Numbers 11
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Tap a verse to see its cross-references.
Moto wakabva kuna Jehovha
1Zvino vanhu vakanyunyuta, Jehovha achizvinzwa, pamusoro pokuomerwa kwavo, uye paakavanzwa hasha dzake dzakamutswa. Ipapo moto wakabva kuna Jehovha ukapisa pakati pavo uye ukaparadza vamwe kumucheto womusasa. 2Vanhu vakati vachema kuna Mozisi, akanyengetera kuna Jehovha moto ukadzima. 3Saka nzvimbo iyo yakanzi Tabhera, nokuti moto wakabva kuna Jehovha ukapisa pakati pavo.
Zvihuta zvakabva kuna Jehovha
4Vatorwa vakanga vari pakati pavo vakatanga kupanga zvimwewo zvokudya, uyezve vaIsraeri vakatanga kuungudza vachiti, “Ndianiko achatipa nyama kuti tidye? 5Tinorangarira hove dzataidya muIjipiti tisingatengi; magaka, manwiwa, hanyanisi huru, hanyanisi diki nemhiripiri. 6Asi zvino tafinhwa; hapana chimwe chinhu chatiri kuwana kunze kwemana iyi.”
7Mana yakanga yakaita semhodzi yekorianda uye ichiratidzika samazambiringa akaoma. Vanhu vaitenderera vachiinhonga, uye, vaizoikuya paguyo kana kuidzvura muduri. 8Vaiibika muhari kana kuita makeke. Uye yainaka kunge chinhu chakabikwa namafuta omuorivhi. 9Dova raiti rawira pamusoro pomusasa usiku, mana yaiwawo.
10Mozisi akanzwa vanhu vemhuri dzose vachiungudza, mumwe nomumwe pamukova wetende rake. Jehovha akatsamwa kwazvo, uye Mozisi akatambudzika. 11Akabvunza Jehovha akati, “Seiko makauyisa dambudziko iri pamuranda wenyu? Chiiko chandakaita chisingakufadzei zvokuti makaisa mutoro wavanhu ava vose pamusoro pangu? 12Ko, ndini ndakaita kuti vanhu vose ava vaumbwe here? Ko, ndini ndakavabereka here? Seiko muchindiita kuti ndivatakure mumaoko angu, somureri anotakura mwana mucheche kuti ndiende navo kunyika yamakavimbisa nemhiko kumadzitateguru avo? 13Ndingawanepiko nyama yandingapa vanhu vose ava? Vanoramba vachingondichemera vachiti, ‘Tipe nyama yokudya.’ 14Handingatakuri vanhu ava vose ndoga; mutoro unondiremera kwazvo. 15Kana muchida kundiitira saizvozvo, ndiurayei henyu iye zvino, kana ndawana hangu nyasha pamberi penyu, uye musandirega ndichiona kuparara kwangu.”
16Jehovha akati kuna Mozisi, uya navakuru vavaIsraeri makumi manomwe vaunoziva savatungamiri namachinda pakati pavanhu. Uite kuti vauye kuTende Rokusangana, kuti vamire newe ipapo. 17Ini ndichaburuka ndigozotaura newe ipapo, uye ndichatora Mweya uri pamusoro pako ndigoisa Mweya iwoyo pamusoro pavo. Ivo vachakubatsira kutakura mutoro wavanhu kuitira kuti iwe urege kuutakura woga.
18“Udza vanhu kuti: ‘Zvinatsei mugadzirire zvamangwana, pamuchadya nyama. Jehovha akakunzwai pamakaungudza muchiti, “Dai bedzi taiva nenyama yokudya! Takanga tiri nani muIjipiti!” Zvino Jehovha achakupai nyama, uye muchaidya. 19Hamungaidyi kwezuva rimwe chete, kana mazuva maviri kana mashanu, gumi kana makumi maviri, 20asi kwomwedzi wose, kusvikira yabuda nomumhino dzenyu uye mukaisema, nokuti makaramba Jehovha, ari pakati penyu, uye maichema pamberi pake muchiti, “Takambobvireiko kuIjipiti?” ’ ”
21Asi Mozisi akati, “Hezvi ndiri pakati pavanhu mazana matanhatu ezviuru vanofamba netsoka, zvino imi munoti, ‘Ini ndichavapa nyama kuti vadye kwomwedzi wose!’ 22Zvichavaringana here kana dai vakaurayirwa makwai nemombe? Zvichavaringana here kana dai vakabatirwa hove dzose dziri mugungwa?”
23Jehovha akapindura Mozisi achiti, “Ko, ruoko rwaJehovha rwakapfupiswa here? Zvino uchaona kuti zvandinoreva zvichaitika here kana kuti kwete.”
24Saka Mozisi akabuda akandoudza vanhu zvakanga zvataurwa naJehovha. Akaunganidza vakuru vavo makumi manomwe akavaita kuti vamire vakapoteredza Tende. 25Ipapo Jehovha akaburuka ari mugore akataura navo uye akatora Mweya wakanga uri pamusoro pake akaisa Mweya uyu pamusoro pavakuru makumi manomwe. Mweya wakati wagara pamusoro pavo vakaprofita, asi havana kuzopamhazve.
26Kunyange zvakadaro, varume vaviri, vainzi Eridhadhi naMedhadhi, vakanga vasara mumusasa. Ivo vakanga vaverengwa pakati pavakuru, asi havana kubuda kuti vaende kuTende. Asi Mweya wakagarawo pamusoro pavo uye, vakaprofita vari mumusasa. 27Mumwe mujaya akamhanya akandoudza Mozisi akati, “Eridhadhi naMedhadhi vari kuprofita vari mumusasa.”
28Joshua mwanakomana waNuni, uyo akanga ari mubatsiri waMozisi kubva paujaya hwake, akataura nesimba akati, “Mozisi, ishe wangu, vadzivisei!”
29Asi Mozisi akapindura akati, “Ko, iwe une godo nokuda kwangu here? Ndinoshuva kuti dai vanhu vaJehovha vose vava vaprofita uye kuti dai Jehovha aisa Mweya wake pamusoro pavo!” 30Ipapo Mozisi navakuru vavaIsraeri vakadzokera kumusasa.
31Zvino mhepo yakabuda ichibva kuna Jehovha ikasunda zvihuta zvichibva kugungwa. Yakazvikanda pasi kumativi ose omusasa zvikaita murwi ungada kuita makubhiti maviri kubva pasi, kusvika pangafambwa rwendo rwezuva rimwe chete kumativi ose. 32Zuva rose iroro nousiku hwose uye nezuva rose rakatevera vanhu vakabuda kundounganidza zvihuta. Hakuna akaunganidza zvaiva pasi pamahomeri gumi. Ipapo vakazviyanika vakapoteredza musasa. 33Asi nyama ichiri pakati pamazino avo uye isati yatsengwa, kutsamwa kwaJehovha kwakapfuta pamusoro pavanhu, akavarova nehosha yakaipisisa. 34Naizvozvo nzvimbo iyo yakatumidzwa kunzi Kibhuroti Hataavha, nokuti vakaviga vanhu vakanga vakarira zvimwewo zvokudya.
35Vanhu vakabva paKibhuroti Hataavha vakaenda kuHazeroti vakandogara ikoko.

Did you know?
Complaints, Quail, and the Spirit in the Camp
- The places mentioned in this chapter derive their names from events during the journey: Taberah means "burning," named after fire consumed the outskirts of the camp, while Kibroth-hattaavah means "graves of longing" or "graves of lust," where those who craved meat were buried.Sources: Taberah · Kibroth-hattaavah · the Bible text itself
- Although seventy elders were selected to help Moses bear the responsibility of leadership, Eldad and Medad remained in the camp instead of going to the Tent of Meeting, yet the Spirit rested on them and they prophesied. When Joshua urged Moses to stop them, Moses replied that he wished all the Lord's people were prophets.Sources: Eldad · Joshua · the Bible text itself
- The text describes manna as resembling coriander seed and resin, which the Israelites gathered, ground with handmills or crushed in mortars, and boiled in pots or baked into cakes tasting like pastry prepared with fine oil.Sources: the Bible text itself
Notes written with AI assistance from open sources (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, public domain) and reviewed before publishing.
Places in this chapter
Only places identified with high confidence are shown (90% or more according to the scholarly sources compiled by OpenBible). Period map: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; modern map: © OpenStreetMap contributors; places: OpenBible.info (CC BY 4.0).
Credits and license for this translation
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Language: chiShona Contributor: Biblica, Inc. Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Creative Commons License Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.” Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA). Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us . This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.” Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA). If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us . This translation is made available to you under the terms of the Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0. You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that: You include the above copyright and source information. If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes. If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original. Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents. For other uses, please contact the respective copyright owners. Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19. 2023-04-14
Source: http://ebible.org/sna/ · eBible.org