Nations Bible

Joshua 24

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Tap a verse to see its cross-references.

Sungano inovandudzwa paShekemu

1Ipapo Joshua akaunganidza marudzi ose aIsraeri paShekemu. Akadana vakuru vavaIsraeri, vatungamiri, vatongi, navatariri vavo vakazviisa pamberi paMwari.

2Joshua akati kuvanhu vose, “Zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri: ‘Kare madzitateguru enyu pamwe chete naTera, baba vaAbhurahama naNahori, vaigara mhiri kwoRwizi vachishumira vamwe vamwari. 3Asi ndakatora baba wenyu Abhurahama kubva kunyika iri mhiri kweRwizi ndikamufambisa munyika yose yeKenani ndikamupa vana vazhinji. Ndakamupa Isaka, 4uye kuna Isaka ndakapa Jakobho naEsau. Ndakapa Esau nyika yezvikomo yeSeiri, asi Jakobho navanakomana vake vakaenda kuIjipiti.

5“ ‘Ipapo ndakatuma Mozisi naAroni uye ndakatambudza vaIjipita nezvandakaita ikoko, uye ndakakubudisai. 6Pandakabudisa madzibaba enyu muIjipiti, vakasvika pagungwa, vaIjipita vakavatevera vaine ngoro navatasvi vamabhiza kusvikira paGungwa Dzvuku. 7Asi ivo vakachema kuna Jehovha, akaisa rima pakati penyu navaIjipita; akauyisa gungwa pamusoro pavo rikavafukidza. Makaona nameso enyu chaiwo zvandakaita kuvaIjipita. Ipapo makagara murenje kwenguva refu.

8“ ‘Ndakauya nemi kunyika yavaAmori vaigara kumabvazuva kweJorodhani. Vakakurwisai asi ndakavaisa mumaoko enyu. Ndakavaparadza pamberi penyu, imi mukatora nyika yavo. 9Zvino Bharaki mwanakomana waZipori mambo weMoabhu, akati agadzirira kundorwa naIsraeri, akatuma nhume kundodana Bharamu mwanakomana waBheori kuti akutukei. 10Asi ini ndakaramba kunzwa Bharamu, naizvozvo akaramba achingokuropafadzai, ini ndikakurwirai paruoko rwake.

11“ ‘Ipapo makayambuka Jorodhani, mukasvika paJeriko. Vanhu veJeriko vakarwa nemi, sezvakaitawo vaAmori, vaPerizi, vaKenani, vaHiti, vaGirigashi, vaHivhi navaJebhusi, asi ndakavaisa mumaoko enyu. 12Ndakatuma mago pamberi penyu, iwo akavadzinga pamberi penyu, uyewo namadzimambo maviri avaAmori. Hamuna kuzviita nomunondo wenyu kana nouta hwenyu. 13Saka ndakakupai nyika yamusina kushandira namaguta amusina kuvaka; uye mugere maari uye munodya zvinobva muminda yemizambiringa nemiorivhi yamusina kusima.’

14“Zvino ityai Jehovha uye mumushumire nokutendeka kwose. Rasai vamwari vainamatwa namadzitateguru enyu mhiri kworwizi nokuIjipiti, uye mushumire Jehovha. 15Asi kana kushumira Jehovha kusingakufadzei, zvino zvisarudzirei nhasi wamuchashumira, vamwari vaishumirwa namadzitateguru enyu mhiri kwoRwizi kana vamwari vavaAmori, munyika mamugere. Asi kana ndirini neimba yangu tichashumira Jehovha.”

16Ipapo vanhu vakapindura vachiti, “Ngazvive kure nesu kuti tisiye Jehovha kuti tishumire vamwe vamwari! 17Jehovha Mwari wedu pachake, ndiye akatibudisa isu namadzibaba edu kubva muIjipiti, nyika youranda, uye akaita zviratidzo zvikuru zvatakaona. Akatidzivirira parwendo rwedu rwose rwatakafamba pakati pendudzi dzose dzatakapfuura nokwadziri. 18Uye Jehovha akadzinga pamberi pedu ndudzi dzose pamwe chete navaAmori vakanga vagere munyika ino. Nesuwo tichashumira Jehovha, nokuti ndiye Mwari wedu.”

19Joshua akapindura vanhu achiti, “Hamungagoni kushumira Jehovha. NdiMwari mutsvene; ndiMwari ane godo. Haangakukanganwirei kumumukira kwenyu nezvivi zvenyu. 20Kana mukarasa Jehovha, mukashumira vamwari vavatorwa, iye achakupindukirai agouyisa njodzi pamusoro penyu agokuparadzai.”

21Asi vanhu vakati kuna Joshua, “Kwete! Isu tichashumira Jehovha.”

22Ipapo Joshua akati, “Ndimi zvapupu zvezvamaita kuti masarudza kushumira Jehovha.” Ivo vakapindura vachiti:

“Hongu, tiri zvapupu.”

23Joshua akati, “Naizvozvo rasai vamwari vavatorwa vari pakati penyu murerekere mwoyo yenyu kuna Jehovha Mwari waIsraeri.”

24Vanhu vakati kuna Joshua, “Tichashumira Jehovha Mwari wedu, uye tichamuteerera.”

25Pazuva iro Joshua akaitira vanhu sungano, akavadzikira mitemo nemirayiro ipapo paShekemu. 26Joshua akanyora mashoko aya mubhuku romurayiro waMwari. Ipapo akatora ibwe guru akariisa pasi pomuouki, pedyo nenzvimbo tsvene yaJehovha.

27Akati kuvanhu vose, “Tarirai! Ibwe iri richava chapupu pamusoro pedu. Ranzwa mashoko ose ataurwa naJehovha kwatiri. Richava chapupu pamusoro penyu kana musina kutendeka kuna Mwari wenyu.”

Akavigwa muNyika yeChipikirwa

28Ipapo Joshua akaendesa vanhu, mumwe nomumwe kunhaka yake.

29Mushure mezvinhu izvi Joshua mwanakomana waNuni, muranda waJehovha, akafa ava namakore zana negumi. 30Uye vakamuviga munyika yenhaka yake, paTimunati Sera, munyika yamakomo yaEfuremu, nechokumusoro kweGomo reGaashi.

31VaIsraeri vakashumira Jehovha nguva dzose dzoupenyu hwaJoshua, uye napamazuva ose avakuru vakasara vari vapenyu Joshua afa, avo vakaona zvinhu zvose zvakanga zvaitirwa Israeri naJehovha.

32Mapfupa aJosefa, ayo akanga auyiwa nawo navana vaIsraeri kubva kuIjipiti, akavigwa paShekemu, munzvimbo yakanga yatengwa naJakobho kuvanakomana vaHamori, baba vaShekemu, nezana remari yesirivha. Iyi yakava nhaka yezvizvarwa zvaJosefa.

33Uye Ereazari mwanakomana waAroni akafa, akavigwa paGibhea munzvimbo yakanga yapiwa mwanakomana wake Finehasi, munyika yamakomo yaEfuremu.

Did you know?

Covenant Renewal and Farewell at Shechem

  • Shechem was located in a valley between Mount Ebal and Mount Gerizim, where Abraham had built his first altar in Canaan and where Jacob had buried his household's foreign idols. Gathering the tribes there to renew their covenant and bury the bones of Joseph in the parcel of land purchased by Jacob connected the assembly directly to Israel's patriarchal heritage.Sources: Shechem · the Bible text itself
  • In his opening review of Israel's history, Joshua recalled that their earliest ancestors, including Terah the father of Abraham, originally lived beyond the Euphrates River and served other gods. Joshua challenged the nation to abandon both those ancient Mesopotamian deities and the gods of Egypt to serve the LORD alone.Sources: River · Terah · the Bible text itself
  • After recording the words of the covenant in the Book of the Law of God, Joshua erected a large stone under an oak near the sanctuary of the LORD at Shechem. In ancient Near Eastern practice, physical stones were commonly erected as permanent, public witnesses to solemn agreements and treaties.Sources: Joshua · the Bible text itself

Notes written with AI assistance from open sources (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, public domain) and reviewed before publishing.

Places in this chapter

  • Shechem · Today: Tell Balatah · 32.214, 35.282 · verses 1, 25, 32
  • Euphrates · Today: Euphrates River · 31.004, 47.442 · verses 2, 3, 14, 15
  • Canaan · 32.767, 35.333 · verse 3
  • Egypt · 30.129, 31.308 · verses 4, 5, 6, 7, 14, 17, 32
  • Jordan · Today: Jordan River · 31.761, 35.558 · verses 8, 11
  • Moab · Today: Moab 1 · 31.181, 35.701 · verse 9
  • Jericho · Today: Tell es Sultan · 31.872, 35.445 · verse 11

Only places identified with high confidence are shown (90% or more according to the scholarly sources compiled by OpenBible). Period map: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; modern map: © OpenStreetMap contributors; places: OpenBible.info (CC BY 4.0).

Credits and license for this translation
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Source: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Talk to us

Tell us where you read from, how the Bible has helped you, or what we could improve. We read every message.