Nations Bible

Matthew 25

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Tap a verse to see its cross-references.

Mufananidzo waVasikana Gumi

1“Panguva iyoyo umambo hwokudenga huchange hwakafanana navasikana gumi, vakatora mwenje yavo vakabuda kundochingamidza chikomba. 2Vashanu vavo vakanga vari mapenzi uye vashanu vavo vakanga vakachenjera. 3Mapenzi vaya vakatora mwenje yavo asi havana kuisa mafuta mairi. 4Kunyange zvakadaro, vakachenjera vakatora mafuta mumidziyo pamwe chete nemwenje yavo. 5Chikomba chakanonoka kusvika, vose vakabatwa nehope ndokuvata.

6“Pava pakati pousiku vakanzwa mheremhere: ‘Chikomba chauya! Budai mumuchingamidze!’

7“Ipapo vasikana vose vakamuka uye vakagadziridza mwenje yavo. 8Mapenzi akati kuna vakachenjera, ‘Tipeiwo mamwe emafuta enyu; mwenje yedu yava kudzima.’

9“Vakapindura vakati, ‘Kwete, zvimwe haangakwaniri isu nemi tose. Asi endai kuna vaya vanotengesa mafuta mugondozvitengera mamwe.’

10“Asi vachiri munzira kundotenga mafuta, chikomba chakasvika. Vasikana vakanga vakagadzirira vakapinda naye mumutambo wesvitsa uye musuo ukapfigwa.

11“Pashure vamwe vaya vakadzokawo. Vakati, ‘Ishe! Ishe! Tizarurireiwo musuo!’

12“Asi akavapindura achiti, ‘Ndinokuudzai chokwadi, handikuzivei.’

13“Naizvozvo garai makagadzirira nokuti hamuzivi musi kana nguva.

Mufananidzo waMatarenda

14“Zvakare, zvichaita somurume akabuda kuti afambe rwendo, akadana varanda vake akavachengetesa pfuma yake. 15Kuno mumwe akapa matarenda mashanu emari, kuno mumwe matarenda maviri, uye kuno mumwe tarenda rimwe chete, mumwe nomumwe maererano nokugona kwake. Ipapo akaenda zvake parwendo rwake. 16Murume akapiwa matarenda mashanu akaenda pakarepo akandoshandisa mari yake akawanazve mamwe mashanu. 17Saizvozvo uya aiva namatarenda maviri akawana mamwe maviri. 18Asi murume akanga apiwa tarenda rimwe chete akaenda akandochera gomba muvhu ndokuviga mari yatenzi wake.

19“Shure kwenguva refu tenzi wavaranda vaya akadzoka akagadzirisa nezvemari idzi navo. 20Murume akanga apiwa matarenda mashanu akauya namamwe mashanu, akati, ‘Tenzi, makandipa matarenda mashanu. Tarirai ndakawana mamwe mashanu.’

21“Tenzi wake akapindura akati, ‘Waita zvakanaka iwe muranda akanaka, akatendeka! Wanga wakatendeka pazvinhu zvishoma; ndichakuita mutariri wezvinhu zvizhinji. Pinda mumufaro watenzi wako!’

22“Murume akanga apiwa matarenda maviri akauyawo. Akati, ‘Tenzi makandipa matarenda maviri, tarirai ndakawanazve mamwe maviri.’

23“Tenzi wake akapindura akati, ‘Waita zvakanaka, iwe muranda akanaka, akatendeka! Wanga wakatendeka pazvinhu zvishoma, ndichakuita mutariri wezvinhu zvizhinji. Pinda mumufaro watenzi wako!’

24“Ipapo murume akanga apiwa tarenda rimwe chete akauya, akati, ‘Tenzi, ndakaziva kuti muri munhu akaoma, munokohwa pamusina kudyara uye munounganidza pamusina kukusha mbeu. 25Nokudaro ndakatya ndikandocherera tarenda renyu muvhu. Tarirai, pfuma yenyu iyi.’

26“Tenzi wake akapindura akati, ‘Iwe muranda akaipa, ano usimbe! Saka wakanga uchiziva zvako kuti ndinokohwa pandisina kudyara nokuunganidza pandisina kukusha mbeu? 27Zvino ungadai wakachengetesa mari yangu kune vamabhangi kuitira kuti pakudzoka kwangu ndaizoiwana yabereka.

28“ ‘Mutorerei tarenda iri mupe kune uyo ane matarenda gumi. 29Nokuti wose anazvo achapiwa zvimwe, agova nezvakawanda kwazvo. Ani naani asina, kunyange nezvaanazvo achazvitorerwa. 30Uye chikandai muranda uyo asingabatsiri kunze kurima, uko kuchava nokuchema nokurumanya kwameno.’

Makwai neMbudzi

31“Mwanakomana woMunhu paanouya nokubwinya kwake, navatumwa vose, achagara pachigaro chake choushe mukubwinya kwokudenga. 32Ndudzi dzose dzichaunganidzwa pamberi pake, achatsaura vanhu mumwe kubva kuno mumwe somufudzi anotsaura makwai kubva kumbudzi. 33Achaisa makwai kurudyi rwake, uye mbudzi kuruboshwe rwake.

34“Ipapo Mambo achati kuna avo vari kurudyi rwake, ‘Uyai imi makaropafadzwa naBaba vangu, mutore nhaka yenyu, umambo hwamakagadzirirwa kubva pakusikwa kwenyika. 35Nokuti ndakanga ndine nzara mukandipa chokudya, ndakanga ndine nyota, mukandipa chokunwa, ndakanga ndiri mweni mukandipinza mumba, 36ndakanga ndisina zvokupfeka mukandipfekedza, ndakanga ndichirwara mukandipepa, ndakanga ndiri mutorongo mukandishanyira.’

37“Ipapo vakarurama vachamupindura vachiti, ‘Ishe, takakuonai riniko mune nzara tikakupai chokunwa? 38Takakuonai riniko muri mweni tikakupinzai mumba, kana musina zvokupfeka tikakupfekedzai? 39Takakuonai riniko muchirwara kana muri mutorongo tikakushanyirai?’

40“Mambo achapindura achiti, ‘Ndinokuudzai chokwadi kuti, chose chamakaitira mumwe wavaduku vehama dzangu idzi, makachiitira ini.’

41“Ipapo achati kune avo vari kuruboshwe rwake, ‘Ibvai kwandiri imi makatukwa mupinde mumoto usingadzimi wakagadzirirwa dhiabhori navatumwa vake. 42Nokuti ndakanga ndine nzara mukasandipa chokudya, ndakanga ndine nyota, mukasandipa chokunwa, 43ndakanga ndiri mweni mukasandipinza mumba, ndakanga ndisina zvokupfeka mukasandipfekedza, ndakanga ndichirwara uye ndiri mutorongo mukasandishanyira.’

44“Naizvozvo vachapindura vachiti, ‘Ishe, takakuonai riniko mune nzara kana mune nyota kana muri mweni kana musina zvokupfeka kana muchirwara kana muri mutorongo tikasakubatsirai?’

45“Achapindura achiti, ‘Ndinokuudzai chokwadi kuti, zvose zvamusina kuitira mumwe wavaduku ava, hamuna kuzviitira ini.’

46“Ipapo vachaenda mukurangwa kusingaperi, asi vakarurama vachipinda muupenyu husingaperi.”

Did you know?

Ready before the Son of Man comes

  • Matthew 25 compares the kingdom of heaven to ten virgins who take lamps and go out to meet a bridegroom. The five wise ones bring oil in flasks; the five foolish ones do not, and after he is delayed a midnight cry finds their lamps going out, so they are told to buy oil and come back to a wedding door already shut. He tells them he does not know them, and the story ends by saying to keep watch, because no one knows the day or the hour.Sources: the Bible text itself
  • The next picture is a man who, before a journey, entrusts his possessions to three servants—five talents, two talents, and one talent—each according to his ability. The first two put the money to work and double it; the one who received a single talent digs a hole and hides it. After a long time the master praises the first two as good and faithful and invites them into his joy, but calls the third wicked and lazy, saying the sum should have been left with the bankers to earn interest.Sources: the Bible text itself
  • The chapter ends with the Son of Man coming in glory with all the angels and sitting on his glorious throne as the nations gather before him. He separates them as a shepherd separates sheep from goats, sheep on his right and goats on his left. He welcomes those on the right for feeding the hungry, giving drink, taking in the stranger, clothing the naked, caring for the sick, and visiting prisoners, saying that what was done for the least of these brothers of his was done for him, while those on the left who did none of this go to eternal punishment and the righteous to eternal life.Sources: the Bible text itself

Notes written with AI assistance from open sources (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, public domain) and reviewed before publishing.

Credits and license for this translation
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Source: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Talk to us

Tell us where you read from, how the Bible has helped you, or what we could improve. We read every message.