Jeremiah 8
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Tap a verse to see its cross-references.
1“ ‘Panguva iyoyo, ndizvo zvinotaura Jehovha, mapfupa amadzimambo namachinda eJudha, namapfupa avaprista navaprofita, uye mapfupa avanhu veJerusarema, achabviswa kubva mumakuva avo. 2Achava pamhene agorohwa nezuva uye achavhenekwa nomwedzi nenyeredzi dzose dzedenga, zvavakada vakazvishumira vakazvitevera uye vakabvunza kwazviri, vakazvinamata. Haangaunganidzwi kana kuvigwa, asi achafanana nomupfudze uri panyika. 3Kwose zvako kwandichavadzingira, vakasara vose vorudzi urwu rwakaipa, vachademba rufu pachinzvimbo choupenyu, ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.’
Chivi noKurangwa
4“Uti kwavari, ‘Zvanzi naJehovha:
“ ‘Vanhu pavanowira pasi, havamukizve here?
Munhu akange ambotsauka, haadzokizve here?
5Zvino nemhaka yei ava vadzokera shure?
Nemhaka yei Jerusarema richingogara richitsauka?
Vanobatirira pakunyengera,
vanoramba kudzoka.
6Ndakanyatsoteereresa,
asi ivo havambotauri zvakarurama.
Hakuna anotendeuka pane zvakaipa zvake achiti,
“Ndaiteiko?”
Mumwe nomumwe anongotevedza nzira yake
sebhiza rinomhanyira kurwa hondo.
7Kunyange shohori riri mudenga
rinoziva nguva dzaro dzakatarwa,
uye njiva, nenyenganyenga nekondo
zvinocherechedza nguva yazvo yokutama.
Asi vanhu vangu havazivi
zvinodikanwa naJehovha.
8“ ‘Munoreva seiko muchiti, “Takachenjera,
nokuti tino murayiro waJehovha,”
asi zvirokwazvo chinyoreso chenhema chavanyori
chakanyora nhema?
9Vakachenjera vachanyadziswa,
vachavhunduka uye vachabatwa.
Sezvo vakaramba shoko raJehovha,
kuchenjera kwavanako kwakadiniko?
10Naizvozvo ndichapa vakadzi vavo kuna vamwe varume,
neminda yavo kuvaridzi vatsva.
Kubva kumuduku kusvikira kumukuru vose
vanokarira pfuma;
vaprofita navaprista saizvozvo,
vose vanoita nokunyengera.
11Vanosunga vanga ravanhu vangu
sokunge duku duku.
Vanoti, “Rugare, rugare,”
ipo pasina rugare.
12Ko, vanonyadziswa netsika dzavo dzinonyangadza here?
Kwete, havana kana nyadzi zvachose;
havambozivi kuti zvinonyadzisa sei.
Saka vachawa pakati pavakawa;
vachaderedzwa pavacharangwa,
13“ ‘Ndichavatorera zvavakakohwa,
Hapangazovi namazambiringa pamuzambiringa.
Hakungazovi namaonde pamuti womuonde,
uye mashizha azvo achaoma.
Zvandakavapa
vachazvitorerwa.’ ”
14“Ko, takagarireiko pano?
Unganai pamwe chete!
Ngatitizirei kumaguta akakomberedzwa
tindofira ikoko!
Nokuti Jehovha Mwari wedu atitongera kufa,
nokuti akatipa mvura ino muchetura kuti tinwe,
nokuti takamutadzira.
15Takanga takatarisira rugare
asi hakuna chakanaka chakauya;
takatarisira kuporeswa
asi paingova nokuvhundutswa.
16Kufemedzeka kwamabhiza omuvengi
kunonzwika kuchibva kuDhani;
panorira makono awo
nyika yose inodedera.
Auya kuzoparadza
nyika nezvose zviri mairi,
guta navose vanogara imomo.”
17“Tarirai ndichatumira nyoka dzino uturu pakati penyu,
mvumbi dzicharamba kuimbirwa,
uye dzichakurumai,”
18Haiwa, Munyaradzi wangu, pakuchema kwangu,
mwoyo wangu woziya mukati mangu.
19Inzwai kuchema kwavanhu vangu
kunobva kunyika iri kure kure:
“Ko, Jehovha haazi muZioni here?
Mambo waro haachimo here?”
“Vakanditsamwisireiko nezvifananidzo zvavo,
nezvifananidzo zvavo zvavatorwa zvisingabatsiri?”
20“Kucheka kwapfuura,
zhizha rapera,
asi tigere kuponeswa.”
21Sezvo vanhu vangu vapwanyiwa, neniwo ndapwanyiwa;
ndiri kuchema, uye ndiri kutya zvikuru.
22Ko, muGireadhi hamuna muti webharisamu here?
Hakuna murapi ikoko here?
Seiko zvino ronda
ravanhu vangu risina kurapwa?

Did you know?
Judgment, Deception, and the Balm of Gilead
- Jeremiah contrasts the natural instincts of migrating birds, such as storks, turtledoves, swifts, and thrushes, with the behavior of the people of Jerusalem. While birds instinctively know their appointed seasons and migration times, the people stubbornly refuse to turn back to God.Sources: the Bible text itself · Jerusalem
- The warning that the snorting of enemy warhorses is heard from Dan points to an invasion entering from the far north. Dan was located in the northernmost territory of the land, indicating that the destructive foreign army was already sweeping inward.Sources: the Bible text itself · Dan
- The prophet's cry, 'Is there no balm in Gilead?', evokes Gilead, a mountainous region situated east of the Jordan River. Jeremiah uses imagery of physicians and medicinal remedies from this region to lament the untreated moral and physical collapse of his nation.Sources: the Bible text itself · Gilead
Notes written with AI assistance from open sources (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, public domain) and reviewed before publishing.
Places in this chapter
- Jerusalem · 31.777, 35.234 · verses 1, 5
- Dan · Today: Tel Dan · 33.249, 35.652 · verse 16
- Zion · Today: Jerusalem · 31.777, 35.234 · verse 19
- Gilead · Today: Gilead 1 · 32.187, 35.692 · verse 22
Only places identified with high confidence are shown (90% or more according to the scholarly sources compiled by OpenBible). Period map: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; modern map: © OpenStreetMap contributors; places: OpenBible.info (CC BY 4.0).
Credits and license for this translation
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Language: chiShona Contributor: Biblica, Inc. Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Creative Commons License Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.” Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA). Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us . This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.” Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA). If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us . This translation is made available to you under the terms of the Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0. You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that: You include the above copyright and source information. If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes. If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original. Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents. For other uses, please contact the respective copyright owners. Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19. 2023-04-14
Source: http://ebible.org/sna/ · eBible.org