Nations Bible

Haggai 2

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Tap a verse to see its cross-references.

Kubwinya kweImba Itsva kunovimbiswa

1Pazuva ramakumi maviri nerimwe romwedzi wechinomwe, shoko raJehovha rakasvika nokuna muprofita Hagai richiti, 2“Taura naZerubhabheri mwanakomana waShearitieri, mubati weJudha, kuna Joshua mwanakomana waJehozadhaki muprista mukuru, nokuvanhu vakasara. Uvabvunze kuti, 3‘Ndiani pakati penyu vakasara akaona imba ino pakubwinya kwayo kwokutanga? Munoionawo sei zvino? Pakuona kwenyu haina kuita sapasina here? 4Asi zvino chiva nesimba, iwe Zerubhabheri,’ ndizvo zvinotaura Jehovha. ‘Iva nesimba, iwe Joshua mwanakomana waJehozadhaki, muprista mukuru. Ivai nesimba, imi mose vanhu venyika,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘uye mushande. Nokuti ndinemi,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. 5‘Ndiro shoko resungano yandakaita nemi, nguva yamakabuda kubvira muIjipiti. Uye Mweya wangu uchagara pakati penyu. Musatya.’

6“Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: ‘Munguva shoma shoma, ndichazungunusa matenga nenyika, negungwa nenyika yakaoma. 7Ndichazungunusa ndudzi dzose, uye zvinodikanwa nendudzi dzose zvichauya, uye ndichazadza imba ino nokubwinya,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. 8‘Sirivha ndeyangu negoridhe nderangu,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. 9‘Kubwinya kweimba iripo nhasi kuchapfuura kubwinya kweyokutanga,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. ‘Uye panzvimbo ino ndichauyisa rugare,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.”

Vanhu vakanga vasvibiswa vanoropafadzwa

10Pazuva ramakumi maviri namana romwedzi wechipfumbamwe, mugore rechipiri raDhariasi, shoko raJehovha rakasvika kumuprofita Hagai, richiti, 11“Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: ‘Bvunza vaprista kuti murayiro unorevei: 12Kana munhu akatakura nyama tsvene mumupendero wenguo yake, uye mupendero ukagunzva chingwa kana nyama yakabikwa, kana waini, kana mafuta kana zvimwe zvokudya, zvichava zvitsvene here?’ ”

Vaprista vakapindura vakati, “Kwete.”

13Ipapo Hagai akapindura akati, “Kana munhu asvibiswa nokubata kwaaita chitunha, akabata chimwe chaizvozvi, ko, chingasvibiswa here?” Vaprista vakapindura vakati, “Hongu chinosvibiswa.”

14Ipapo Hagai akapindura akati, “ ‘Ndizvo zvakaita vanhu ava norudzi urwu pamberi pangu,’ ndizvo zvinotaura Jehovha. ‘Zvose zvavanoita uye zvose zvavanopa sechibayiro ipapo zvakasvibiswa.

15“ ‘Zvino fungisisai, kubvira pazuva ranhasi, muchidzokera shure, chimbofungai zvazvakanga zvakaita ibwe rimwe richigere kuiswa pamusoro perimwe ibwe mutemberi yaJehovha. 16Munhu aiti kana achinge asvika pamurwi wezviyero makumi maviri, paingova negumi chete. Munhu aiti kana asvika pachisviniro chewaini achida kuchera zviyero makumi mashanu, kwaingova nezviyero makumi maviri chete. 17Ndakarova mabasa ose amaoko enyu nenyunje, nokuvhuvha nechimvuramabwe, asi hamuna kutendeukira kwandiri,’ ndizvo zvinotaura Jehovha. 18Kubvira pazuva ranhasi zvichienda mberi, kubvira pazuva ramakumi maviri namana romwedzi wepfumbamwe, fungisisai zuva riya rakateyiwa nheyo dzetemberi yaJehovha. Fungisisai izvozvo: 19Ko, muchine mbeu yakasara mudura here? Kusvikira zvino, muzambiringa nomuonde, mutamba nomuorivhi hazvina kubereka michero.

“ ‘Kubvira pazuva ranhasi ndichakuropafadzai.’ ”

Zerubhabheri ndiye Chisimbiso chaJehovha

20Shoko raJehovha rakasvika kuna Hagai kechipiri pazuva ramakumi maviri namana romwedzi richiti, 21“Udza Zerubhabheri mubati weJudha kuti ndichazungunusa matenga nenyika. 22Ndichawisira pasi zvigaro zvoushe uye ndichaparadza simba roushe hwavatorwa. Ndichawisira pasi ngoro navafambisi vadzo; mabhiza navatasvi vawo zvichawira pasi, mumwe nomumwe nomunondo wehama yake.

23“ ‘Pazuva iroro,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, ‘ndichakutora iwe, muranda wangu, Zerubhabheri mwanakomana waShearitieri,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘uye ndichakuita sechisimbiso changu, nokuti ndakakusarudza,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.”

Artistic illustration — an interpretation, not a historical record.

Did you know?

The Promise of Future Glory

  • When the foundation of the second temple was laid after the return from Babylon, older members of the community could still remember the magnificence of the original temple destroyed by Nebuchadnezzar. In response to their discouragement at the modest new structure, Haggai declared that the future glory of this house would surpass its former splendor.Sources: the Bible text itself · Zerubbabel · Haggai
  • Haggai consulted the priests on questions of ritual law to illustrate a moral point. According to their rulings, holiness was not easily transmitted through indirect contact, whereas ceremonial defilement—such as from touching a corpse—spread immediately, mirroring how their past neglect had affected their offerings and harvests.Sources: the Bible text itself
  • The restoration of the community was led by two key figures: Zerubbabel son of Shealtiel, who served as the civil governor, and Joshua son of Jehozadak, the high priest. At the end of the chapter, Haggai addresses Zerubbabel with the royal imagery of a signet ring, symbolizing divine authority and choice.Sources: the Bible text itself · Zerubbabel · Joshua

Notes written with AI assistance from open sources (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, public domain) and reviewed before publishing.

Places in this chapter

  • Egypt · 30.129, 31.308 · verse 5

Only places identified with high confidence are shown (90% or more according to the scholarly sources compiled by OpenBible). Period map: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; modern map: © OpenStreetMap contributors; places: OpenBible.info (CC BY 4.0).

Credits and license for this translation
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Source: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Talk to us

Tell us where you read from, how the Bible has helped you, or what we could improve. We read every message.