Nations Bible

Joshua 21

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Tap a verse to see its cross-references.

Maguta avaRevhi

1Zvino vakuru vedzimba dzamadzibaba avaRevhi vakaenda kumuprista Ereazari, nokuna Joshua mwanakomana waNuni, nokuvakuru vedzimba dzamadzibaba amarudzi avana vaIsraeri. 2PaShiro panyika yeKenani vakati kwavari, “Jehovha akarayira kubudikidza naMozisi kuti utipe maguta atingagara namafuro emombe dzedu.”

3Saka sokurayira kwakanga kwaita Jehovha, vaIsraeri vakapa vaRevhi panhaka dzavo maguta anotevera namafuro kubva panhaka yavo:

4Mugove wokutanga wakapiwa vaKohati, mhuri nemhuri. VaRevhi, avo vakanga vari zvizvarwa zvaAroni muprista, vakagoverwa nemijenya maguta gumi namatatu kubva kumarudzi aJudha, aSimeoni naBhenjamini, 5Ruzhinji rwezvizvarwa zvaKohati vakagoverwa nemijenya maguta gumi pakati pemhuri dzamarudzi aEfuremu, aDhani nehafu yorudzi rwaManase.

6Zvizvarwa zvaGerishoni zvakagoverwawo nemijenya maguta gumi namatatu pamhuri dzorudzi rwaIsraeri, rwaAsheri, rwaNafutari, nehafu yorudzi rwaManase muBhashani.

7Zvizvarwa zvaMerari zvakapiwa maguta gumi namaviri kumarudzi aRubheni, Gadhi naZebhuruni, mhuri nemhuri.

8Saka vaIsraeri vakagovera maguta aya namafuro awo, nemijenya kuvaRevhi sezvakanga zvarayirwa naJehovha kubudikidza naMozisi.

9Kubva pamarudzi avaJudha navaSimeoni, vakavapa maguta akarehwa namazita awo pano 10(maguta aya akapiwa kuzvizvarwa zvaAroni zvaibva kumhuri yaKohati vari vaRevhi, nokuti ndivo vakatanga kugoverwa nemijenya):

11Vakavapa Kiriati Abha (iro Hebhuroni), namafuro akaripoteredza, munyika yamakomo yaJudha. (Abha ndiye akanga ari tateguru wavaAnaki.) 12Asi minda nemisha yakapoteredza guta zvakanga zvapiwa kuna Karebhu mwanakomana waJefune.

13Saka vakapa zvizvarwa zvomuprista Aroni Hebhuroni (guta routiziro kune anenge apomerwa mhosva yokuponda munhu), Ribhina, 14Jatiri, Eshitemoa, 15Horoni, Dhebhiri, 16Aini, Juta neBheti Shemeshi, pamwe chete namafuro awo, maguta mapfumbamwe kubva pamarudzi maviri aya.

17Kubva parudzi rwaBhenjamini, vakavapa Gibheoni, Gebha, 18Anatoti, neArimoni, pamwe chete namafuro awo, maguta mana. 19Maguta ose avaprista, izvo zvizvarwa zvaAroni muprista akanga ari gumi namatatu, pamwe chete namafuro awo.

20Vamwe vose vedzimba dzavaKohati, vorudzi rwaRevhi vakagoverwa maguta kurudzi rwaEfuremu:

21Munyika yamakomo yaEfuremu vakapiwa

Shekemu (guta routiziro rouya anopomerwa mhosva yokuuraya munhu) neGezeri, 22Kibhizaimi neBheti Horoni, pamwe namafuro awo, maguta mana.

23Uyewo kubva parudzi rwaDhani vakapiwazve

Eriteke, Gibheoni, 24Aijaroni, neGati Rimoni pamwe chete namafuro awo, maguta mana.

25Pakati kuhafu yorudzi rwaManase vakapiwa

Taanaki neGati Rimoni pamwe chete namafuro awo, maguta maviri. 26Maguta ose aya ari gumi pamwe chete namafuro aro akapiwa kuna vakasara vedzimba dzaKohati.

27Dzimba dzavaRevhi dzokwaGerishoni dzakapiwa:

kubva kuhafu yorudzi rwaManase,

Gorani muBhashani (guta routiziro rouya anenge apomerwa mhosva yokuponda munhu) neBhe Eshitara, pamwe chete namafuro awo, maguta maviri;

28kubva kurudzi rwaIsakari,

Kishioni, Dhabherati, 29Jarimuti neEni Ganimi, pamwe chete namafuro awo, maguta mana;

30Kubva kurudzi rwaAsheri,

Mishari, Abhudhoni, 31Herikati neRehobhi, pamwe chete namafuro awo, maguta mana;

32kubva kurudzi rwaNafutari,

Kedheshi muGarirea (guta routiziro rouya anenge apomerwa mhosva yokuponda munhu), Hamoti Dhori neKaritani, pamwe chete namafuro awo, maguta matatu. 33Maguta ose emhuri dzavaGerishoni akanga ari gumi namatatu pamwe chete namafuro awo.

34Dzimba dzavaMerari (vakasara vavaRevhi) vakapiwa:

kubva kurudzi rwaZebhuruni,

Jokineami, Katira, 35Dhimina neNaharari, pamwe chete namafuro awo, maguta mana;

36kubva kurudzi rwaRubheni,

Bhezeri, Jahazi, 37Kedhemoti neMefaati, pamwe chete namafuro awo, maguta mana;

38kubva kurudzi rwaGadhi,

Ramoti muGireadhi (guta routiziro rouya anenge apomerwa mhosva yokuuraya munhu), 39Heshibhoni neJazeri, pamwe chete namafuro awo, maguta mana pamwe chete. 40Maguta ose akanga agoverwa dzimba dzavaMerari, avo vakanga vari vaRevhi vakasara, akanga ari gumi namaviri.

41Maguta avaRevhi munyika yaiva yavaIsraeri aiva makumi mana namasere pamwe chete namafuro awo. 42Rimwe nerimwe ramaguta aya rakanga rakapoteredzwa namafuro; ndizvo zvakanga zvakaita maguta ose aya.

43Saka Jehovha akapa vaIsraeri nyika yose yaakanga apika kuti achapa madzitateguru avo, ikava yavo vakagara mairi. 44Jehovha akavapa zororo kumativi ose, sezvaakanga apikira madzitateguru avo. Hapana kana muvengi wavo mumwe chete akamira pamberi pavo; Jehovha akaisa vavengi vavo vose mumaoko mavo. 45Hakuna kana chinhu chimwe chete zvacho chezvinhu zvakanaka zvakanga zvavimbiswa naJehovha kuimba yaIsraeri chakakona; zvose zvakazadziswa.

Artistic illustration — an interpretation, not a historical record.

Did you know?

The Cities of the Levites

  • Unlike the other tribes of Israel, the tribe of Levi did not receive a continuous regional territory. Instead, they were allotted forty-eight individual cities along with their surrounding pasturelands, distributed among the lands of all the other tribes.Sources: the Bible text itself
  • The allocation of these cities occurred at Shiloh in Canaan, where the heads of the Levitical families presented their petition to the priest Eleazar, Joshua, and the tribal leaders according to the commands previously given through Moses.Sources: the Bible text itself · Shiloh · Canaan
  • Several prominent Levitical cities also served as designated cities of refuge for individuals seeking protection after accidental killings, including Hebron in Judah, Shechem in Ephraim, and Golan in Bashan.Sources: the Bible text itself · Hebron · Bashan

Notes written with AI assistance from open sources (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, public domain) and reviewed before publishing.

Places in this chapter

  • Canaan · 32.767, 35.333 · verse 2
  • Shiloh · Today: Khirbet Seilun · 32.056, 35.290 · verse 2
  • Bashan · 32.781, 35.935 · verses 6, 27
  • Hebron · Today: Tel Rumeida · 31.525, 35.102 · verses 11, 13
  • Jattir · Today: Khirbet Attir · 31.352, 35.016 · verse 14
  • Gibeon · Today: El Jib · 31.847, 35.183 · verse 17
  • Gezer · Today: Tel Gezer · 31.859, 34.919 · verse 21
  • Shechem · Today: Tell Balatah · 32.214, 35.282 · verse 21
  • Beth-horon · Today: Beit Ur al Tahta · 31.895, 35.084 · verse 22
  • Taanach · Today: Tell Ta’anakh · 32.522, 35.219 · verse 25
  • Galilee · 32.760, 35.527 · verse 32
  • Jokneam · Today: Tel Yokneam · 32.664, 35.108 · verse 34
  • Gilead · Today: Gilead 1 · 32.187, 35.692 · verse 38
  • Ramoth · Today: Tall er Rumeith · 32.500, 36.015 · verse 38

Only places identified with high confidence are shown (90% or more according to the scholarly sources compiled by OpenBible). Period map: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; modern map: © OpenStreetMap contributors; places: OpenBible.info (CC BY 4.0).

Credits and license for this translation
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Source: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Talk to us

Tell us where you read from, how the Bible has helped you, or what we could improve. We read every message.