Nations Bible

Ezekiel 47

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Tap a verse to see its cross-references.

Rwizi runobva paTemberi

1Murume uyu akandidzosa pamukova wetemberi, ndikaona mvura yaibuda napasi pechikumbaridzo chetemberi kwakatarisa kumabvazuva, nokuti temberi yakanga yakatarira kumabvazuva. Mvura yakanga ichiyerera napasi nechezasi kwetemberi, nyasi kwearitari. 2Ipapo akandibudisa nokusuo rokumusoro akanditungamirira pakupoterera nechokunze kwesuo rokunze rakatarisana nokumabvazuva, uye mvura yaiyerera ichibva kurutivi rwezasi.

3Murume uyu akati achifamba akananga kurutivi rwokumabvazuva ane rwodzi rwokuyeresa muruoko rwake, akayera makubhiti chiuru chimwe chete ndokubva ipapo andiyambutsa nomumvura yakanga yakadzika kusvika muzviziso zvamakumbo.

4Akayerazve chimwe chiuru chamakubhiti akandifambisa nomumvura yaisvika mumabvi. Akayerazve chimwe chiuru chimwe chete akandiyambutsa nomumvura yaisvika muchiuno. 5Akayerazve chimwe chiuru chimwe chete, asi iye zvino rwakanga rwava rwizi rwandakanga ndisingagoni kuyambuka, nokuti mvura yakanga yawanda uye yakanga yadzika zvokuti munhu angashambira mairi, rwizi rwakanga rusina munhu angaruyambuka. 6Akandibvunza akati, “Mwanakomana womunhu, unoona izvi here?”

Ipapo akadzokera neni kumahombekombe orwizi. 7Ndakati ndasvikako ndakaona miti mizhinji kurutivi rumwe norumwe rworwizi. 8Iye akati kwandiri, “Mvura iyi inoyerera yakananga kunyika yokumabvazuva ichiburukira kuArabha kwainodira mugungwa. Painongodira mugungwa, mvura yomo inobva yanaka. 9Zvose zvipenyu zvinokambaira zvichagara kwose nokunoyerera rwizi. Pachava nehove zhinji zhinji, nokuti mvura iyi inoyereramo ichiita kuti mvura yomunyu inatswe; saka kwose kunoyerera rwizi zvinhu zvose zvinorarama. 10Varedzi vehove vachamira vakatevedza mahombekombe; kubvira kuEni Gedhi kusvikira kuEni Egiraimu kuchava nenzvimbo dzokuteya mumbure. Pachava nemhando zhinji dzehove, kufanana nehove dzeGungwa Guru. 11Asi matoro namachakwi haangavi nemvura yakanaka; zvichasarira munyu. 12Miti yemichero yemarudzi ose ichamera kumativi ose emahombekombe orwizi. Mashizha ayo haangasvavi, uye haingashayi michero. Ichabereka zvibereko mwedzi woga woga, nokuti mvura inobva panzvimbo tsvene inoyerera madziri. Michero yayo ichava zvokudya zvavanhu uye mashizha ayo achaporesa vanhu.”

Miganhu yeNyika

13Zvanzi naIshe Jehovha: “Iyi ndiyo miganhu yaunofanira kuganhura nyika kuti ive nhaka pakati pamarudzi gumi namaviri aIsraeri, nemigove miviri yaJosefa. 14Unofanira kuiganhura zvakaenzana pakati pavo. Nokuti ndakapika noruoko rwakasimudzwa kuti ndichaipa kumadzitateguru enyu, nyika iyi ichava nhaka yenyu.

15“Iyi ndiyo inofanira kuva miganhu yenyika:

“Kurutivi rwokumusoro uchabvira kuGungwa Guru nenzira yeHetironi uchipfuura nepaRebho Hamati kusvikira kuZedhadhi, 16Bherota neSibhiraimu (iri pamuganhu weDhamasiko neHamati), kusvika kuHazeri Hatikoni riri pamuganhu weHaurani. 17Muganhu uchaenda uchibva kugungwa uchindosvika kuHazari Enani, uchitevedza muganhu nokumusoro kweDhamasiko, nomuganhu weHamati kumusoro. Ndiwo uchava muganhu wokumusoro.

18Kurutivi rwokumabvazuva muganhu uchava pakati peHaurani neDhamasiko, uchitevedza Jorodhani pakati peGireadhi nenyika yeIsraeri, kusvikira kugungwa rokumabvazuva uye uchindosvika kuTamari. Ndiwo uchava muganhu wokumabvazuva.

19Kurutivi rwezasi, uchabvira paTamari uchindosvika kumvura yeMeribha Kadheshi, ipapo wogotevedza Rukova rweIjipiti kusvikira kuGungwa Guru. Uyu ndiwo uchava muganhu wezasi.

20Kurutivi rwokumavirira, Gungwa Guru richava muganhu kusvikira pakatarisana neRebho Hamati. Uyu ndiwo uchava muganhu wokumavirira.

21“Munofanira kugovana nyika iyi pakati penyu zvakaenzanirana namarudzi aIsraeri. 22Munofanira kugovana senhaka yenyu uye mugogoverawo vatorwa vagere pakati penyu vane vana. Munofanira kuvarangarira savaIsraeri vakaberekwa munyika ino; vanofanira kugoverwa nhaka pamwe chete nemi pakati pamarudzi aIsraeri. 23Murudzi rupi norupi mugere mutorwa, munofanira kumupa nhaka yake imomo,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.

Artistic illustration — an interpretation, not a historical record.

Did you know?

The Healing River and the Land's Borders

  • Ezekiel's vision depicts a stream trickling from beneath the temple threshold that rapidly grows into a deep river flowing east into the Arabah, making the salty waters fresh and sustaining lush fruit trees and thriving fisheries from En-gedi to En-eglaim.Sources: the Bible text itself · Engedi
  • In a significant legal and social development within the division of the land, resident foreigners who raise families among the tribes are allotted land inheritances on equal terms with native-born Israelites.Sources: the Bible text itself
  • The northern and eastern boundaries of the restored territory encompass ancient Syrian and Levantine landmarks, including Hamath, Damascus, and the fertile region of Hauran, while Joseph receives a double portion among the twelve tribes.Sources: the Bible text itself · Hauran · Hamath · Joseph (son of Jacob)

Notes written with AI assistance from open sources (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, public domain) and reviewed before publishing.

Places in this chapter

  • Arabah · 30.417, 35.151 · verse 8
  • Salt Sea · Today: Dead Sea · 31.500, 35.500 · verses 8, 9, 10, 18
  • Engedi · Today: Ein Gedi · 31.450, 35.383 · verse 10
  • Great Sea · Today: Mediterranean Sea · 31.805, 34.170 · verses 10, 15, 17, 19, 20
  • Damascus · 33.511, 36.306 · verses 16, 17, 18
  • Hamath · Today: Hama · 35.136, 36.750 · verses 16, 17
  • Hauran · 32.730, 36.368 · verses 16, 18
  • Sibraim · Today: in the region between Damascus and Hamath · 34.401, 36.636 · verse 16
  • Gilead · Today: Gilead 1 · 32.187, 35.692 · verse 18
  • Jordan · Today: Jordan River · 31.761, 35.558 · verse 18
  • Meribah · Today: Ain el Qudeirat · 30.648, 34.422 · verse 19
  • Negeb · 31.245, 34.841 · verse 19

Only places identified with high confidence are shown (90% or more according to the scholarly sources compiled by OpenBible). Period map: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; modern map: © OpenStreetMap contributors; places: OpenBible.info (CC BY 4.0).

Credits and license for this translation
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Source: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Talk to us

Tell us where you read from, how the Bible has helped you, or what we could improve. We read every message.