Jeremiah 52
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Tap a verse to see its cross-references.
Kuwa kweJerusarema
1Zedhekia akanga ana makore makumi maviri nerimwe paakatanga kuva mambo, uye akatonga muJerusarema kwemakore gumi nerimwe. Zita ramai vake rainzi Hamutari mwanasikana waJeremia; aibva kuRibhina. 2Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakangoitwa naJehoyakimi. 3Izvi zvakaitika kuJerusarema neJudha nokuda kwehasha dzaJehovha, uye pakupedzisira akavabvisa pamberi pake.
Zvino Zedhekia akamukira mambo weBhabhironi.
4Naizvozvo mugore rechipfumbamwe rokutonga kwaZedhekia, pazuva regumi romwedzi wegumi, Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akasvika muJerusarema nehondo yake yose. Vakadzika misasa yavo kunze kweguta ndokuvaka nhare dzairipoteredza. 5Guta rakaramba rakakombwa kusvikira pagore regumi nerimwe ramambo Zedhekia.
6Pazuva rechipfumbamwe romwedzi wechina nzara yakanyanya muguta zvokuti makanga musisina chokudya chokuti vanhu vadye. 7Ipapo rusvingo rweguta rwakapwanyiwa, hondo yose ikatiza. Vakabuda muguta usiku napasuo raiva pakati pamasvingo maviri pedyo nebindu ramambo, kunyange zvazvo vaBhabhironi vakanga vakakomberedza guta. Vakatiza vakananga kuArabha, 8asi hondo yavaBhabhironi yakatevera Mambo Zedhekia vakamubata mumapani eJeriko. Varwi vake vose vakaparadzaniswa naye ndokupararira, 9iye akabatwa.
Vakamutora vakaenda naye kuna mambo weBhabhironi paRibhira munyika yeHamati, iye akamutongerapo. 10Mambo weBhabhironi akauraya vanakomana vaZedhekia paRibhira ipapo, iye achizviona; akaurayirwa machinda ose eJudha. 11Ipapo akatumbura meso aZedhekia ndokumusunga namatare akamuendesa kuBhabhironi, uko kwaakamuisa mutorongo kusvikira pazuva rokufa kwake.
12Pazuva regumi romwedzi wechishanu, mugore regumi namapfumbamwe raNebhukadhinezari mambo weBhabhironi, Nebhuzaradhani mukuru wavarindi vamambo, uyo akashandira mambo weBhabhironi, akauya kuJerusarema. 13Akapisa temberi yaJehovha, nomuzinda wamambo nedzimba dzose dzeJerusarema. Dzimba dzose dzaikosha akadzipisa. 14Hondo yose yavaBhabhironi yaiva pasi pemukuru wavarindi vamambo yakaputsira pasi masvingo ose aikomberedza Jerusarema. 15Nebhuzaradhani mukuru wavarindi akaendesa kuutapwa vamwe vakanga vari varombo chaivo navaya vakasara muguta, pamwe chete noruzhinji rwemhizha navaya vakanga vazvipira kuna mambo weBhabhironi. 16Asi Nebhuzaradhani akasiya ruzhinji rwavarombo chaivo venyika iyo kuti vashande muminda yemizambiringa uye nemimwewo minda.
17VaBhabhironi vakaputsa mbiru dzendarira, nezvingoro zvinofamba neGungwa rendarira zvakanga zviri mutemberi yaJehovha vakatakura ndarira yose vakaenda nayo kuBhabhironi. 18Vakatorawo hari, nefoshoro, nembato dzemwenje, nomukombe namadhishi nemidziyo yose yendarira yaishandiswa pabasa romutemberi. 19Mukuru wavarindi vamambo akatakurawo mbiya, nezvaenga, nemikombe nehari, nezvigadziko zvemwenje, namadhishi nemikombe yaishandiswa pazvipiriso zvokunwa, zvose zvakanga zvakagadzirwa negoridhe yakanatswa kana sirivha.
20Ndarira yaibva pambiru mbiri, neGungwa, nehando dzendarira gumi nembiri dzaiva pasi pacho, nezvingoro zvakanga zvaitirwa temberi yaJehovha namambo Soromoni, zvakanga zvisingagoni kuyerwa. 21Mbiru imwe neimwe yakanga ina makubhiti gumi namasere pakureba uye makubhiti gumi namaviri pakupoterera; paukobvu imwe neimwe yaisvika minwe mina uye yaiva nemhango. 22Musoro wendarira waiva pane imwe mbiru wakanga wakareba makubhiti anosvika mashanu uye wakashongedzwa nezvakarukwa namatamba endarira zvaipoteredza. Imwe mbiru yakanga yakafanana nayo namatamba ayowo. 23Pakanga pane matamba makumi mapfumbamwe namatanhatu kumativi; uwandu hwamatamba aiva pamusoro pezvakarukwa zvakanga zvakapoteredzwa hwaiva zana.
24Mukuru wavarindi akatora vasungwa vaiti, Seraya muprista mukuru, naZefania muprista aimutevera pachigaro uye navarindi vokumukova vatatu. 25Kuna avo vaiva muguta akatora muchinda mukuru wavarwi, uye vapi vamazano vanomwe. Akatorawo munyori uyo akanga ari mubati mukuru aiva nebasa rokunyora mazita avanhu venyika uye navamwe varume makumi matanhatu vakawanikwa muguta. 26Nebhuzaradhani mukuru wavarindi akavatora vose akavauyisa kuna mambo weBhabhironi paRibhira. 27Ipapo paRibhira, munyika yeHamati, mambo akaita kuti vaurayiwe.
Saka vaJudha vakaenda kuutapwa, kure nenyika yavo.
28Uhu ndihwo uwandu hwavanhu vakatorwa naNebhukadhinezari achienda navo kuutapwa:
mugore rechinomwe,
zviuru zvitatu zvina makumi maviri navatatu, zvavaJudha;
29mugore regumi namasere raNebhukadhinezari,
mazana masere namakumi matatu navaviri avanhu vaibva kuJerusarema;
30mugore rake ramakumi maviri namatatu,
vaJudha mazana manomwe namakumi mana navashanu vakaendeswa kuutapwa naNebhuzaradhani mukuru wavarindi vamambo.
Jehoyakini anosunungurwa
31Mugore ramakumi matatu namanomwe rokutapwa kwaJehoyakini mambo weJudha, mugore rakava Evhiri-Merodhaki mambo weBhabhironi, akasunungura Jehoyakini mambo weJudha, uye akamusunungura kubva mutorongo pazuva ramakumi maviri namashanu romwedzi wegumi nemiviri. 32Akataura zvakanaka kwaari uye akamupa chigaro chaikudzwa kupfuura zvigaro zvamamwe madzimambo vaakanga anavo muBhabhironi. 33Saka Jehoyakini akabvisa nguo dzake dzousungwa akadya patafura yamambo nguva nenguva, mazuva ose oupenyu hwake. 34Zuva nezuva mambo weBhabhironi akapa Jehoyakini mugove wenguva nenguva, mazuva ose oupenyu hwake, kusvikira pazuva rokufa kwake.

Did you know?
The Fall of Jerusalem and the Fate of the Kings
- Riblah in the land of Hamath served as the military headquarters of King Nebuchadnezzar during his campaign against Judah. There, King Zedekiah was judged and blinded after witnessing the execution of his sons, and key Judean leaders, including the priests Seraiah and Zephaniah, were put to death.Sources: the Bible text itself · Riblah · Zedekiah · Zephaniah
- The chapter details the dismantling of the sacred bronze furnishings of the temple, including the two massive pillars and the bronze Sea made in the time of King Solomon. Nebuzaradan, captain of the guard, carried this bronze along with gold and silver articles to Babylon.Sources: the Bible text itself · Solomon · Nebuzar-adan
- The book concludes with the release of King Jehoiachin after thirty-seven years of Babylonian imprisonment. King Evil-merodach treated him kindly, provided him with royal garments, and granted him a regular place at the king's table for the rest of his life.Sources: the Bible text itself · Jehoiachin
Notes written with AI assistance from open sources (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, public domain) and reviewed before publishing.
Places in this chapter
- Jerusalem · 31.777, 35.234 · verses 1, 3, 4, 5, 12, 13, 14, 29
- Babylon · 32.543, 44.422 · verses 3, 4, 9, 10, 11, 12, 15, 17, 26, 27, 28, 31, 32, 33, 34
- Arabah · 30.417, 35.151 · verse 7
- Chaldea · 30.962, 46.104 · verses 7, 8, 14, 17
- Jericho · Today: Tell es Sultan · 31.872, 35.445 · verse 8
- Hamath · Today: Hama · 35.136, 36.750 · verses 9, 27
- Riblah · Today: Rableh · 34.460, 36.573 · verses 9, 10, 26, 27
Only places identified with high confidence are shown (90% or more according to the scholarly sources compiled by OpenBible). Period map: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; modern map: © OpenStreetMap contributors; places: OpenBible.info (CC BY 4.0).
Credits and license for this translation
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Language: chiShona Contributor: Biblica, Inc. Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Creative Commons License Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.” Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA). Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us . This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.” Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA). If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us . This translation is made available to you under the terms of the Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0. You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that: You include the above copyright and source information. If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes. If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original. Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents. For other uses, please contact the respective copyright owners. Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19. 2023-04-14
Source: http://ebible.org/sna/ · eBible.org