Nations Bible

Judges 18

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Tap a verse to see its cross-references.

VaDhani vanondogara muRaishi

1Mumazuva iwayo Israeri yakanga isina mambo.

Uye mumazuva iwayo vorudzi rwavaDhani vakanga vachitsvaka nzvimbo yavo pachavo yavangagara, nokuti vakanga vasati vapiwa nhaka pakati pamarudzi eIsraeri. 2Saka vaDhani vakatuma varwi vashanu vaibva kuZora neEshitaori kuti vandosora nyika uye vaitarisise. Varume ava vakanga vachimirira dzimba dzavo dzose. Vakavaudza kuti, “Endai munotarisisa nyika.”

Varume vakapinda munyika yezvikomo yaEfuremu vakasvika paimba yaMika, vakavatapo. 3Vakati vava pedyo nemba yaMika, vakaziva inzwi rejaya muRevhi; saka vakatsaukiramo vakamubvunza vachiti, “Ndianiko akakuuyisa kuno? Unobatei pano? Seiko uri pano?”

4Akavataurira zvaakanga aitirwa naMika, akati, “Akandipa basa uye ndiri muprista wake.”

5Ipapo vakati kwaari, “Tapota, tibvunzire Mwari kuti tizive kana rwendo rwedu ruchabudirira.”

6Muprista akavapindura akati, “Endai henyu norugare. Rwendo rwenyu rwatendwa naJehovha.”

7Saka varume vashanyi vaya vakabvapo vakandosvika kuRaishi, uko kwavakandoona kuti vanhu vakanga vagere zvakanaka, sezvakaita vaSidhoni, vasina chavanofungidzira uye vagere zvakanaka. Uye sezvo nyika yavo yakanga isingashayiwi chinhu, vakanga vakabudirira. Uyezve, vakanga vagere kure nava Sidhoni uye vakanga vasina ushamwari naani zvake.

8Vakati vadzokera kuZora neEshitaori, hama dzavo dzakavabvunza dzikati, “Makazviona sei zvinhu imi?”

9Vakapindura vakati, “Uyai, tivarwise! Takaona kuti nyika yacho yakanaka kwazvo. Hamungaiti chimwe chinhu here? Musanonoka kuendako kundoitora. 10Pamunosvikako muchawana mumaoko enyu naMwari, nyika isina kana chainoshayiwa.”

11Ipapo mazana matanhatu avarume vaibva kumhuri yavaDhani vakapakata zvombo kuti vandorwa, vakasimuka vachibva kuZora neEshitaori. 12Vari munzira yavo vakadzika misasa pedyo neKiriati Jearimi muJudha. Ndokusaka nzvimbo iri kumavirira eKiriati Jearimi ichinzi Mahane Dhani kusvikira zuva ranhasi. 13Kubva ipapo vakaenda kunyika yezvikomo yaEfuremu uye vakasvika kumba kwaMika.

14Ipapo varume vashanu vakanga vandosora nyika yeRaishi vakati kuhama dzavo, “Munoziva here kuti imwe yedzimba idzi ine efodhi, vamwe vamwari, chifananidzo chakavezwa nechifananidzo chakaumbwa? Zvino imi munoziva zvokuita.” 15Saka vakatsaukiramo vakaenda kumba kwejaya muRevhi kumba kwaMika vakandomukwazisa. 16Mazana matanhatu avaDhani, vakapakata zvombo zvokurwa, vakamira pamukova wokupinda nawo pasuo. 17Varume vashanu vakanga vandosora nyika vakapinda mukati vakatora chifananidzo chakavezwa, efodhi, vamwe vamwari nechifananidzo chakaumbwa asi muprista namazana matanhatu avarume vakanga vakapakata zvombo zvokurwa nazvo vakamira pamukova wesuo.

18Varume ava vakati vapinda mumba maMika, vakatora mufananidzo wakavezwa, efodhi, vamwe vamwari nechifananidzo chakaumbwa, muprista akati kwavari, “Muri kuiteiko?”

19Vakamupindura vakati, “Nyarara! Usambotaura shoko. Handei tose, ugova baba vedu nomuprista wedu. Handiti zviri nani kushumira rudzi neimba iri muIsraeri somuprista pachinzvimbo cheimba yomunhu mumwe here?” 20Ipapo muprista akafara. Akatora efodhi, vamwe vamwari nechifananidzo chakavezwa akaenda pamwe chete navanhu. 21Vakaisa vana vavo vaduku, zvipfuwo zvavo nenhumbi dzavo pamberi pavo, vakasimuka vakaenda.

22Vakati vafamba chinhambwe kubva pamba yaMika varume vaigara pedyo naMika vakadanwa pamwe chete vakatevera vaDhani vakavabata. 23Pavakadaidzira mushure mavo, vaDhani vakatendeuka vakati kuna Mika, “Wakaita seiko iwe, zvawadana vanhu vako kuti vazorwa?”

24Akapindura akati, “Makatora vamwari vandakaita, uye muprista wangu mukaenda naye. Chii zvino chandasarirwa nacho? Mungabvunza seiko muchiti, ‘Wakaita seiko iwe?’ ”

25VaDhani vakapindura vakati, “Usaita nharo nesu, kuti varume vane hasha varege kukurwisa, uye iwe nemhuri yako mukazorasikirwa noupenyu hwenyu.” 26Saka vaDhani vakaenda zvavo, uye Mika, achiona kuti vakanga vaine simba kukunda iye, akadzoka akaenda kumusha kwake.

27Ipapo vakatora zvakanga zvagadzirwa naMika, uye muprista wake, vakaenda kuRaishi, vakandorwa navanhu vakanga vasina chavanofungidzira vano rugare. Vakavauraya nomunondo vakavapisira maguta avo nomoto. 28Pakanga pasina munhu anovanunura nokuti vaigara kure neSidhoni uye vasina ushamwari naani zvake. Guta rakanga riri mumupata waiva pedyo neBheti Rehobhi.

VaDhani vakavakazve guta vakagaramo. 29Vakaritumidza kuti Dhani zita ratateguru wavo Dhani, akanga aberekerwa Israeri, kunyange raimbonzi Raishi. 30Ikoko vaDhani vakazvimisira chifananidzo, uye Jonatani mwanakomana waGerishomi, mwanakomana waMozisi, uye vanakomana vake vakava vaprista vorudzi rwaDhani kusvikira panguva youtapwa hwenyika. 31Vakaramba vachishandisa zvifananidzo zvakaitwa naMika, nguva dzose imba yaMwari payakanga iri muShiro.

Artistic illustration — an interpretation, not a historical record.

Did you know?

The Migration of Dan and the Stolen Sanctuary

  • Seeking territory of their own, Danite scouts identified Laish, a tranquil and isolated settlement in the far north near the sources of the Jordan. Because the city had no military alliances and was far from the Phoenician city of Sidon, six hundred Danite warriors easily captured and burned it, rebuilding the settlement and renaming it Dan.Sources: the Bible text itself · Laish · Dan · Sidon
  • On their march northward, the Danites confiscated Micah's carved idol, ephod, and household gods, convincing his young Levite priest to join them as tribal priest. At the end of the narrative, the priest is identified as Jonathan, son of Gershom, a descendant of Moses, whose family maintained this northern priesthood for generations.Sources: the Bible text itself · Jonathan · Gershom · Micah
  • The six hundred armed Danites mobilized from the towns of Zorah and Eshtaol. Their temporary encampment west of Kiriath-jearim in the territory of Judah became known as Mahaneh-dan, which means 'Camp of Dan.'Sources: the Bible text itself · Mahaneh-dan · Zorah · Eshtaol

Notes written with AI assistance from open sources (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, public domain) and reviewed before publishing.

Places in this chapter

  • Aram · 33.511, 36.306 · verses 7, 28
  • Dan · Today: Tel Dan · 33.249, 35.652 · verses 7, 14, 27, 29
  • Sidon · Today: Sandikli archaeological site in Sidon · 33.561, 35.372 · verses 7, 28
  • Kiriath-jearim · Today: Deir el Azar · 31.809, 35.104 · verse 12
  • Shiloh · Today: Khirbet Seilun · 32.056, 35.290 · verse 31

Only places identified with high confidence are shown (90% or more according to the scholarly sources compiled by OpenBible). Period map: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; modern map: © OpenStreetMap contributors; places: OpenBible.info (CC BY 4.0).

Credits and license for this translation
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Source: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Talk to us

Tell us where you read from, how the Bible has helped you, or what we could improve. We read every message.