Malachi 2
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Tap a verse to see its cross-references.
Vaprista vanoyambirwa
1“Zvino yambiro iyi ndeyenyu, imi vaprista. 2Kana imi musingateereri, uye kana musingakudzi zita rangu nomwoyo wenyu,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, “ndichatuma kutukwa pamusoro penyu, uye ndichatuka ropafadzo dzenyu. Hongu, ndakadzituka kare, nokuti hamuna kuzvipira nemwoyo yenyu kuti mundikudze.
3“Nokuda kwenyu ndichabvisa zvizvarwa zvenyu; ndichadzura zviso zvenyu nendove inobva pazvibayiro zvemitambo yenyu, uye muchatakurwa pamwe chete nayo. 4Uye muchaziva kuti ndakakutumirai yambiro iyi kuitira kuti sungano yangu naRevhi irambe iripo,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. 5“Ndakaita sungano yangu naye, sungano youpenyu norugare, uye ndakapa izvi kwaari; zvakandivigira kukudzwa uye akandikudza, akamira achitya zita rangu. 6Kurayira kwechokwadi kwakanga kuri mumuromo wake, uye chisakarurama hachaiwanikwa pamiromo yake. Akafamba neni murugare nomukururama, uye akadzora vazhinji pazvivi.
7“Nokuti muromo womuprista unofanira kuchengeta zivo, uye vanhu vanofanira kutsvaka dzidziso kubva pamuromo wake, nokuti ndiye nhume yaJehovha Wamasimba Ose. 8Asi imi makatsauka panzira uye nedzidziso yenyu makagumbusa vazhinji; makaputsa sungano naRevhi,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. 9“Nokudaro ndakaita kuti muzvidzwe uye munyadziswe pamberi pavanhu vose, nokuti hamuna kuchengeta nzira dzangu asi makaita rusarura pakutonga kwenyu.”
Judha haana kutendeka
10Ko, isu tose hatina baba vamwe here? Haasi Mwari mumwe akatisika here? Sei tichisvibisa sungano yamadzibaba edu nokusatendeka mumwe kuno mumwe?
11Judha aputsa chitenderano. Chinhu chinonyangadza chaitwa muIsraeri nomuJerusarema: Judha asvibisa nzvimbo tsvene yaJehovha, nokuwana mwanasikana wamwari wavatorwa. 12Kumunhu anoita izvi, angava ani zvake, Jehovha ngaamubvise pamatende aJakobho, kunyange achiuya nezvipo kuna Jehovha Wamasimba Ose.
13Chimwe chinhu chaunoita: Unozadza aritari yaJehovha nemisodzi. Unochema uye unoungudza nokuti haacharangariri zvipiriso zvako kana kuzvigamuchira nomufaro kubva pamaoko ako. 14Unobvunza uchiti, “Seiko?” Nokuda kwokuti Jehovha ndiye chapupu pakati pako nomukadzi woujaya hwako nokuti wakaputsa sungano naye, kunyange ari mumwe wako, mukadzi wawakaita sungano yewaniso naye.
15Jehovha haana kuvaita mumwe here? Panyama nomweya ndevake. Uye nemhaka yei mumwe? Nokuti aitsvaka rudzi rune umwari. Saka zvichenjerere pamweya wako, uye usaputsa sungano nomukadzi woujaya hwako.
16“Ndinovenga kurambana,” ndizvo zvinotaura Jehovha Mwari weIsraeri, “uye ndinovenga murume anofukidza nguo yake nokumanikidza,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.
Saka zvichenjerere pamweya uye usaputsa chitenderano.
Zuva roKutongwa
17Makanetesa Jehovha namashoko enyu.
Munoti, “Takamunetesa neiko?”
Pamunoti, “Vose vanoita zvakaipa vakanaka pamberi paJehovha, uye anofadzwa navo” kana pamunoti, “Aripiko Mwari wokururamisira?”

Did you know?
Rebuking Unfaithfulness and Honoring Covenants
- The chapter sharply rebukes the priesthood by recalling God's covenant with Levi. A priest is described as a messenger of the Lord of Hosts whose lips are meant to guard knowledge and deliver faithful instruction rather than leading people into error.Sources: the Bible text itself · Levi (patriarch)
- The prophet challenges the people of Judah and Jerusalem for breaking faith with one another. The text condemns marrying into the worship of foreign gods and abandoning the wives of their youth, presenting marriage as a binding covenant made before God.Sources: the Bible text itself · Jerusalem
Notes written with AI assistance from open sources (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, public domain) and reviewed before publishing.
Places in this chapter
- Jerusalem · 31.777, 35.234 · verse 11
Only places identified with high confidence are shown (90% or more according to the scholarly sources compiled by OpenBible). Period map: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; modern map: © OpenStreetMap contributors; places: OpenBible.info (CC BY 4.0).
Credits and license for this translation
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Language: chiShona Contributor: Biblica, Inc. Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Creative Commons License Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.” Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA). Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us . This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.” Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA). If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us . This translation is made available to you under the terms of the Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0. You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that: You include the above copyright and source information. If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes. If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original. Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents. For other uses, please contact the respective copyright owners. Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19. 2023-04-14
Source: http://ebible.org/sna/ · eBible.org