Nations Bible

Leviticus 22

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Tap a verse to see its cross-references.

1Jehovha akati kuna Mozisi, 2“Udza Aroni navanakomana vake kuti varemekedze zvipiriso zvitsvene zvavaIsraeri zvavanditsaurira kuti varege kusvibisa zita rangu dzvene. Ndini Jehovha.

3“Uti kwavari, ‘Kuzvizvarwa zvichatevera, kana mumwe wezvizvarwa zvenyu asina kuchena akaswedera pedyo nezvinhu zvakatsaurirwa Jehovha navaIsraeri, munhu iyeye anofanira kubviswa pamberi pangu. Ndini Jehovha.

4“ ‘Kana chizvarwa chaAroni chikava nechirwere chamaperembudzi kana akava nezvinoyerera pamuviri wake, haangadyi zvipiriso zvitsvene kusvikira acheneswa. Achavawo asina kuchena kana akabata chimwe chinhu chakasvibiswa nechitunha kana nomumwe murume anobuda mbeu, 5kana kuti akabata chose chinokambaira chingamusvibisa kana munhu upi zvake angamusvibisa, kungava kusachena kupi zvako. 6Munhu uyo achabata kusachena uku achava asina kuchena kusvikira manheru. Haafaniri kudya zvipiriso zvipi zvazvo zvitsvene kusvikira ashamba nemvura. 7Kana zuva rovira, achava akachena, uye mushure maizvozvo angadya zvipiriso zvitsvene, nokuti ndizvo zvokudya zvake. 8Haafaniri kudya chimwe chinhu chinowanikwa chakafa kana kuti chabvamburwa nemhuka dzesango, akazosvibiswa nayo. Ndini Jehovha.

9“ ‘Vaprista vanofanira kuchengeta zvandakarayira kuitira kuti vasava nemhosva uye vakazofa nokuda kwokuti vashora zvandakarayira. Ndini Jehovha anovaita vatsvene.

10“ ‘Hakuna wokunze kwemhuri yomuprista angadya chipiriso chitsvene, kana mueni womuprista kana mushandi wake angachidya. 11Asi kana muprista akatenga nhapwa nemari, kana kuti nhapwa ikaberekerwa mumba make, nhapwa iyoyo inogona kudya chokudya chake. 12Kana mwanasikana womuprista akawanikwa nomumwe munhu asiri muprista haagoni kudya chipi zvacho chezvitsvene zvinouyiswa kumuprista. 13Asi kana mwanasikana womuprista akava chirikadzi kana kuti akarambwa, iye asina vana, akadzoka kuzogara mumba mababa vake sapaudiki hwake, anogona kudya chokudya chababa vake. Asi munhu asina kukodzera haangadyi kudya uku.

14“ ‘Kana munhu upi zvake akadya chipiriso chitsvene nokusaziva, anofanira kudzorera kumuprista chipiriso ichi agowedzera chikamu chimwe chete muzvishanu pamusoro. 15Vaprista havafaniri kusvibisa zvipiriso zvitsvene zvinopiwa navaIsraeri kuna Jehovha, 16nokuvabvumira kudya zvipiriso zvitsvene nokudaro vakazviuyisira mhosva pamusoro pavo inoda muripo. Ndini Jehovha, anovaita vatsvene.’ ”

Zvibayiro zvisingagamuchirwi

17Jehovha akati kuna Mozisi, 18“Taura kuna Aroni navanakomana vake nokuvaIsraeri vose uti kwavari, ‘Kana mumwe wenyu, angava muIsraeri kana mutorwa, anogara muIsraeri, akapa chipo kuti chive chipiriso chinopiswa kuna Jehovha, kungava kuzadzisa mhiko kana kungopawo chipo, 19munofanira kupa mukono usina kuremara wemombe, kana gwai, kana mbudzi kuitira kuti zvigogamuchirwa panzvimbo yenyu. 20Musauya nechinhu chipi zvacho chakaremara nokuti hachizogamuchirwi panzvimbo yenyu. 21Kana munhu akauyisa kubva mudanga remombe kana ramakwai chipiriso chokuwadzana kuna Jehovha achizadzisa kupika kwake kana kuti sechipo chokungopawo, chinofanira kuva chisina kuremara kana chisina gwapa kuti chigamuchirwe. 22Musapa kuna Jehovha zvakapofumara, zvakakuvara kana zvakaremara, kana chinhu chine mhezi kana chine maronda anopararira. Musaisa chipi zvacho chezvinhu izvi paaritari sechipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto. 23Munogona kupa zvakadaro sechipo chokungopawo, nzombe kana gwai rakaremera kana zvine mitezo yakarebesa kana yakapfupikisa, asi hazvigamuchirwi pakuzadzisa mhiko. 24Hamufaniri kupa kuna Jehovha chipiriso chemhuka ina manhu akakuvara, akatswanywa, akabvamburwa kana akachekwa. Hamufaniri kuita izvi munyika menyu. 25Uye hamufaniri kugamuchira mhuka dzakadai kubva mumaoko omutorwa muchizodzipa sechokudya chaMwari wenyu. Hadzizogamuchirwi panzvimbo yenyu nokuti dzakaremara uye hadzina kukwana.’ ”

26Jehovha akati kuna Mozisi, 27“Mhuru, kana gwai, kana mbudzi ikaberekwa, inofanira kugara namai vayo kwamazuva manomwe. Kubva pazuva rorusere zvichienda mberi, ichagamuchirwa sechipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto. 28Musauraya mombe nomwana wayo kana gwai nomwana waro musi mumwe chete.

29“Kana muchibayira Jehovha chibayiro chokuvonga, chibayirei nenzira inoita kuti chigogamuchirwa panzvimbo yenyu. 30Chinofanira kudyiwa musi iwoyo, musasiya zvimwe zvacho kusvikira mangwana. Ndini Jehovha.

31“Chengetai mirayiro yangu mugoitevera. Ndini Jehovha. 32Musamhura zita rangu dzvene. Ndinofanira kuzivikanwa somutsvene navaIsraeri. Ndini Jehovha anokuitai vatsvene 33uye akakubudisai kubva muIjipiti kuti ndive Mwari wenyu. Ndini Jehovha.”

Artistic illustration — an interpretation, not a historical record.

Did you know?

Holiness in Offerings and the Priesthood

  • The sacred offerings contributed by Israelites were designated as food for the priests and their households. However, strict rules governed who could eat them: an unclean descendant of Aaron was barred until evening after washing, outsiders and hired hands were excluded, while a purchased or home-born servant could partake.Sources: the Bible text itself
  • Animals brought as sacrifices for burnt offerings or peace offerings had to be without blemish, such as blindness, injuries, sores, or physical deformities. In addition, newborn livestock had to remain with their mother for seven days before becoming eligible for sacrifice on the eighth day.Sources: the Bible text itself
  • If a non-priest unintentionally ate of the sacred food, the law required full restitution plus an additional fifth of its value paid to the priest. This ensured sacred contributions consecrated to God were not treated carelessly by the community.Sources: the Bible text itself

Notes written with AI assistance from open sources (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, public domain) and reviewed before publishing.

Places in this chapter

  • Egypt · 30.129, 31.308 · verse 33

Only places identified with high confidence are shown (90% or more according to the scholarly sources compiled by OpenBible). Period map: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; modern map: © OpenStreetMap contributors; places: OpenBible.info (CC BY 4.0).

Credits and license for this translation
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Source: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Talk to us

Tell us where you read from, how the Bible has helped you, or what we could improve. We read every message.