Nations Bible

Leviticus 27

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Tap a verse to see its cross-references.

Kudzikinura zvaJehovha

1Jehovha akati kuna Mozisi, 2“Taura navaIsraeri uti kwavari, ‘Kana munhu akaita mhiko yakasarudzika yokuti akumikidze vanhu kuna Jehovha nokupa mutengo wakaenzanirana, 3utare mutengo womunhurume ane makore ari pakati pamakumi maviri namakumi matanhatu pamashekeri makumi mashanu esirivha, zvichienzaniswa neshekeri rapanzvimbo tsvene; 4uye kana ari munhukadzi, utare mutengo wake pamashekeri makumi matatu. 5Kana ari munhu ana makore ari pakati pamashanu namakore makumi maviri, utare mutengo womunhurume pamashekeri makumi maviri, uye munhukadzi pamashekeri gumi. 6Kana ari munhu ari pakati pomwedzi mumwe namakore mashanu, utare mutengo womunhurume pamashekeri mashanu esirivha uye utare pamunhukadzi mashekeri matatu esirivha. 7Kana munhu ane makore makumi matanhatu kana anopfuura, utare mutengo womunhurume pamashekeri gumi namashanu, uye pamunhukadzi mashekeri gumi. 8Kana munhu wose anenge achiita mhiko ari murombo zvikuru zvokutotadza kuripa muripo wakatarwa, anofanira kuuya nomunhu uyu kumuprista, achatara mutengo wake zvichienderana nezvinokwaniswa nomunhu ari kuita mhiko.

9“ ‘Kana chaakapika chiri mhuka inogamuchirika sechipiriso kuna Jehovha, mhuka yakadai inopiwa kuna Jehovha ichava tsvene. 10Haafaniri kuchitsinhanisa kana kuisa chakanaka panzvimbo yechakaipa, kana chakaipa panzvimbo yechakanaka; kana akaisa mhuka pachinzvimbo cheimwe, dzose dziri mbiri neyatsinhanisa dzichava tsvene. 11Kana chaakapika chiri mhuka isina kuchena, iyo isingagamuchiriki sechipiriso kuna Jehovha, mhuka iyi inofanira kupiwa kumuprista, 12uyo achatara kukosha kwayo, kuti yakanaka kana kuti yakaipa. Mutengo upi noupi uchatemwa nomuprista, ndiwo uchave mutengo wayo. 13Kana muridzi achida kudzikinura mhuka iyi, anofanira kupamhidzira chikamu chimwe chete muzvishanu pamutengo wayo.

14“ ‘Kana munhu akakumikidza imba yake sechinhu chitsvene kuna Jehovha, muprista achatara kukosha kwayo kuti yakanaka here kana kuti yakaipa. Mutengo upi noupi uchatemwa nomuprista, ndiwo ucharamba uripo. 15Kana murume anokumikidza imba yake akaidzikinura, anofanira kupamhidzira chikamu chimwe chete muzvishanu zvomutengo wayo. Uye imba ichava yake zvakare.

16“ ‘Kana munhu akakumikidza kuna Jehovha chikamu chomunda wemhuri yake, mutengo wawo unofanira kutarwa zvichienderana nouwandu hwezviyo zvinodiwa ipapo, mashekeri makumi mashanu esirivha pahomeri yezviyo yebhari. 17Kana akakumikidza munda wake mugore reJubhiri, mutengo wakatarwa unoramba uripo. 18Asi kana akakumikidza munda wake mushure meJubhiri, muprista achatara mutengo zvichienderana namakore asara Jubhiri rinotevera risati rasvika, uye mutengo wawo wakatarwa uchaderedzwa. 19Kana murume anokumikidza munda achida kuudzikinura, anofanira kupamhidzira chikamu chimwe chete muzvishanu pamutengo wacho, uye munda uchava wake zvakare. 20Kunyange zvakadaro, kana asingadzikinuri munda wake, kana akautengesera mumwe munhu, hauzogoni kudzikinurwa. 21Kana munda ukasunungurwa muJubhiri, uchava mutsvene, somunda wakapiwa kuna Jehovha; uchava munda wavaprista.

22“ ‘Kana munhu akakumikidza kuna Jehovha munda waakatenga, usiri chikamu chomunda wemhuri yake, 23muprista achatara mutengo wawo kusvikira mugore reJubhiri, uye munhu uyu anofanira kuripa mutengo wawo musi iwoyo sechinhu chitsvene kuna Jehovha. 24Mugore reJubhiri munda uchadzokera kumunhu waakatengeserana naye uyo aiva muridzi womunda. 25Mutengo wose unofanira kutarwa zvichienderana neshekeri repanzvimbo tsvene, makumi maviri amagera pashekeri rimwe.

26“ ‘Zvisinei hazvo, hapana munhu angakumikidza dangwe remhuka, sezvo dangwe ragara riri raJehovha kare; ingava mombe kana gwai; ndezvaJehovha. 27Kana iri imwe yemhuka dzisina kuchena, anogona kuidzikinura nomutengo wayo wakatarwa, achipamhidzira chikamu chimwe chete muzvishanu pamutengo wayo. Kana isina kudzikinurwa, inofanira kutengeswa nomutengo wayo wakatarwa.

28“ ‘Asi hakuna chinhu chomunhu chinopiwa kuna Jehovha, angava munhu kana mhuka kana munda wemhuri, chinogona kutengeswa kana kudzikinurwa; chinhu chose chinopiwa saizvozvo chinova chitsvene kwazvo kuna Jehovha.

29“ ‘Hakuna munhu anopiwa kuti aparadzwe angadzikinurwa; anofanira kuurayiwa.

30“ ‘Chegumi chezvinhu zvose zvinobva mumunda, zvingava zviyo zvinobva muvhu kana michero yemiti, ndezvaJehovha; zvitsvene kuna Jehovha. 31Kana munhu akadzikinura chimwe chinhu pazvegumi zvake, anofanira kupamhidzira chikamu chimwe chete muzvishanu pamutengo wacho. 32Chegumi chose chemombe namakwai, mhuka yose yegumi inopfuura napasi petsvimbo yomufudzi, ichava tsvene kuna Jehovha. 33Haafaniri kusarudza zvakanaka kubva mune zvakaipa kana kuzvitsinhanisa. Kana akazvitsinhanisa, mhuka dzose dziri mbiri, yatsiviwa neyatsiva, dzichava tsvene uye hadzigoni kudzikinurwa.’ ”

34Iyi ndiyo mirayiro yavaIsraeri yakapiwa Mozisi naJehovha paGomo reSinai.

Artistic illustration — an interpretation, not a historical record.

Did you know?

Vows, Valuations, and the Sinai Laws

  • When Israelites consecrated houses, land, unclean animals, or agricultural tithes to God, they could often redeem them by paying the assessed value plus an additional one-fifth of that price.Sources: the Bible text itself
  • Dedicated persons were assigned standard monetary values based on age and sex, calculated using the sanctuary shekel, which was equal to twenty gerahs. If a person making the vow was too poor to pay the fixed amount, the priest set an adjusted price according to their means.Sources: the Bible text itself
  • The book of Leviticus concludes by stating that these laws were given to Moses on Mount Sinai, where the Israelites stayed encamped for about a year after the Exodus.Sources: the Bible text itself · Mount Sinai

Notes written with AI assistance from open sources (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, public domain) and reviewed before publishing.

Credits and license for this translation
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Source: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Talk to us

Tell us where you read from, how the Bible has helped you, or what we could improve. We read every message.