Nations Bible

Leviticus 15

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Tap a verse to see its cross-references.

Kurasa Zvinhu Zvinosvibisa

1Jehovha akati kuna Mozisi naAroni, 2“Taurai navaIsraeri muti kwavari, ‘Kana murume upi zvake ane zvimwe zvinoerera, zvinobuda pamuviri wake, uye achava asina kunaka nokuda kwokuerera uku. 3Kunyange zvikaramba zvichibuda mumuviri wake kana kuti zvikamira zvichamuita kuti ave asina kuchena. Izvi ndizvo zvinoita kuti kuerera uku kumuite kuti ave asina kuchena.

4“ ‘Mubhedha upi zvawo unorarwa nomurume anobuda zvinoerera mumuviri wake uchava usina kuchena, uye chose chaachagara pachiri chichava chisina kuchena. 5Ani naani anobata mubhedha wake anofanira kusuka nguo dzake agoshamba nemvura uye achava asina kuchena kusvikira manheru. 6Ani naani achagara pachigaro chagarwa nomurume anobuda zvinoerera anofanira kusuka nguo dzake uye agoshamba nemvura, uye achava asina kuchena kusvikira manheru.

7“ ‘Ani naani achabata murume iyeye anofanira kusuka nguo dzake agoshamba nemvura, uye achava asina kuchena kusvikira manheru.

8“ ‘Kana murume ane zvinoerera akasvipira mumwe munhu akachena, munhu iyeye anofanira kushambidza nguo dzake agoshamba nemvura, uye achava asina kuchena kusvikira manheru.

9“ ‘Chinhu chose chichatasvwa nomurume iyeye chichava chisina kuchena, 10uye ani naani achabata zvinhu zvanga zviri pasi pake achava asina kuchena kusvikira manheru; ani naani anonhonga zvinhu izvozvo anofanira kusuka nguo dzake agoshamba nemvura, uye achava asina kuchena kusvikira manheru.

11“ ‘Ani naani achabatwa nomurume iyeye asina kushamba maoko ake anofanira kusuka nguo dzake agoshamba nemvura, uye achava asina kuchena kusvikira manheru.

12“ ‘Hari yevhu ichabatwa nomurume iyeye inofanira kuputswa uye mudziyo upi zvawo wakagadzirwa nomuti unofanira kusukwa nemvura.

13“ ‘Kana murume acheneswa kubva pakuerera kwake, anofanira kuverenga mazuva manomwe okucheneswa kwake; anofanira kusuka nguo dzake agoshamba nemvura yakachena, uye achava akachena. 14Pazuva rorusere anofanira kutora njiva mbiri kana hangaiwa diki mbiri agouya nadzo pamberi paJehovha pamusuo weTende Rokusangana agodzipa kumuprista. 15Muprista anofanira kudzibayira, imwe sechipiriso chechivi uye imwe sechipiriso chinopiswa. Nenzira iyi achamuyananisira pamberi paJehovha nokuda kwokuerera kwake.

16“ ‘Kana mbeu yomurume upi noupi ikabuda kwaari, anofanira kushamba muviri wake wose nemvura, uye achava asina kuchena kusvikira manheru. 17Chipfeko chipi zvacho chake kana dehwe rine mbeu pariri rinofanira kusukwa nemvura uye richava risina kuchena kusvikira manheru. 18Kana murume akavata nomukadzi uye akabuda mbeu, vaviri ava vanofanira kushamba nemvura uye vachava vasina kuchena kusvikira manheru.

19“ ‘Kana mukadzi ari kumwedzi, kusachena kwokuenda kumwedzi kwake kuchapera mushure mamazuva manomwe, uye ani naani achamubata achava asina kuchena kusvikira manheru.

20“ ‘Chinhu chose chaachavata pachiri achiri kutevera chichava chisina kuchena uye chose chaachagara pachiri chichava chisina kuchena. 21Ani naani achabata paanovata anofanira kusuka nguo dzake uye agoshamba nemvura, uye achava asina kuchena kusvikira manheru. 22Ani naani achabata chinhu chaachagara anofanira kusuka nguo dzake uye agoshamba nemvura, uye achava asina kuchena kusvikira manheru. 23Mubhedha kana chimwe chinhu chaanga akagara, kana munhu upi noupi akachibata achava asina kuchena kusvikira manheru.

24“ ‘Kana murume akavata naye uye kuerera kwake kwomwedzi kukasangana naye, achava asina kuchena kwamazuva manomwe, kunyange mubhedha waanovata pauri uchava usina kuchena.

25“ ‘Kana mukadzi ano kuerera kweropa kwamazuva akawanda panguva isiri yokuva kwake kumwedzi, kana kuti akava nokuerera kunoenderera kupfuura nguva yake yokuva kumwedzi kwake, achava asina kuchena kwenguva yaanobuda ropa sapamazuva ake okuva kumwedzi. 26Mubhedha upi zvawo waachavata pauri panguva yaanenge achiri kubuda ropa, uchava usina kuchena somubhedha wapakuva kwake kumwedzi, chose chaachagara chichava chisina kuchena sapanguva yokuva kwake kumwedzi. 27Ani naani achazvibata achava asina kuchena; anofanira kusuka nguo dzake agoshamba nemvura, uye achava asina kuchena kusvikira manheru.

28“ ‘Kana achinge acheneswa kubva pakuerera kwake anofanira kuverenga mazuva manomwe, mushure maizvozvo achava akachena. 29Pazuva rorusere anofanira kutora njiva mbiri kana hangaiwa mbiri diki agouya nadzo kumuprista pamusuo weTende Rokusangana. 30Muprista anofanira kubayira imwe sechipiriso chechivi, uye imwe sechipiriso chinopiswa. Nenzira iyi achamuyananisira pamberi paJehovha pakusachena kwake kwokubuda ropa.

31“ ‘Munofanira kutsaura vaIsraeri kubva pazvinhu zvose zvinoita kuti vave vasina kuchena, kuitira kuti vasafa mukusachena kwavo nokuda kwokuti vasvibisa nzvimbo yandinogara, iri pakati penyu.’ ”

32Iyi ndiyo mirayiro yomurume anenge ane zvinoerera, youpi noupi anenge asvibiswa nokubuda kwezvinoerera, 33yomukadzi anenge ari kumwedzi, yomurume kana mukadzi anenge ane zvinoerera, uye neyomurume anovata nomukadzi anenge asina kuchena.

Artistic illustration — an interpretation, not a historical record.

Did you know?

Laws on Bodily Discharges and Purification

  • The purity laws in Leviticus 15 regulated both natural and abnormal bodily discharges in men and women, which rendered individuals ceremonially unclean. Objects touched by an afflicted person, such as beds, chairs, and saddles, transmitted uncleanness, requiring anyone who touched them to wash their clothes, bathe in water, and remain unclean until evening.Sources: the Bible text itself
  • Purification from prolonged discharges required waiting seven days after healing, washing garments, and bathing in fresh water. On the eighth day, the person brought two turtledoves or two young pigeons to the priest at the entrance of the Tent of Meeting to offer one as a sin offering and the other as a burnt offering.Sources: the Bible text itself
  • The explicit goal of these regulations was to keep the Israelites mindful of ritual boundaries, preventing them from defiling the tabernacle that stood in the midst of the camp.Sources: the Bible text itself

Notes written with AI assistance from open sources (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, public domain) and reviewed before publishing.

Credits and license for this translation
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Source: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Talk to us

Tell us where you read from, how the Bible has helped you, or what we could improve. We read every message.