Hebrews 4
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Tap a verse to see its cross-references.
Sabata, zororo raVanhu vaMwari
1Naizvozvo, sezvo chipikirwa chokupinda muzororo rake chichiripo, ngatichenjerei kuti kurege kuva nomumwe wenyu angatadza kusvikako. 2Nokuti nesuwo takanzwa vhangeri richiparidzwa kwatiri, saivo; asi shoko ravakanzwa harina kuvabatsira, nokuti ivo vakarinzwa havana kuribatanidza nokutenda. 3Zvino isu tinotenda tinopinda muzororo iroro, sezvakareva Mwari achiti,
“Naizvozvo ndakapika mhiko mukutsamwa kwangu, kuti,
‘Havazopindi muzororo rangu.’ ”
Uye kunyange zvakadaro basa rake akapedza kubva pakusikwa kwenyika. 4Nokuti pane imwe nzvimbo akataura mashoko aya pamusoro pezuva rechinomwe. “Zvino pazuva rechinomwe Mwari akazorora kubva pabasa rake rose.” 5Uyezve mundima iri pamusoro anoti, “Havazopindi muzororo rangu.”
6Ichokwadi kuti vamwe vachapinda muzororo iroro, uye vaya vakatanga kuparidzirwa vhangeri kare havana kupinda, nokuda kwokusateerera kwavo. 7Naizvozvo Mwari akaisazve rimwe zuva rinonzi Nhasi, paakataura kare kubudikidza naDhavhidhi, sezvazvakataurwa pakutanga zvichinzi:
“Nhasi, kana muchinzwa inzwi rake,
musaomesa mwoyo yenyu.”
8Nokuti dai Joshua akanga avapa zororo, Mwari angadai asina kuzotaurazve nezverimwe zuva. 9Naizvozvo richiripo, zororo reSabata ravanhu vaMwari; 10nokuti ani naani anopinda muzororo raMwari anozororawo pabasa rake, sezvakaita Mwari pane rake. 11Naizvozvo ngatishingairirei kuti tipinde muzororo iro, kuitira kuti pashayikwe achawa nokuda kwokutevera muenzaniso wavo wokusateerera.
12Nokuti shoko raMwari ibenyu uye rine simba. Rinopinza kukunda munondo unocheka kumativi maviri, rinobaya kunyange kusvikira panoparadzana mwoyo nomweya, namafundo nomongo; rinotonga mifungo nendangariro dzomwoyo. 13Hakuna chisikwa chakavanzika pamberi paMwari. Zvinhu zvose zviri pachena uye zvakafukurwa pameso aiye watinofanira kuzvidavirira kwaari.
Jesu Muprista Mukuru
14Naizvozvo, zvatino muprista mukuru kwazvo, akapinda napakati pamatenga, Jesu Mwanakomana waMwari, ngatibatisisei kutenda kwatinopupura. 15Nokuti hatina muprista mukuru asingagoni kutinzwira tsitsi pautera hwedu, asi tinaye akaedzwa pazvinhu zvose, sesu, asi asina chivi. 16Ngatiswederei tisingatyi pachigaro choushe chenyasha, kuitira kuti tigogamuchira ngoni uye tigowana nyasha, tibatsirwe panguva yokushayiwa.

Did you know?
The promise of God’s rest
- Hebrews 4 sets God’s rest on the seventh day beside a rest the people had not yet entered. It recalls that on the seventh day God rested from all his works, finished since the foundation of the world. Because Joshua did not give them rest, the chapter says, God later spoke of another day, and a Sabbath rest remains for the people of God.Sources: the Bible text itself
- Those who first heard the good news, the chapter says, gained nothing from the message because they did not share the faith of those who understood it, and they did not enter God’s rest because of disobedience, after God had sworn in anger that they never would. Long afterward he named a day “Today” and spoke through David, urging hearers not to harden their hearts if they heard his voice. That David is identified as the eighth and youngest son of Jesse, a citizen of Bethlehem, who early on tended his father’s sheep on the uplands of Judah.Sources: the Bible text itself · David
- The same chapter calls the word of God living and active, sharper than any double-edged sword, and able to judge the thoughts and intentions of the heart, and it says nothing in all creation is hidden from God’s sight. It then speaks of Jesus, the Son of God, as a great high priest who has passed through the heavens, tempted in every way as others are, yet without sin, so that people may approach the throne of grace with confidence.Sources: the Bible text itself
Notes written with AI assistance from open sources (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, public domain) and reviewed before publishing.
Credits and license for this translation
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Language: chiShona Contributor: Biblica, Inc. Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Creative Commons License Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.” Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA). Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us . This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.” Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA). If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us . This translation is made available to you under the terms of the Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0. You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that: You include the above copyright and source information. If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes. If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original. Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents. For other uses, please contact the respective copyright owners. Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19. 2023-04-14
Source: http://ebible.org/sna/ · eBible.org