1 Crónicas 11
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toca un versículo para ver sus referencias cruzadas.
Dhavhidhi anova Mambo weIsraeri
1VaIsraeri vose vakaungana kuna Dhavhidhi paHebhuroni vakati, “Isu tiri nyama yenyu neropa renyu. 2Kare kunyange Sauro paaiva mambo ndimi maitungamirira Israeri kundorwa. Uye Jehovha Mwari wenyu akati kwamuri, ‘Uchafudza vanhu vangu vaIsraeri uye uchava mutongi wavo.’ ”
3Vakuru vose veIsraeri pavakauya kuna mambo Dhavhidhi paHebhuroni, akaita sungano navo paHebhuroni pamberi paJehovha, uye vakazodza Dhavhidhi kuti ave mambo weIsraeri sezvakanga zvavimbiswa naJehovha kubudikidza naSamueri.
Dhavhidhi anokunda Jerusarema
4Dhavhidhi navaIsraeri vose vakaenda kuJerusarema (ndiro Jebhusi). VaJebhusi vaigaramo 5vakati kuna Dhavhidhi, “Hamusi kuzopinda muno.” Kunyange zvakadaro Dhavhidhi akatapa nhare yeZioni, Guta raDhavhidhi.
6Dhavhidhi akanga ati, “Achatungamirira kundorwisa vaJebhusi ndiye achava mukuru wavarwi.” Joabhu mwanakomana waZeruya ndiye akatanga kuenda, saka akapiwa utungamiri hwacho.
7Dhavhidhi akagara munhare yeZioni, saka rakazodaidzwa kuti Guta raDhavhidhi. 8Akavaka guta richipoteredza, kubva pamihomba yokutsigira kusvikira kurusvingo rwakanga rwakapoteredza, Joabhu achivaka patsva chimwe chikamu chose cheguta. 9Uye Dhavhidhi akaramba achiva nesimba guru nokuti Jehovha Wamasimba Ose aiva naye.
Machinda aDhavhidhi
10Ava ndivo vaiva vakuru pakati pavarume voumhare vaiva naDhavhidhi, avo pamwe chete neIsraeri yose, vakatsigira umambo hwake zvakasimba kuti husvike munyika yose sokuvimbisa kwakanga kwaita Jehovha. 11Aya ndiwo mazita avarume voumhare vaiva naDhavhidhi:
Jashobheami, muHakimoni, aiva mukuru wamachinda ehondo; akasimudza pfumo rake akarwa navarume mazana matatu, avo vaakauraya pakurwisana panguva imwe chete.
12Aimutevera ainzi Ereazari mwanakomana waDhodhai muAhohi mumwe wavarume voumhare vatatu. 13Aiva naDhavhidhi paPasi Dhamimi vaFiristia pavakaungana ipapo kuzorwa. Pane imwe nzvimbo paiva nomunda wakanga uzere nebhari, varwi vakatiza vaFiristia. 14Asi ivo vakaramba vamire pakati pomunda vakaurwira vakauraya vaFiristia uye Jehovha akaita kuti vakunde nokukunda kukuru.
15Vatatu pakati pamakumi matatu avakuru vakaburukira kuna Dhavhidhi kuDombo pabako reAdhurami, uye hondo yavaFiristia yakanga yadzika matende muMupata weRefaimi. 16Panguva iyoyo Dhavhidhi akanga ari munhare, uye boka rehondo yavaFiristia rakanga riri paBheterehema. 17Dhavhidhi akanzwa nyota akati, “Haiwa, dai mumwe munhu ainondicherera mvura yokunwa kubva mutsime riri pedyo nesuo reBheterehema!” 18Saka Vatatu ava vakapinda napakati pehondo dzavaFiristia, vakachera mvura kubva mutsime raiva pedyo nesuo reBheterehema vakaenda nayo kuna Dhavhidhi. Asi akaramba kuinwa akaidururira pasi pamberi paJehovha. 19Dhavhidhi akati, “Mwari ngaandidzivise ndiregere kunwa izvi! Ndinganwa here ropa ravarume ava vaenda vachiisa upenyu hwavo panjodzi?” Nokuti vakaisa upenyu hwavo panjodzi kuti vadzoke vanayo, Dhavhidhi akaramba kuinwa.
Aya ndiwo mamwe amabasa okukunda akaitwa navarume voumhare vatatu.
20Abhishai mununʼuna waJoabhu akanga ari mukuru waVatatu Ava. Akasimudza pfumo rake kuti arwise varume mazana matatu, akavauraya, uye akava nomukurumbira saVatatu Vaya. 21Akaremekedzwa zvakapetwa kaviri pamusoro paVatatu Vaya uye akaitwa mutungamiri wavo, kunyange zvazvo akanga asina kuverengerwa pakati pavo.
22Bhenaya mwanakomana waJehoyadha aiva murwi woumhare aibva kuKabhizeeri, akaita mabasa makuru. Akauraya mhare mbiri dzapamusoro dzavaMoabhu. Akapindawo mugomba mumwe musi kuine chando akauraya shumba. 23Uye akauraya muIjipita akanga akareba makubhiti mashanu. Kunyange zvazvo muIjipita akanga akapakata pfumo rainge tsvimbo yomuruki muruoko rwake, Bhenaya akamurwisa netsvimbo. Akabvuta pfumo kubva muruoko rwomuIjipita akamuuraya nepfumo rake. 24Aya ndiwo aiva mabasa aBhenaya mwanakomana waJehoyadha; naiyewo akaita mukurumbira savarume vatatu voumhare. 25Akakudzwa nokuremekedzwa kukuru kupfuura Vaya Makumi Matatu, asi akanga asiri pakati paVatatu Vaya. Uye Dhavhidhi akamuita mutariri wavarindi vake.
26Varume voumhare vaiva:
Asaheri mununʼuna waJoabhu,
Erihanani mwanakomana waDhodho aibva kuBheterehema.
27Shamoti muHarori,
Herezi muPeroni,
28Ira mwanakomana waIkeshi aibva kuTekoa,
Abhiezeri aibva kuAnatoti,
29Sibhekai muHushati,
Irai muAhohi,
30Maharai muNetofati,
Heredhi mwanakomana waBhaana muNetofati,
31Itai mwanakomana waRibhai aibva kuGibhea muBhenjamini,
Bhenaya muPiratoni,
32Hurai aibva kuhova dzeGaashi,
Abhieri muAribhati,
33Azimavheti muBhaharumi,
Eriabha muShaaribhoni,
34vanakomana vaHashemi muGizoni,
Jonatani mwanakomana waShage muHarari,
35Ahiami mwanakomana waSaka muHarari,
Erifari mwanakomana waUri,
36Heferi muMekerati,
Ahija muPeroni,
37Heziro muKarimeri,
Naarai mwanakomana waEzibhai,
38Joere mununʼuna waNatani,
Mibha mwanakomana waHagiri,
39Zereki muAmoni,
Naharai muBheroti, mubati wenhumbi dzokurwa nadzo dzaJoabhu mwanakomana waZeruya,
40Ira muItiri,
Garebhi muItiri,
41Uria muHiti,
Zabhadhi mwanakomana waArai,
42Adhina mwanakomana waShiza muRubheni iye aiva mukuru wavaRubheni, navaya makumi matatu, vaaiva navo,
43Hanani mwanakomana waMaaka,
Joshafati muMitini,
44Uzia muAshiterati,
Shama naJeyeri vanakomana vaHotamu muAroeri,
45Jedhieri mwanakomana waShimiri,
mununʼuna wake Joha muTizi,
46Erieri muMahavhi,
Jeribhai naJoshavhia vanakomana vaErinaami,
Itima muMoabhu,
47Erieri, Obhedhi naJaasieri muMezobhai.
¿Sabías que…?
La Coronación de David y Sus Valientes
- Antes de que David la conquistara, Jerusalén era conocida como Jebús, una plaza fuerte cananea en el monte Sion que sus habitantes consideraban inexpugnable. David prometió el mando militar a quien encabezara el asalto, distinción que obtuvo su sobrino Joab.Fuentes: Jebus · Joab · el propio texto bíblico
- Cuando David expresó su anhelo de beber agua del pozo junto a la puerta de Belén, tres de sus principales guerreros atravesaron el campamento filisteo para conseguirla. Negándose a beber un agua obtenida a riesgo de sus vidas, David la derramó en tierra como ofrenda al Señor.Fuentes: Bethlehem · Jashobeam · Eleazar · el propio texto bíblico
- Benaías, hijo de Joiada, fue famoso por singulares hazañas bélicas, entre ellas matar a un león dentro de un foso en un día nevado y vencer a un imponente guerrero egipcio solo con una vara. David lo puso al mando de su guardia real.Fuentes: Benaiah · el propio texto bíblico
Notas escritas con ayuda de IA a partir de fuentes abiertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, dominio público) y revisadas antes de publicarse.
Lugares de este capítulo
- Hebron · Hoy: Tel Rumeida · 31.525, 35.102 · versículos 1, 3
- Jerusalem · 31.777, 35.234 · versículos 4, 8
- City of David · 31.774, 35.236 · versículos 5, 7
- Zion · Hoy: Jerusalem · 31.777, 35.234 · versículo 5
- Valley of Rephaim · 31.763, 35.219 · versículo 15
- Bethlehem · 31.704, 35.208 · versículos 16, 17, 18, 26
- Moab · Hoy: Moab 1 · 31.181, 35.701 · versículos 22, 46
- Tekoa · Hoy: Khirbet Teku’a · 31.632, 35.210 · versículo 28
- Arabah · 30.417, 35.151 · versículo 32
- Ammon · 31.955, 35.934 · versículo 39
- Jattir · Hoy: Khirbet Attir · 31.352, 35.016 · versículo 40
- Zobah · 33.935, 36.151 · versículo 47
Solo aparecen lugares identificados con alta confianza (90 % o más según las fuentes académicas reunidas por OpenBible). Mapa de la época: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; mapa actual: © colaboradores de OpenStreetMap; lugares: OpenBible.info (CC BY 4.0).
Créditos y licencia de esta traducción
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Language: chiShona Contributor: Biblica, Inc. Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Creative Commons License Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.” Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA). Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us . This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.” Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA). If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us . This translation is made available to you under the terms of the Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0. You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that: You include the above copyright and source information. If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes. If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original. Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents. For other uses, please contact the respective copyright owners. Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19. 2023-04-14
Fuente: http://ebible.org/sna/ · eBible.org