Numbers 6
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Tap a verse to see its cross-references.
MuNaziri
1Jehovha akati kuna Mozisi, 2“Taura kuvaIsraeri uti kwavari: ‘Kana murume kana mukadzi akada kuita mhiko yakasarudzika, iyo mhiko yokuzvitsaurira kuna Jehovha somuNaziri, 3anofanira kusanwa waini nezvimwe zvinodhaka uye haafaniri kunwa vhiniga yakaitwa newaini kana nezvimwe zvinonwiwa zvinodhaka. Haafaniri kunwa muto wamazambiringa, kana kudya mazambiringa, kana akaomeswa. 4Panguva yose youNaziri hwake, haafaniri kudya chinhu chipi zvacho chinobva pamuti womuzambiringa, dzingava mhodzi kana mateko zvawo.
5“ ‘Mazuva ose okupika kwake kwokuzvitsaura hapana chisvo chichashandiswa kuveura musoro wake. Anofanira kuva mutsvene kusvikira nguva yokutsaurirwa kwake kuna Jehovha yapera; anofanira kurega bvudzi romusoro wake rirebe. 6Haafaniri kuswedera pachitunha mazuva ose aakazvitsaurira kuna Jehovha. 7Kunyange kana baba vake chaivo, kana mai vake, kana mununʼuna kana hanzvadzi vafa, haafaniri kuzvisvibisa nokuda kwavo, nokuti chiratidzo chokuzvitsaurira kuna Mwari chiri pamusoro wake. 8Mutsvene kuna Jehovha pamazuva ake ose aakazvitsaura.
9“ ‘Kana mumwe munhu akafa pakarepo iye ari ipapo, nokudaro akasvibisa bvudzi raakakumikidza, anofanira kuveura musoro wake nezuva rokunatswa kwake, iro zuva rechinomwe. 10Ipapo nezuva rorusere anofanira kuuya nenjiva mbiri kana twana tuviri twenjiva kumuprista ari pamusuo weTende Rokusangana. 11Muprista anofanira kupa imwe yacho sechipiriso chechivi uye imwe yacho sechipiriso chinopiswa kuti amuyananisire nokuti iye akatadza paakava pedyo nechitunha. Anofanira kunatsa musoro wake nezuva iroro. 12Anofanira kuzvikumikidza kuna Jehovha panguva yokuzvitsaura kwake uye anofanira kuuya nomukono wegwayana regore rimwe chete sechipiriso chemhosva.
13“ ‘Zvino uyu ndiwo murayiro womuNaziri panopera nguva yokuzvitsaura kwake. Anofanira kuuyiswa kumusuo weTende Rokusangana. 14Anofanira kupa kuna Jehovha chipiriso chake ipapo: mukono wegore rimwe chete wegwayana risina charingapomerwa kuti rive chipiriso chinopiswa, sheshe yegwayana regore rimwe chete isina kuremara kuti chive chipiriso chokuwadzana, 15pamwe chete nechipiriso chezviyo nechipiriso chokunwa, uye dengu rechingwa chisina mbiriso, keke rakaitwa noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta, nezvingwa zvitete zvakazorwa mafuta.
16“ ‘Muprista anofanira kuuya nazvo pamberi paJehovha agoita chipiriso chechivi nechipiriso chinopiswa. 17Anofanira kuuyisa dengu rechingwa chisina mbiriso uye agobayira gondobwe sechipiriso chokuwadzana kuna Jehovha, pamwe chete nechipiriso chezviyo nechipiriso chinonwiwa.
18“ ‘Zvino pamusuo weTende Rokusangana, muNaziri anofanira kuveura bvudzi riya raakakumikidza. Anofanira kutora bvudzi iro agoriisa mumoto uri pasi pechibayiro chokuwadzana.
19“ ‘Shure kwokunge muNaziri aveura bvudzi rokuzvikumikidza kwake, muprista anofanira kuisa mumaoko ake bandauko rakabikwa regondobwe, uye keke nechingwa chitete kubva mudengu, zvose zvakabikwa zvisina mbiriso. 20Ipapo muprista achazvininira pamberi paJehovha sechipiriso chokuninira; izvi zvitsvene uye ndezvomuprista, pamwe chete nechipfuva chakaninirwa uye chidya chakakumikidzwa. Shure kwaizvozvo, muNaziri anganwa hake waini.
21“ ‘Uyu ndiwo murayiro womuNaziri anenge apikira chipiriso kuna Jehovha maererano nokuzvitsaura kwake pamusoro pezvimwe zvose zvaanenge achigona kupa. Anofanira kuzadzisa mhiko yaakaita, zviri maererano nomurayiro womuNaziri.’ ”
Kuropafadza kwoMuprista
22Jehovha akati kuna Mozisi, 23“Udza Aroni navanakomana vake uti, ‘Munofanira kuropafadza vaIsraeri nomutoo uyu. Muti kwavari:
24“ ‘Jehovha akuropafadzei
uye akuchengetei;
25Jehovha ngaapenyese chiso chake pamusoro penyu
uye akunzwirei tsitsi;
26Jehovha ngaarinzire chiso chake kwamuri
uye akupei rugare.’ ”
27“Saka vachaisa zita rangu pamusoro pavaIsraeri, uye ndichavaropafadza.”

Did you know?
The Nazirite Vow and the Priestly Blessing
- The Nazirite vow was a voluntary period of special consecration to God available to both men and women. During this time, the person had to abstain completely from grape products and fermented drinks, leave their hair uncut, and avoid ritual defilement from any dead body, even that of an immediate family member.Sources: the Bible text itself
- When the period of separation ended, the Nazirite brought sacrifices to the entrance of the Tent of Meeting, shaved their head of hair, and burned the hair in the fire beneath the peace offering sacrifice. After the priest offered the required portions before God, the vow concluded and the person was allowed to drink wine again.Sources: the Bible text itself
- The chapter concludes with the priestly blessing that God instructed Moses to give to Aaron and his sons. By invoking God's protection, shining face, grace, and peace, the priests placed the divine name upon the people of Israel.Sources: the Bible text itself · Moses · Aaron
Notes written with AI assistance from open sources (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, public domain) and reviewed before publishing.
Credits and license for this translation
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Language: chiShona Contributor: Biblica, Inc. Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Creative Commons License Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.” Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA). Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us . This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.” Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA). If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us . This translation is made available to you under the terms of the Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0. You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that: You include the above copyright and source information. If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes. If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original. Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents. For other uses, please contact the respective copyright owners. Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19. 2023-04-14
Source: http://ebible.org/sna/ · eBible.org