Jeremiah 11
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Tap a verse to see its cross-references.
Sungano Yaputswa
1Iri ndiro shoko rakauya kuna Jeremia richibva kuna Jehovha: 2“Inzwai mashoko esungano iyi mugoazivisa kuvanhu veJudha nokuna vanogara muJerusarema. 3Muvaudze kuti zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri, ‘Akatukwa munhu asingateereri mashoko esungano iyi, 4mashoko andakarayira madzitateguru enyu pandakavabudisa muIjipiti kubva muchoto chamatare.’ Ndakati, ‘Nditeererei mugoita zvose zvandinokurayirai, mugova vanhu vangu, ini ndigova Mwari wenyu. 5Ipapo ndichazadzisa mhiko yandakapika kumadzitateguru enyu, kuti ndichavapa nyika inoyerera mukaka nouchi,’ nyika yava yenyu nhasi.”
Ndakapindura ndichiti, “Ameni, Jehovha.”
6Jehovha akati kwandiri, “Paridza mashoko aya ose mumaguta eJudha nomumigwagwa yeJerusarema uchiti, ‘Inzwai mashoko esungano iyi muatevere. 7Kubva panguva yandakabudisa madzitateguru enyu kubva muIjipiti kusvikira nhasi, ndakavayambira ndavayambirazve ndichiti, “Nditeererei.” 8Asi havana kuteerera kana kuva nehanya; asi vakatevera kusindimara kwemwoyo yavo yakaipa. Saka ndakauyisa pamusoro pavo kutuka kwose kwesungano yandakanga ndavarayira kuti vatevere asi havana kuichengeta.’ ”
9Ipapo Jehovha akati kwandiri, “Pane rangano pakati pavanhu veJudha navanogona kundimukira navanogara muJerusarema. 10Vadzokera pazvakaipa zvamadzitateguru avo, avo vakaramba kuteerera mashoko angu. Vakatevera vamwe vamwari kuti vavashumire. Dzimba mbiri idzi, yaIsraeri neyaJudha dzakaputsa sungano yandakaita namadzitateguru avo. 11Naizvozvo zvanzi naJehovha, ‘Ndichauyisa njodzi pamusoro pavo yavasingagoni kupunyuka. Kunyange vakachema kwandiri handingavateereri. 12Maguta eJudha navanhu veJerusarema vachaenda kundodana kuna vamwari vavaipisira zvinonhuhwira, asi havazovabatsiri zvachose pavanosvikirwa nenjodzi. 13Una vamwari vakawanda sokuwanda kwakaita maguta ako, iwe Judha; uye aritari dzamakamisa kuti mupisire zvinonhuhwira kuna mwari anonyadzisa, iye Bhaari, dzakawanda sokuwanda kwakaita migwagwa yeJerusarema.’
14“Usanyengeterera vanhu kana kupa chikumbiro chipi zvacho kana kuvakumbirira, nokuti handizoteereri pavanodana kwandiri panguva yokutambudzika kwavo.
15“Ko, mudiwa wangu ari kuitei mutemberi yangu,
zvaari kuita mabasa ake akaipa navazhinji?
Ko, nyama yakatsaurwa ingadzivisa kurohwa kwako here?
Pamunoita zvakaipa zvenyu,
ipapo imi mofara.”
16Jehovha akati ndiwe muti womuorivhi une upenyu,
une michero yakanaka yakaurungana.
Asi nokutinhira kwemhepo ine simba
achautungidza nomoto,
uye matavi awo achavhunika.
17Jehovha Wamasimba Ose, iye akakusima, atema chirevo chezvakaipa kwauri, nokuti imba yaIsraeri neimba yaJudha vakaita zvakaipa, vakanditsamwisa nokupisira Bhaari zvinonhuhwira.
Rangano pamusoro paJeremia
18Nokuti Jehovha akandionesa rangano yavo, ndikaiziva, nokuti panguva iyoyo akandiratidza zvavakanga vachiita. 19Ndakanga ndakaita segwayana rakapfava riri kuendeswa kundobayiwa; ndakanga ndisingazivi kuti vakanga vandirangana, vachiti,
“Ngatiparadzei muti nemichero yawo;
ngatimubvisei panyika yavapenyu,
kuti zita rake rirege kuzorangarirwazve.”
20Asi imi Jehovha Wamasimba Ose, iyemi munotonga nokururama,
uye munoedza mwoyo nendangariro,
ngandione kutsiva kwenyu pamusoro pavo,
nokuti ndakaisa mhaka yangu kwamuri.
21“Naizvozvo zvanzi naJehovha pamusoro pavarume veAnatoti vari kutsvaka kukuuraya, vachiti, ‘Regai kuprofita nezita raJehovha nokuti ungafa namaoko edu,’ 22naizvozvo zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, ‘Ndichavaranga. Majaya avo achafa nomunondo, vanakomana navanasikana vavo vachafa nenzara. 23Hakuna kunyange mumwe achasara kwavari, nokuti ndichauyisa njodzi pamusoro pavarume veAnatoti mugore rokurangwa kwavo.’ ”

Did you know?
The Broken Covenant and the Plot at Anathoth
- In Jeremiah 11, the Lord rebukes the people of Judah for breaking the covenant established after the exodus from Egypt, noting that altars to burn incense to the deity Baal were as numerous as the streets of Jerusalem.Sources: the Bible text itself · Baal
- Jeremiah faced a deadly conspiracy from his own hometown of Anathoth, a priestly town in the territory of Benjamin, where local residents plotted to kill him to silence his prophetic message.Sources: the Bible text itself · Anathoth · Jeremiah
Notes written with AI assistance from open sources (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, public domain) and reviewed before publishing.
Places in this chapter
Only places identified with high confidence are shown (90% or more according to the scholarly sources compiled by OpenBible). Period map: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; modern map: © OpenStreetMap contributors; places: OpenBible.info (CC BY 4.0).
Credits and license for this translation
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Language: chiShona Contributor: Biblica, Inc. Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Creative Commons License Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.” Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA). Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us . This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.” Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA). If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us . This translation is made available to you under the terms of the Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0. You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that: You include the above copyright and source information. If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes. If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original. Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents. For other uses, please contact the respective copyright owners. Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19. 2023-04-14
Source: http://ebible.org/sna/ · eBible.org