Ezekiel 42
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Tap a verse to see its cross-references.
Makamuri aVaprista
1Ipapo murume uya akanditungamirira nechokumusoro nechomukati moruvazhe rwokunze ndokundiendesa kumakamuri akanga akatarisana noruvazhe rwetemberi uye pakatarisana namadziro okunze kurutivi rwokumusoro. 2Imba yakanga ino mukova wakatarisa kumusoro yakanga yakareba makubhiti zana uye makubhiti makumi mashanu paupamhi. 3Pakatarisana namakubhiti makumi maviri oruvazhe rwomukati, uye pakatarisana nenzira yakanga yakavakirwa yoruvazhe rwokunze kwakanga kuna mabiravira akatarisana, akaturikidzwa ari matatu. 4Pamberi pamakamuri pakanga pane nzvimbo yokufamba yakanga ine upamhi makubhiti gumi uye makubhiti zana pakureba. Makonhi ayo akanga ari nechokumusoro. 5Zvino makamuri apamusoro akanga ari maduku, nokuti nzvimbo dzokuratidzira dzakanga dzatorera nzvimbo yakawanda kubva paari kupfuura makamuri apasi namakamuri apakati peimba. 6Makamuri omuturikidzwa wechitatu akanga asina mbiru, sezvakanga zvakaita ruvazhe; saka akanga ari maduku panzvimbo youriri pane aya akanga ari pasi uye nechapakati. 7Pakanga pane madziro aitevedzana namakamuri uye noruvazhe rwokunze. 8Mutsara wamakamuri kurutivi runotevedzana noruvazhe rwokunze wakanga uri makubhiti makumi mashanu pakureba, mutsara waparutivi rwaiva pedyo pedyo nenzvimbo tsvene wakanga una makubhiti zana pakureba kwawo. 9Makamuri apasi akanga ano mukova kurutivi rwokumabvazuva kana munhu achipinda kwaari achibva nechokuruvazhe rwokunze.
10Parutivi rwezasi zvichitevedzana nokureba kworusvingo rworuvazhe rwokunze, pedyo noruvazhe rwetemberi uye kwakatarisana norusvingo rwokunze, pakanga pane makamuri 11nenzvimbo yokufamba nayo nechemberi kwawo. Aya akanga akafanana namakamuri okumusoro; akanga akaenzana pakureba noupamhi, akanga akafanana pokubuda napo uye nokuyerwa kwawo. Sezvakanga zvakaita makonhi okumusoro 12ndizvo zvakanga zvakaita mikova yamakamuri ezasi. Pakanga pane mukova paitangira nzvimbo yokufamba nayo pakanga pakangoenzana namadziro akanangana nawo zvichipfuurira zvakananga kumabvazuva, kana munhu achipinda mumakamuri.
13Ipapo akati kwandiri, “Makamuri okumusoro neezasi iwo akatarisana noruvazhe rwetemberi ndeevaprista, ndipo panodyirwa zvipiriso zvitsvene-tsvene navaprista vanoswedera pana Jehovha. Vachaisa ipapo zvipiriso zvitsvene-tsvene, zvipiriso zvezviyo, zvechivi, uye zvemhosva, nokuti nzvimbo yacho itsvene. 14Kana vaprista vakangopinda panzvimbo tsvene, havachafaniri kubudira kuruvazhe rwokunze kusvikira vasiya nguo dzavanga vachishandisa pakushumira, nokuti idzo itsvene. Vanofanira kupfeka dzimwe nguo vasati vasvika pedyo nenzvimbo dzavanhu.”
15Akati apedza kuyera zvakanga zviri mukati metemberi, akandibudisa kunze nechokusuo rokumabvazuva ndokubva ayera nzvimbo yacho yose. 16Akayera rutivi rwokumabvazuva netsvimbo yokuyeresa; yakanga ina makubhiti mazana mashanu. 17Akayerawo rutivi rwokumusoro; rwakanga runa makubhiti anosvika mazana mashanu nechiyero chetsvimbo. 18Akayerawo rutivi rwezasi; rwakanga runa makubhiti mazana mashanu nechiyero chetsvimbo. 19Ipapo akatendeukira kurutivi rwokumavirira ndokuyera; rwakanga runa makubhiti anosvika mazana mashanu nechiyero chetsvimbo. 20Saka akayera nzvimbo kumativi mana ose. Yakanga ino rusvingo rwakaipoteredza, mazana mashanu amakubhiti pakureba uye mazana mashanu paupamhi, kuti zviparadzanise zvitsvene nezvisati zviri zvitsvene.

Did you know?
The Priestly Chambers and Temple Boundaries
- In Ezekiel's visionary temple, the three-story chambers facing the inner courtyard served as holy rooms where priests ate the most holy offerings, such as grain, sin, and guilt offerings. Priests were required to leave their sacred ministry garments in these rooms and change into ordinary clothes before entering areas designated for the people.Sources: the Bible text itself
- The outer boundary of the temple precinct was measured with a rod on all four sides, each measuring five hundred cubits. This outer wall was established specifically to separate the sacred temple grounds from the common area.Sources: the Bible text itself
Notes written with AI assistance from open sources (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, public domain) and reviewed before publishing.
Places in this chapter
- Holy Place · Today: on Mount Moriah · 31.778, 35.236 · verse 14
Only places identified with high confidence are shown (90% or more according to the scholarly sources compiled by OpenBible). Period map: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; modern map: © OpenStreetMap contributors; places: OpenBible.info (CC BY 4.0).
Credits and license for this translation
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Language: chiShona Contributor: Biblica, Inc. Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Creative Commons License Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.” Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA). Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us . This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.” Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA). If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us . This translation is made available to you under the terms of the Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0. You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that: You include the above copyright and source information. If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes. If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original. Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents. For other uses, please contact the respective copyright owners. Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19. 2023-04-14
Source: http://ebible.org/sna/ · eBible.org