Nations Bible

Jeremiah 17

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Tap a verse to see its cross-references.

1“Chivi chaJudha chakanyorwa nechinyoreso chesimbi,

chakanyorwa nomuromo webwe rakapinza kwazvo,

pahwendefa dzemwoyo yavo

nepanyanga dzearitari dzavo.

2Kunyange vana vavo vanorangarira

aritari dzavo namatanda aAshera

munyasi memiti yakapfumvutira

uye napazvikomo zvakakwirira.

3Gomo rangu riri munyika

uye pfuma yako namatura ako ose

ndichazviendesa kuutapwa,

pamwe chete nenzvimbo dzako dzakakwirira,

nokuda kwechivi chiri munyika yako yose.

4Nokuda kwokutadza kwako, ucharasikirwa

nenhaka yandakakupa.

Ndichakuita muranda wavavengi vako

munyika yausingazivi,

nokuti wakabatidza kutsamwa kwangu,

uye kuchapfuta nokusingaperi.”

5Zvanzi naJehovha:

“Ngaatukwe munhu uyo anovimba nomumwe munhu,

anovimba nesimba renyama

ano mwoyo unofuratira Jehovha.

6Achafanana negwenzi murenje;

haangaoni kubudirira pakunosvika.

Achagara munzvimbo dzakaoma dzemugwenga,

munyika yomunyu isingagarwi nomunhu.

7“Asi akakomborerwa munhu anovimba naJehovha,

akaisa chivimbo chake maari.

8Achafanana nomuti wakasimwa pamvura,

unotuma midzi yawo kurukova.

Hautyi kana kupisa kuchisvika;

mashizha awo anogara ari manyoro.

Haufunganyi mugore rokusanaya kwemvura,

uye haumboshayiwi zvibereko.”

9Mwoyo unonyengera kupfuura zvinhu zvose,

uye wakaora chose.

Ndiani angauziva?

10“Ini Jehovha ndinonzvera mwoyo

uye ndinoedza ndangariro,

kuti ndipe munhu zvakaringana namafambiro ake,

uye zvakafanira mabasa ake.”

11Sechikwari chinochochonya mazai achisina kukandira,

ndizvo zvakaita munhu anowana pfuma nokusarurama.

Pakati pamazuva ake, zvichamusiya,

uye pakupedzisira achazviona kuti ibenzi.

12Chigaro choushe chinobwinya, chakanga chakasimudzirwa kubva pakutanga,

ndicho nzvimbo yedu tsvene.

13Imi Jehovha, tariro yaIsraeri,

vose vanokusiyai vachanyadziswa.

Vose vanotsauka kwamuri vachanyorwa muvhu,

nokuti vakasiya Jehovha,

chitubu chemvura mhenyu.

14Haiwa Jehovha, ndiporesei, ipapo ndichaporeswa;

ndiponesei, ipapo ndichaponeswa,

nokuti imi ndimi wandinorumbidza.

15Vanogara vachiti kwandiri,

“Shoko raJehovha riripiko?

Ngarizadziswe iye zvino!”

16Handina kutiza pakuva mufudzi wenyu;

munoziva kuti handina kushora zuva rokupera kwetariro.

Zvinobuda mumuromo mangu zviri pachena pamberi penyu.

17Musava chinhu chinotyisa kwandiri;

ndimi utiziro hwangu pazuva renjodzi.

18Vatambudzi vangu ngavanyadziswe,

asi ini ndidzivirirei pakunyadziswa;

ngavavhunduswe ivo,

asi ini ndidzivirirei kuti ndisavhunduswa.

Uyisai pamusoro pavo zuva renjodzi;

vaparadzei nokuparadza kwakapetwa kaviri.

Kuchengeta Sabata rive Dzvene

19Izvi ndizvo zvakataurwa naJehovha kwandiri: “Enda undomira pasuo ravanhu, panopinda nokubuda namadzimambo eJudha; ugondomirazve pane mamwe masuo ose eJerusarema. 20Uti kwavari, ‘Inzwai shoko raJehovha, imi madzimambo eJudha navanhu vose veJudha navose vanogara muJerusarema vanopinda napamasuo aya. 21Zvanzi naJehovha: Zvichenjererei kuti murege kutakura mutoro nomusi weSabata kana kuupinza napasuo reJerusarema. 22Musabudisa mitoro mudzimba dzenyu kana kuita basa ripi neripi pazuva reSabata, asi chengetai zuva reSabata rive dzvene, sezvandakarayira madzitateguru enyu. 23Asi havana kunzwa kana kurereka nzeve dzavo; vakava nemitsipa mikukutu uye havana kumboteerera kana kugamuchira kurayirwa. 24Asi kana mukachenjerera kuti munditeerere, ndizvo zvinotaura Jehovha, mukasauya nemitoro napamasuo eguta iri nomusi weSabata, asi muchichengeta zuva reSabata kuti rive dzvene nokusaita basa ripi neripi pazuva iroro, 25ipapo madzimambo anogara pachigaro choushe chaDhavhidhi vachauya napamasuo eguta namachinda avo. Ivo namachinda avo vachauya vakakwira ngoro namabhiza, vachiperekedzwa navarume veJudha navose vanogara muJerusarema, uye guta rino richagarwa nokusingaperi. 26Vanhu vachauya kumaguta eJudha uye nokumisha yakapoteredza Jerusarema, kubva kunyika yeBhenjamini nokujinga rezvikomo zvokumavirira, nokunyika yemakomo uye nokuNegevhi, vachiuyisa zvipiriso zvinopiswa nezvibayiro, uye zvipiriso zvezviyo, nezvinonhuhwira nezvipo zvokuvonga kuimba yaJehovha. 27Asi kana mukarega kunditeerera kuti muchengete zuva reSabata kuti rive dzvene, musingaregi kutakura mutoro pamunopinda pamasuo eJerusarema nezuva reSabata, ipapo ndichabatidza moto usingadzimwe mumasuo eJerusarema uchapedza nharo dzaro.’ ”

Artistic illustration — an interpretation, not a historical record.

Did you know?

Trust, the Heart, and the Sabbath

  • The iron stylus and diamond point were ancient tools used to carve deep, permanent inscriptions into hard stone or metal surfaces. Jeremiah invokes this image to emphasize that the idolatry of Judah was not a superficial slip, but deeply etched into their hearts and upon the horns of their altars.Sources: the Bible text itself
  • Jeremiah contrasts a solitary shrub in the parched, salty desert with a flourishing tree planted by a stream. A tree with roots reaching into water stays green and continues bearing fruit even in years of drought, serving as an image of enduring life for those who trust in God rather than human strength.Sources: the Bible text itself
  • Jeremiah was instructed to proclaim God's word at the gates of Jerusalem, specifically forbidding the carrying of commercial loads on the Sabbath. Keeping the Sabbath holy promised the continuation of kings on the throne of David and the arrival of worshippers from the territory of Benjamin, Judah, and the arid Negev.Sources: the Bible text itself · David · Benjamin (patriarch) · Jerusalem

Notes written with AI assistance from open sources (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, public domain) and reviewed before publishing.

Places in this chapter

  • Arabah · 30.417, 35.151 · verse 6
  • Jerusalem · 31.777, 35.234 · verses 19, 20, 21, 25, 26, 27
  • People’s Gate · Today: in Jerusalem · 31.777, 35.234 · verse 19
  • Negeb · 31.245, 34.841 · verse 26
  • Shephelah · 31.692, 34.875 · verse 26

Only places identified with high confidence are shown (90% or more according to the scholarly sources compiled by OpenBible). Period map: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; modern map: © OpenStreetMap contributors; places: OpenBible.info (CC BY 4.0).

Credits and license for this translation
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Source: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Talk to us

Tell us where you read from, how the Bible has helped you, or what we could improve. We read every message.