Nations Bible

Leviticus 17

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Tap a verse to see its cross-references.

Kudya ropa kunorambidzwa

1Jehovha akati kuna Mozisi, 2“Taura kuna Aroni navanakomana vake nokuvaIsraeri vose uti kwavari, ‘Izvi ndizvo zvakarayirwa naJehovha: 3MuIsraeri upi zvake anobayira nzombe, gwayana kana mbudzi mumusasa kana kunze kwawo, 4panzvimbo yokuuya nayo pamusuo weTende Rokusangana kuti aipe sechipiriso kuna Jehovha pamberi petabhenakeri yaJehovha, murume iyeye achanzi ane mhosva yokudeura ropa; adeura ropa saka anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake. 5Izvi zvinoitirwa kuti vaIsraeri vauye nezvibayiro zvavo zvavanobayira kusango, kuna Jehovha. Vanofanira kuuya nazvo kumuprista, ndiko kuti, kuna Jehovha, pamusuo wokupinda muTende Rokusangana vagozvibayira sezvipiriso zvokuwadzana. 6Muprista achasasa ropa paaritari yaJehovha pamusuo weTende Rokusangana agopisa mafuta kuti ave chinonhuhwira zvinofadza kuna Jehovha. 7Havafanirizve kupa zvibayiro zvavo zvakare kuzvifananidzo zvembudzi izvo zvavanoita ufeve nazvo. Uyu uchava murayiro unogara nokusingaperi kwavari uye nokuzvizvarwa zvichatevera.’

8“Uti kwavari: ‘MuIsraeri upi zvake kana mutorwa agere pakati pavo anopa chipiriso chinopiswa kana chibayiro 9uye agorega kuuya nacho kumusuo weTende Rokusangana kuzochipa kuna Jehovha, munhu iyeye anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake.

10“ ‘MuIsraeri upi zvake kana mutorwa agere pakati pavo anodya ropa ripi zvaro ndichanangana nomunhu iyeye anodya ropa uye ndichamubvisa pakati pavanhu vokwake. 11Nokuti upenyu hwenyama huri muropa uye ndaripa kwamuri kuti rikuyananisirei paaritari; ropa ndiro rinoyananisira upenyu hwomunhu. 12Naizvozvo ndinoti kuvaIsraeri, “Hapana mumwe wenyu anofanira kudya ropa, uye hapana mutorwa agere pakati penyu anofanira kudya ropa.”

13“ ‘MuIsraeri upi zvake kana mutorwa agere pakati penyu anovhima mhuka ipi neipi ingadyiwa, anofanira kudurura ropa rayo agorifushira nevhu, 14nokuti upenyu hwechisikwa chose iropa racho. Ndiko kusaka ndati kuvaIsraeri, “Hamufaniri kudya ropa rechisikwa chipi zvacho nokuti upenyu hwechisikwa huri muropa; ani naani anoridya anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake.”

15“ ‘Ani naani, angava chizvarwa chenyu kana mutorwa, anodya chinhu chinowanikwa chakafa, kana kuti chinowanikwa chakabvarurwa nemhuka dzomusango, anofanira kusuka nguo dzake agoshamba nemvura uye achava asina kuchena kusvikira manheru; ipapo achava akachena. 16Asi kana akarega kusuka nguo dzake akashamba iye, achapiwa mhosva.’ ”

Artistic illustration — an interpretation, not a historical record.

Did you know?

Sacrificial Slaughter and the Sacredness of Blood

  • Leviticus mandates that domestic animals such as oxen, lambs, and goats be brought directly to the entrance of the Tent of Meeting rather than slaughtered in open fields. This rule ensured sacrifices were presented exclusively as peace offerings to the LORD and halted illicit sacrifices to goat demons.Sources: the Bible text itself
  • Both native Israelites and resident foreigners were strictly prohibited from eating blood, on penalty of being cut off from the community. The text grounds this law in the theological principle that the life of the flesh is in the blood, which God appointed specifically for making atonement upon the altar.Sources: the Bible text itself
  • When Israelites or resident aliens hunted wild animals or birds that were clean for food, they were commanded to drain the blood upon the ground and cover it with dirt. This instruction reinforced that life belongs to God and preserved the sanctity of blood outside the sacrificial sanctuary.Sources: the Bible text itself

Notes written with AI assistance from open sources (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, public domain) and reviewed before publishing.

Credits and license for this translation
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Source: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Talk to us

Tell us where you read from, how the Bible has helped you, or what we could improve. We read every message.