Ezra 3
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Tap a verse to see its cross-references.
Kuvakwazve kweAritari
1Mwedzi wechinomwe wakati wasvika uye vana veIsraeri vakanga vagara mumaguta avo, vanhu vakaungana pamwe chete somunhu mumwe chete muJerusarema. 2Ipapo Jeshua mwanakomana waJozadhaki navamwe vake vaprista naZerubhabheri mwanakomana waShearitieri neshamwari dzake vakatanga kuvaka aritari yaMwari weIsraeri kuti vabayirepo zvipiriso zvinopiswa, maererano nezvakanyorwa muMurayiro waMozisi, munhu waMwari. 3Vakavakira aritari pahwaro uye vakabayirapo kuna Jehovha zvipiriso zvinopiswa, zvose zvipiriso zvinopiswa zvamangwanani nezvamadekwana, zvisinei kuti vaitya vanhu vakanga vakavapoteredza. 4Ipapo vakapemberera Mutambo waMatumba sezvazvakanga zvakanyorwa, nouwandu hwaidikanwa hwezvipiriso zvinopiswa hwakanga hwakanyorwa, hwezuva rimwe nerimwe. 5Mushure maizvozvo, vakapa chipiriso chinopiswa chenguva dzose, nezvibayiro zvapaKugara kwoMwedzi uye nezvibayiro zvemitambo yose mitsvene yaJehovha yakanga yakatarwa, pamwe chetewo neizvo zvakauyiswa sezvipo zvokuzvisarudzira kuna Jehovha. 6Pazuva rokutanga romwedzi wechinomwe vakatanga kupa zvipiriso zvinopiswa kuna Jehovha, kunyange zvazvo nheyo dzetemberi yaJehovha dzakanga dzichigere kuteyiwa.
Kuvakwazve kweTemberi
7Ipapo vakapa mari kuvavezi vamabwe navavezi vamatanda, uye vakapa zvokudya nezvokunwa namafuta kuvanhu veSidhoni neveTire, kuitira kuti vatore matanda emisidhari kubva kuRebhanoni vagoayeredza nemvura yegungwa kuti aende kuJopa, sezvakanga zvatenderwa naSirasi mambo wePezhia.
8Mumwedzi wechipiri wegore rechipiri mushure mokunge vasvika paimba yaMwari muJerusarema, Zerubhabheri mwanakomana waShearitieri, naJeshua mwanakomana waJozadhaki nedzimwe hama dzavo dzose (vaprista navaRevhi uye navose vakanga vadzokera kuJerusarema vachibva kuutapwa) vakatanga kushanda vakagadza vaRevhi vana makore makumi maviri kana anopfuura kuti vave vatariri vokuvakwa kweimba yaJehovha. 9Jeshua navanakomana vake nehama dzake naKadhimieri navanakomana vake (zvizvarwa zvaHodhavhia) navanakomana vaHenadhadhi navanakomana vavo nehama dzavo, navaRevhi vose vakabatana pamwe chete navo pakutarira vaishanda paimba yaMwari.
10Zvino vavaki vakati vateya nheyo dzetemberi yaJehovha, vaprista vakapfeka nguo dzavo, uye vakabata hwamanda, navaRevhi (vanakomana vaAsafi) vakabata makandira, vakamira munzvimbo dzavo kuti varumbidze Jehovha, sezvakanga zvarayirwa naDhavhidhi mambo weIsraeri.
11Vakaimba kuna Jehovha vachirumbidza nokutenda, vachiti:
“Jehovha akanaka;
rudo rwake kuna Israeri runogara nokusingaperi.”
Uye vanhu vose vakadanidzira nenzwi guru rokurumbidza kuna Jehovha, nokuti nheyo dzeimba yaJehovha dzakanga dzateyiwa. 12Asi vazhinji vavaprista navaRevhi vakanga vakwegura navakuru vedzimba dzavo, avo vakanga vaona temberi yokutanga, vakachema nenzwi guru pavakaona nheyo dzetemberi iyi dzichiteyiwa, asi vamwe vazhinji vaipururudza nomufaro. 13Hapana aigona kutsaura inzwi rokudanidzira kwomufaro kubva kuinzwi rokuchema kwavanhu, nokuti vanhu vakaita ruzha rukuru kwazvo. Uye ruzha urwu rwakanzwika kure kure.

Did you know?
Rebuilding the Altar and Temple Foundation
- The returned exiles restored sacrificial worship on the temple mount before beginning major construction. Under Zerubbabel and the priest Jeshua, they rebuilt the altar on its original site to resume daily offerings and celebrate the Feast of Tabernacles before laying the temple foundation.Sources: the Bible text itself · Zerubbabel · Joshua
- To secure timber for the rebuilding effort, the community paid masons and carpenters, and sent food, drink, and oil to Tyre and Sidon to transport cedar logs from Lebanon by sea to the port of Joppa, as permitted by Cyrus, king of Persia.Sources: the Bible text itself · Lebanon · Joppa · Cyrus
- Laying the foundation of the house of the Lord triggered intense, mixed reactions. While many shouted joyfully to the accompaniment of trumpets and cymbals, older priests, Levites, and family heads who remembered the first temple wept aloud.Sources: the Bible text itself
Notes written with AI assistance from open sources (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, public domain) and reviewed before publishing.
Places in this chapter
- Jerusalem · 31.777, 35.234 · verses 1, 8
- Great Sea · Today: Mediterranean Sea · 31.805, 34.170 · verse 7
- Joppa · Today: Jaffa · 32.054, 34.753 · verse 7
- Lebanon · 33.540, 35.584 · verse 7
- Persia · 34.806, 48.516 · verse 7
- Sidon · Today: Sandikli archaeological site in Sidon · 33.561, 35.372 · verse 7
- Tyre · 33.271, 35.196 · verse 7
Only places identified with high confidence are shown (90% or more according to the scholarly sources compiled by OpenBible). Period map: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; modern map: © OpenStreetMap contributors; places: OpenBible.info (CC BY 4.0).
Credits and license for this translation
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Language: chiShona Contributor: Biblica, Inc. Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Creative Commons License Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.” Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA). Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us . This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.” Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA). If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us . This translation is made available to you under the terms of the Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0. You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that: You include the above copyright and source information. If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes. If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original. Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents. For other uses, please contact the respective copyright owners. Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19. 2023-04-14
Source: http://ebible.org/sna/ · eBible.org