Nations Bible

Jeremiah 27

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Tap a verse to see its cross-references.

VaJudha vanofanira kushandira Nebhukadhinezari

1Pakutanga kwokubata ushe kwaZedhekia mwanakomana waJosia mambo weJudha, shoko iri rakasvika kuna Jeremia richibva kuna Jehovha, richiti: 2Izvi ndizvo zvataurwa naJehovha kwandiri: “Ita joko remakashu namatanda ugoriisa pamutsipa wako. 3Ipapo ugotuma shoko kuna mambo weEdhomu, nokuna mambo weMoabhu, noweAmoni, noweTire neSidhoni noruoko rwenhume dzinouya kuJerusarema kuna Zedhekia mambo weJudha. 4Uvape shoko ravanatenzi vavo uchiti, ‘Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose iye Mwari waIsraeri, “Taurai izvi kuna vanatenzi venyu kuti: 5Ndakaita nyika navanhu vayo, nemhuka dziri mairi nesimba rangu guru uye noruoko rwakatambanudzwa, uye ndinoipa kuna ani zvake anondifadza. 6Zvino, ndichapa nyika dzako dzose kumuranda wangu Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi; uye kuti kunyange zvikara zvesango zvive pasi pake. 7Ndudzi dzose dzichamushandira, iye nemwanakomana wake, nomuzukuru wake, kusvikira nguva yenyika yake yasvika; ipapo ndudzi zhinji namadzimambo makuru vachamuita muranda.

8“ ‘ “Kunyange zvakadaro, kana rudzi rupi norupi kana ushe hupi nohupi hukasazoshandira Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi kana hukazoisa mutsipa warwo pasi pejoko rake, ndicharanga rudzi urwo nomunondo, nenzara uye nedenda, kusvikira ndarupedza noruoko rwake, ndizvo zvinotaura Jehovha. 9Saka musateerera vaprofita venyu, navavuki venyu, kana vanodudzira hope kana vafemberi kana varoyi vanokuudzai kuti, ‘Hamungashandiri mambo weBhabhironi’. 10Vanokuprofitirai nhema dzichangoita kuti mubviswe muendeswe kure nenyika dzenyu; ndichakudzingai uye muchaparara. 11Asi kana rudzi rupi norupi rukazoisa mutsipa warwo pasi pejoko ramambo weBhabhironi rukamushandira, ndichaita kuti rudzi urwo rurambe rwuri munyika yarwo kuti varime vagogaramo, ndizvo zvinotaura Jehovha.” ’ ”

12Ndakapa shoko rimwe chetero kuna Zedhekia mambo weJudha. Ndakati, “Isa mutsipa wako pasi pejoko ramambo weBhabhironi; umushandire iye navanhu vake, ugorarama. 13Ko, iwe navanhu vako muchafireiko nomunondo, nenzara uye nedenda izvo zvakanzi naJehovha ndichaitira rudzi rupi norupi rucharega kushandira mambo weBhabhironi? 14Regai kuteerera mashoko avaprofita vanoti kwamuri, ‘Hamungashandiri mambo weBhabhironi,’ nokuti vanoprofita nhema pamusoro penyu. 15‘Ini handina kuvatuma,’ ndizvo zvinotaura Jehovha. ‘Vari kuprofita nhema muzita rangu. Naizvozvo, ndichakudzingai, mugoparara mose imi navaprofita vanoprofita kwamuri.’ ”

16Ipapo ndakati kuvaprista navanhu vose ava, “Zvanzi naJehovha: Regai kuteerera vaprofita vanoti, ‘Iye zvino, nokukurumidza, midziyo yakabviswa mutemberi yaJehovha ichadzoswazve kubva kuBhabhironi.’ Vari kukuprofitirai nhema. 17Regai kuvateerera. Shandirai mambo weBhabhironi, mugorarama. Guta rino richaitireiko dongo? 18Kana vari vaprofita uye vane shoko raJehovha ngavakumbirise kuna Jehovha, Wamasimba Ose kuti midziyo yakasara muimba yaJehovha, nomumuzinda wamambo weJudha neJerusarema irege kutakurwa ichiendeswa kuBhabhironi. 19Nokuti izvi ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose pamusoro pembiru, neGungwa, napamusoro pezvigadziko zvinofambiswa nemimwe midziyo yakasara muguta rino, 20zvisina kutorwa naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi paakatapa Jehoyakini, mwanakomana waJehoyakimi mambo weJudha, pamwe chete navakuru vose veJudha neJerusarema, kubva kuJerusarema achivaendesa kuBhabhironi. 21Hongu, zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri, pamusoro pezvinhu zvakasiyiwa mutemberi yaJehovha nomumuzinda wamambo weJudha uye nomuJerusarema: 22‘Zvichatakurwa zvichiendeswa kuBhabhironi uye ndiko kwazvichagara kusvikira pazuva randichavavinga,’ ndizvo zvinotaura Jehovha. ‘Ipapo ndichavadzosa ndigovagarisazve panzvimbo ino.’ ”

Did you know?

The Yoke of Babylon

  • God instructed Jeremiah to make a yoke of straps and place it on his neck as a living visual message. He was directed to address foreign envoys from Edom, Moab, Ammon, Tyre, and Sidon who were visiting King Zedekiah in Jerusalem, urging their nations to submit to Babylon rather than rebel.Sources: the Bible text itself
  • In this message, God refers to Nebuchadnezzar, the ruler of Babylon, as 'My servant.' The text emphasizes that the Creator of the earth gives dominion over lands and kingdoms to whom He pleases, subjecting the surrounding nations to Babylonian rule.Sources: the Bible text itself · Nebuchadnezzar
  • While rival prophets claimed that the sacred vessels taken during the exile of Jeconiah (Jehoiachin) would soon return, Jeremiah warned that this was a lie. He announced that the remaining temple furnishings, including the bronze pillars, the sea, and the bases, would also be carried off to Babylon.Sources: the Bible text itself · Jehoiachin

Notes written with AI assistance from open sources (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, public domain) and reviewed before publishing.

Places in this chapter

  • Ammon · 31.955, 35.934 · verse 3
  • Edom · 30.746, 35.604 · verse 3
  • Jerusalem · 31.777, 35.234 · verses 3, 18, 20, 21, 22
  • Moab · Today: Moab 1 · 31.181, 35.701 · verse 3
  • Sidon · Today: Sandikli archaeological site in Sidon · 33.561, 35.372 · verse 3
  • Tyre · 33.271, 35.196 · verse 3
  • Babylon · 32.543, 44.422 · verses 6, 7, 8, 9, 11, 12, 13, 14, 16, 17, 18, 20, 22

Only places identified with high confidence are shown (90% or more according to the scholarly sources compiled by OpenBible). Period map: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; modern map: © OpenStreetMap contributors; places: OpenBible.info (CC BY 4.0).

Credits and license for this translation
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Source: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Talk to us

Tell us where you read from, how the Bible has helped you, or what we could improve. We read every message.