Numbers 25
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Tap a verse to see its cross-references.
Moabhu anonyengera Israeri
1Panguva yakanga igere Israeri paShitimu, varume vakatanga kuita upombwe navakadzi vokuMoabhu, 2avo vakavakoka kuti vauye kuzvibayiro zvavamwari vavo. Vanhu vakadya, vakapfugamira vamwari ava. 3Saka Israeri akabatana navo pakunamata Bhaari wePeori, uye kutsamwa kwaJehovha kukapfuta pamusoro pavo.
4Jehovha akati kuna Mozisi, “Tora vatungamiri vose vavanhu ava, uvauraye uvaise pachena masikati machena pamberi paJehovha, kuti kutsamwa kunotyisa kwaJehovha kudzorwe kubva pana Israeri.”
5Saka Mozisi akati kuvatongi veIsraeri, “Mumwe nomumwe wenyu anofanira kuuraya varume ava vari pakati penyu, avo vakazvibatanidza pakunamata Bhaari wePeori.”
6Ipapo mumwe murume muIsraeri akauyisa kumhuri yake mukadzi womuMidhiani pamberi paMozisi chaipo, ungano yose yaIsraeri pavakanga vachichema vari pamukova weTende Rokusangana. 7Finehasi mwanakomana waEreazari, mwanakomana waAroni, muprista, akati achizviona, akabva paungano, akatora pfumo muruoko rwake; 8uye akatevera muIsraeri uyo mutende. Akavabaya vose vari vaviri nepfumo kamwe chete, rikabaya muIsraeri rikapfuurira kundobaya muviri womuMidhiani. Ipapo denda rakanga riri pamusoro pavaIsraeri rakaguma; 9asi vose vakanga vafa nedenda vakasvika zviuru makumi maviri nezvina.
10Jehovha akati kuna Mozisi, 11“Finehasi mwanakomana waEreazari, mwanakomana waAroni, muprista adzora kutsamwa kwangu kubva pavaIsraeri; nokuti akanga ane shungu sedzangu nokuda kwokusakudzwa kwangu pakati pavo, saka handina kuzovaparadza neshungu dzangu. 12Naizvozvo umuudze kuti ndava kuita sungano yorugare naye. 13Iye nezvizvarwa zvake vachava nesungano youprista husingaperi, nokuti akanga ane shungu nokukudzwa kwaMwari wake, akayananisira vaIsraeri.”
14Zita romuIsraeri akaurayiwa pamwe chete nomukadzi muMidhiani rainzi Zimuri mwanakomana waSaru, mutungamiri weimwe mhuri yaSimeoni. 15Uye zita romukadzi muMidhiani akaurayiwa rakanga richinzi Kozibhi, mwanasikana waZuri, mukuru weimwe mhuri yavaMidhiani.
16Jehovha akati kuna Mozisi, 17“Muone vaMidhiani savavengi uye mugovauraya, 18nokuti ivo vakakuonai savavengi pavakakunyengerai paPeori uye nehanzvadzi yavo Kozibhi, mwanasikana womutungamiri wavaMidhiani, iye mukadzi akaurayiwa pakauya denda nokuda kwePeori.”
Did you know?
A Crisis of Idolatry at Shittim
- The name Shittim means "acacias." Located in the plains of Moab east of the Jordan River, this valley served as the final encampment of the Israelites before they entered the land of Canaan.Sources: Shittim · Moab · the Bible text itself
- Baal was the principal male deity in Phoenician and regional Canaanite religion. Associated with the nearby peak of Mount Peor, the local cult of Baal of Peor involved sacrifices and sacred meals that lured the Israelites into widespread apostasy.Sources: Baal · Peor · the Bible text itself
- Phinehas was the son of the high priest Eleazar and the grandson of Aaron. After his intervention halted a devastating plague that killed 24,000 Israelites, God granted him a permanent covenant of peace and priesthood for his descendants.Sources: Phinehas (Levite) · Eleazar · the Bible text itself
Notes written with AI assistance from open sources (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, public domain) and reviewed before publishing.
Places in this chapter
- Moab · Today: Moab 1 · 31.181, 35.701 · verses 1, 2
- Peor · Today: within 1 km of Khirbet Ayun Musa · 31.777, 35.738 · verses 3, 5, 18
- Midian · 28.495, 35.012 · verses 15, 18
Only places identified with high confidence are shown (90% or more according to the scholarly sources compiled by OpenBible). Period map: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; modern map: © OpenStreetMap contributors; places: OpenBible.info (CC BY 4.0).
Credits and license for this translation
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Language: chiShona Contributor: Biblica, Inc. Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Creative Commons License Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.” Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA). Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us . This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.” Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA). If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us . This translation is made available to you under the terms of the Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0. You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that: You include the above copyright and source information. If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes. If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original. Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents. For other uses, please contact the respective copyright owners. Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19. 2023-04-14
Source: http://ebible.org/sna/ · eBible.org