi gadzai nhubu mbiri pakatarisana naye uye mugoita kuti dzipupure dzichiti akatuka Mwari namambo. Ipapo mutorei muende naye kunze mugomutaka namabwe kusvikira afa.”
11Saka vakuru namachinda vaigara muguta raNabhoti vakaita sezvakanga zvarayirwa naJezebheri mumatsamba aakanga avanyorera. 12Vakadaidzira zuva rokutsanya ndokugadzika Nabhoti panzvimbo yakakwirira pakati pavanhu. 13Ipapo nhubu mbiri dzakauya dzikagara dzakatarisana naye dzikapomera Nabhoti mhosva pamberi pavanhu, dzichiti, “Nabhoti akatuka Mwari namambo.” Naizvozvo vakamutora vakaenda naye kunze kweguta vakamutaka namabwe kusvikira afa. 14Ipapo vakatumira shoko kuna Jezebheri vachiti, “Nabhoti atakwa namabwe uye afa.”
15Jezebheri paakangonzwa chete kuti Nabhoti akanga atakwa namabwe akafa, akati kuna Ahabhu, “Simukai muende mundotora munda wemizambiringa waNabhoti muJezireeri waakaramba kukutengeserai. Haachisiri mupenyu, asi afa.” 16Ahabhu paakanzwa kuti Nabhoti akanga afa, akasimuka akaenda kundotora munda wemizambiringa waNabhoti.
17Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Eria muTishibhi richiti, 18“Buruka pasi undosangana naAhabhu mambo weIsraeri, uyo ari kutonga muSamaria. Iye zvino ari mumunda wemizambiringa waNabhoti, waaenda kundotora. 19Uti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha: Hauna here kuuraya munhu ukamutorera zvinhu zvake?’ Ipapo uti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha: Panzvimbo yakananzvwa ropa raNabhoti nembwa, imbwa dzichananzva ropa rakowo ipapo, hongu, rako!’ ”
20Ahabhu akati kuna Eria, “Saka wandiwanaka, muvengi wangu!”
Akapindura akati, “Ndakuwana nokuti wazvitengesa kuti uite zvakaipa pamberi paJehovha. 21‘Ndichauyisa dambudziko guru pamusoro pako. Ndichaparadza vana vako ndigouraya murume wose weimba yaAhabhu muIsraeri, muranda neasiri muranda. 22Ndichaita kuti imba yako ifanane neyaJerobhoamu mwanakomana waNebhati neyaBhaasha mwanakomana waAhija, nokuti waita kuti ndishatirwe uye waita kuti Israeri iite chivi.’
23“Zvino kana ari Jezebheriwo, Jehovha anoti: ‘Imbwa dzichadya Jezebheri pamasvingo eJezireeri.’
24“Imbwa dzichadya avo vaAhabhu vachafira muguta, uye shiri dzedenga dzichadya avo vachafira musango.”
25Hapana kumbova nomunhu akaita saAhabhu, akazvitengesa kuti aite zvakaipa pamberi paJehovha, achikurudzirwa naJezebheri mukadzi wake. 26Akaita zvinonyangadza kwazvo nokutevera zvifananidzo, sezvakanga zvaitwa navaAmori, avo vakanga vadzingwa naJehovha pamberi pavaIsraeri.
27Ahabhu paakanzwa mashoko aya, akabvarura nguo dzake, akapfeka masaga akatsanya. Akapfeka masaga akafamba achizvininipisa.
28Ipapo shoko raJehovha rakauya kuna Eria muTishibhi richiti, 29“Waona here kuti Ahabhu azvininipisa sei pamberi pangu? Nokuti azvininipisa, handichauyisa dambudziko guru iri mumazuva ake, asi ndichariuyisa paimba yake mumazuva omwanakomana wake.”

¿Sabías que…?
La viña de Nabot y el juicio divino
- Nabot se negó a vender o cambiar su viña porque era la herencia de sus padres, la cual la ley israelita prohibía enajenar de manera permanente.Fuentes: Naboth · el propio texto bíblico
- La reina Jezabel orquestó la muerte de Nabot escribiendo cartas a nombre de Acab y sellándolas con su sello, ordenando a los ancianos locales organizar un juicio donde dos testigos falsos lo acusaron de blasfemia y traición.Fuentes: Jezebel · el propio texto bíblico
- Cuando Elías confrontó a Acab en la viña recién confiscada, anunció que la dinastía de Acab sufriría una destrucción total, tal como las dinastías anteriores de Jeroboam hijo de Nabat y de Baasa hijo de Ahías.Fuentes: Baasha · Jeroboam · el propio texto bíblico
Notas escritas con ayuda de IA a partir de fuentes abiertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, dominio público) y revisadas antes de publicarse.
Lugares de este capítulo
Solo aparecen lugares identificados con alta confianza (90 % o más según las fuentes académicas reunidas por OpenBible). Mapa de la época: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; mapa actual: © colaboradores de OpenStreetMap; lugares: OpenBible.info (CC BY 4.0).
Créditos y licencia de esta traducción
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Language: chiShona Contributor: Biblica, Inc. Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Creative Commons License Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.” Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA). Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us . This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.” Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA). If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us . This translation is made available to you under the terms of the Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0. You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that: You include the above copyright and source information. If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes. If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original. Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents. For other uses, please contact the respective copyright owners. Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19. 2023-04-14
Fuente: http://ebible.org/sna/ · eBible.org