Nations Bible

Judges 20

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Tap a verse to see its cross-references.

VaIsraeri vanorwa navaBhenjamini

1Ipapo vaIsraeri vose kubva kuDhani kusvikira kuBheerishebha uye nokubva munyika yeGireadhi vakabuda somunhu mumwe chete vakaungana pamberi paJehovha muMizipa. 2Vatungamiriri vavanhu vose vamarudzi eIsraeri vakandomira panzvimbo dzavo paungano yavanhu vaMwari, zviuru zvamazana mana zvavarwi vakapakata minondo. 3(VaBhenjamini vakanzwa kuti vaIsraeri vakanga vakwidza kuMizipa.) Ipapo vakati, “Dotiudzai kuti chinhu chakaipisisa kudai chakaitika sei?”

4Saka muRevhi, murume womukadzi akapondwa akati, “Ini nomurongo wangu takasvika paGibhea muBhenjamini kuti tindovatamo. 5Panguva dzousiku, varume veGibhea vakauya kwandiri vakakomba imba vachida kundiuraya. Vakabata murongo wangu chibharo, uye akafa. 6Ndakatora murongo wangu, ndikamugura-gura uye ndikatumira chidimbu chimwe chete kunharaunda imwe neimwe yenhaka yeIsraeri, nokuti ndivo vakaita chinhu ichi chinonyangadza uye nokuita kunonyadzisa muIsraeri. 7Zvino, imi vaIsraeri mose, taurai uye mupe mutongo wenyu.”

8Vanhu vose vakasimuka somunhu mumwe chete vakati, “Hakuna mumwe wedu achaenda kumba. Kwete, hakuna mumwe wedu achadzokera kumba kwake. 9Asi zvino izvi ndizvo zvatichaita kuGibhea: Tichakwidza kundorwa nayo sokuratidza kwomujenya. 10Tichatora varume gumi kubva muzana roga roga kubva kumarudzi ose eIsraeri, uye zana kubva muchiuru, uye chiuru kubva mugumi rezviuru, kuti vavigire varwi mbuva. Ipapo, hondo painosvika paGibhea muBhenjamini, ichavapa zvakavafanira zvouipi hwavo uhu hwakaitwa muIsraeri.” 11Saka varume vose veIsraeri vakaungana pamwe chete somunhu mumwe chete kuti vandorwisa guta.

12Marudzi aIsraeri akatuma varume kurudzi rwose rwaBhenjamini, vachiti, “Munoti kudiniko pamusoro pemhosva yakaipisisa yakaparwa pakati penyu? 13Zvino tipei varume avo vakaipa veGibhea kuti tivauraye tigobvisa chakaipa muIsraeri.”

Asi vaBhenjamini havana kuda kuteerera hama dzavo vaIsraeri. 14Vakabva mumaguta avo vakaungana pamwe chete paGibhea kuti vazorwa navaIsraeri. 15Pakarepo vaBhenjamini vakaunganidza varume veminondo zviuru makumi maviri nezvitanhatu kubva mumaguta avo, pamusoro pamazana manomwe akasarudzwa kubva kuna avo vaigara muGibhea. 16Pakati pavarwi ava vose pakanga pane mazana manomwe avarume vakasarudzwa vakanga vane ziboshwe, mumwe nomumwe wavo aigona kupotsera ibwe kutsuro asingapotsi.

17KuIsraeri, kunze kwaBhenjamini vakaverenga varume veminondo zviuru mazana mana, vose vakanga vari varwi.

18VaIsraeri vakakwidza kuBheteri vakandobvunza Mwari. Vakati, “Ndiani wedu achatanga kundorwa navaBhenjamini?”

Jehovha akapindura akati, “Judha ndiye achatanga kuenda.”

19Fume mangwana, vaIsraeri vakamuka vakadzika misasa pedyo neGibhea. 20Varume veIsraeri vakabuda kundorwa navaBhenjamini uye vakamira panzvimbo dzokurwa navo paGibhea. 21VaBhenjamini vakabuda muGibhea vakauraya vaIsraeri zviuru makumi maviri nezviviri munhandare yehondo pazuva iroro. 22Asi varume veIsraeri vakakurudzirana uyezve vakamira panzvimbo dzavo dzavakanga vatora pazuva rokutanga. 23VaIsraeri vakakwira vakandochema pamberi paJehovha kusvikira madekwana, uye vakabvunza Jehovha. Vakati, “Tichakwirazve kundorwa navaBhenjamini, idzo hama dzedu here?”

Jehovha akapindura akati, “Kwirai mundorwa navo.”

24Ipapo vaIsraeri vakaswedera pedyo navaBhenjamini pazuva repiri. 25Nguva iyi, vaBhenjamini pavakabuda kubva muGibhea kuti vandovarwisa, vakauraya vamwezve zviuru gumi nezvisere zvavaIsraeri, vose vakanga vakapakata minondo.

26Ipapo vaIsraeri, vanhu vose vakakwira kuBheteri, uye ikoko vakandogara pasi vachichema pamberi paJehovha. Vakatsanya pazuva iro kusvikira madekwana uye vakapa kuna Jehovha zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuwadzana. 27Uye vaIsraeri vakabvunza Jehovha. (Pamazuva iwayo, areka yesungano yaMwari yakanga iripo, 28Uye Finehasi mwanakomana waEreazari, mwanakomana waAroni, achishumira pamberi payo.) Vakabvunza vakati, “Tichaendazve kundorwa naBhenjamini hama yedu here kana kuti kwete?”

Jehovha akati, “Endai, nokuti mangwana ndichavaisa mumaoko enyu.”

29Ipapo vaIsraeri vakandovandira vakakomberedza Gibhea. 30Vakakwidza kundorwa navaBhenjamini pazuva retatu uye vakamira panzvimbo dzavo dzehondo kuti varwe neGibhea sezvavakamboita kare. 31VaBhenjamini vakabuda kuzosangana navo uye vakakwezverwa kure neguta. Vakatanga kubaya vaIsraeri sapakutanga, zvokuti varume vanenge makumi matatu vakafa musango uye nomumigwagwa, inoti mumwe unoenda kuBheteri nomumwe wacho kuGibhea.

32VaBhenjamini pavaiti, “Tiri kuvakunda sapakutanga,” vaIsraeri vaiti, “Ngatidududzirei mumashure tivakwezvere kure neguta kumigwagwa.”

33Varume vose veIsraeri vakafamba kubva panzvimbo dzavo uye vakandomira paBhaari Tamari, uye vaIsraeri vakanga vakavandira vakabuda munzvimbo dzavo pamavirira eGibhea. 34Ipapo zviuru gumi zvavarume veIsraeri vakanga vakasarudzwa vakavarwisa nechemberi paGibhea. Kurwa kwakanga kwanyanya kwazvo zvokuti vaBhenjamini havana kuziva kuti njodzi yakanga yava pedyo zvakaita sei. 35Jehovha akakunda Bhenjamini pamberi peIsraeri, uye pazuva iro vaIsraeri vakauraya vaBhenjamini, vose vakanga vakapakata minondo zviuru makumi maviri nezvishanu nezana rimwe chete. 36Ipapo vaBhenjamini vakaona kuti vakanga vakundwa.

Zvino varume veIsraeri vakanga vachitiza pamberi pavaBhenjamini, nokuti vakanga vachisimba nokuvandira kwavakanga varonga pedyo neGibhea. 37Varume vakanga vakavandira vakapinda muGibhea pakarepo, vakapararira uye vakaparadza guta rose nomunondo. 38Varume veIsraeri vakanga varonga navakanga vakavandira kuti pavaizorwisa, vamwe vaifanira kubatidza moto unobuda utsi huzhinji muguta, 39uye ipapo varume veIsraeri vaizovashandukira pakurwa.

VaBhenjamini vakanga vatotanga kuuraya varume veIsraeri (vanenge makumi matatu), uye vakati, “Tiri kuvakunda sapahondo yokutanga.” 40Asi utsi pahwakatanga kukwira kubva muguta, vaBhenjamini vakacheuka vakaona utsi hweguta rose huchikwira kudenga. 41Ipapo varume veIsraeri vakavadzokera, uye varume veBhenjamini vakavhundutswa, nokuti vakaziva kuti njodzi yakanga yavawira. 42Saka vakatiza pamberi pavaIsraeri nenzira inoenda kurenje, asi havana kugona kupunyuka pahondo. Uye varume veIsraeri vakabuda kubva mumaguta vakavauraya ipapo. 43Vakakomba vaBhenjamini, vakavadzinganisa vakavabata nyore nyore pedyo neGibhea nechokumabvazuva. 44VaBhenjamini zviuru gumi nezvisere vakafa, vose vaiva varwi voumhare. 45Vakati vadzoka vakatiza vakananga kurenje kuruware rwaRimoni, vaIsraeri vakauraya varume zviuru zvishanu (mumigwagwa). Vakaramba vachitevera vaBhenjamini kusvikira paGidhomi uye vakaurayazve vamwe zviuru zviviri.

46Pazuva iroro, kwakafa varume vaBhenjamini veminondo zviuru makumi maviri nezvishanu, vose varwi voumhare. 47Asi varume mazana matanhatu vakatendeuka vakatizira murenje kuruware rweRimoni, kwavakandogara kwemwedzi mina. 48Varume veIsraeri vakadzokera kuBhenjamini uye vakaparadza maguta ose nomunondo, kusanganisira mhuka nezvimwe zvose zvavakawana. Maguta ose avakaona vakaapisa.

Artistic illustration — an interpretation, not a historical record.

Did you know?

The War Against Benjamin

  • The phrase 'from Dan to Beersheba' describes the full extent of the Promised Land from north to south, a distance of roughly 144 miles (230 km). The assembly gathered at Mizpah, a hilltop town located a few miles northwest of Jerusalem that regularly served as a meeting place during major national crises.Sources: Beersheba · Mizpah · the Bible text itself
  • The text notes that Phinehas, son of Eleazar and grandson of Aaron, ministered before the Ark of the Covenant at Bethel when Israel inquired of God. This detail indicates that the civil war at Gibeah took place relatively early in the period of the judges, within two generations of the Exodus.Sources: Phinehas (Levite) · Eleazar · Aaron · Bethel (of Palestine)
  • After devastating losses that nearly wiped out the tribe of Benjamin, only 600 surviving warriors managed to escape. They fled to the Rock of Rimmon, a steep hilltop site on the edge of the hill country, where they held out for four months.Sources: Rimmon · Gibeah · the Bible text itself

Notes written with AI assistance from open sources (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, public domain) and reviewed before publishing.

Places in this chapter

  • Dan · Today: Tel Dan · 33.249, 35.652 · verse 1
  • Gilead · Today: Gilead 1 · 32.187, 35.692 · verse 1
  • Jordan · Today: Jordan River · 31.761, 35.558 · verse 1
  • Maareh-geba · Today: within 2 km of Tel el Ful · 31.823, 35.231 · verse 33

Only places identified with high confidence are shown (90% or more according to the scholarly sources compiled by OpenBible). Period map: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; modern map: © OpenStreetMap contributors; places: OpenBible.info (CC BY 4.0).

Credits and license for this translation
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Source: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Talk to us

Tell us where you read from, how the Bible has helped you, or what we could improve. We read every message.