Ezekiel 38
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Tap a verse to see its cross-references.
Chiprofita pamusoro paGogi
1Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 2“Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako kuna Gogi, wenyika yeMagogi, muchinda mukuru weMesheki neTubhari; uprofite pamusoro pake 3uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Ndine mhaka newe, iwe Gogi muchinda mukuru weMesheki neTubhari. 4Ndichakutendeutsa, ndigoisa zvikokovono mushaya dzako ndigokubudisa iwe nehondo yako yose, mabhiza ako, vatasvi vamabhiza vakashonga nguo dzehondo, uye navanhu vazhinji vane nhoo huru neduku, vose vachivheyesa minondo yavo. 5Pezhia neEtiopia neRibhiya dzinenge dziripowo, vose vaine nhoo nenguwani dzokurwa, 6Gomeriwo namauto ayo ose, neBheti Togarima ichibva kumusoro chaiko namauto ayo ose, ndudzi zhinji dzinewe.
7“ ‘Gadzirira; iva wakagadzirira, iwe pamwe chete navanhu vazhinji vakaungana pauri, iwe uve mukuru wavo. 8Shure kwamazuva mazhinji iwe uchadanidzira hondo. Pamakore anotevera, iwe uchakomba nyika yakabva muhondo, ina vanhu vakaunganidzwa kubva kundudzi zhinji kumakomo aIsraeri, akanga ava dongo kwenguva huru. Vakabudiswa kubva kundudzi, zvino vose vachagara zvakanaka. 9Iwe namauto ako ose nendudzi zhinji dzinewe muchakwira, muchienda sedutu; muchaita segore rinofukidza nyika.
10“ ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Pazuva iro, mwoyo wako uchapindwa nepfungwa dzakaipa, uchafunga zano rakaipa. 11Iwe uchati, “Ndichakomba misha isina masvingo; ndicharwisa vanhu vasingafungiri vagere zvavo zvakanaka, vose vanogara vasina masvingo uye vasina masuo namazariro. 12Ndichapamba ndigotora nechisimba, ndichasimudza ruoko rwangu kuti ndirwise matongo ogarwa navanhu uye vanhu vakaungana kubva kundudzi vakapfuma pazvipfuwo nenhumbi, vagere pakati penyika.” 13Shebha neDhedhani navashambadziri vokuTashishi nemisha yaro yose vachati kwauri, “Wauya kuzopamba here? Waunganidza vanhu kuti vatore zvipfuwo nenhumbi uye kuti utore zvakapambwa zvizhinji here?” ’
14“Naizvozvo, mwanakomana womunhu, profita uti kuna Gogi, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: pazuva iro, vanhu vangu vaIsraeri vava kugara zvakanaka, haungazvioni here? 15Uchauya uchibva kunzvimbo yako iri kumusoro chaiko, iwe nendudzi zhinji dzinewe, vose vakatasva mabhiza, vanhu vazhinji, hondo ine simba. 16Uchauya kuzorwa navanhu vangu vaIsraeri segore rinofukidza nyika. Mumazuva anouya, iwe Gogi, ndichakuuyisa kuzorwa nenyika yangu, kuitira kuti ndudzi dzigondiziva pandinoratidza utsvene hwangu kubudikidza newe pamberi pavo.
17“ ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Ko, hauziwe wandakataura nezvako pamazuva ekare navaranda vangu ivo vaprofita vaIsraeri here? Panguva iyoyo vakaprofita kwamakore kuti ini ndichakuuyisa kuzovarwisa. 18Izvi ndizvo zvichaitika pazuva iroro: Nyika yaIsraeri painorwiswa naGogi, hasha dzangu huru dzichamuka, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. 19Pakushingaira kwangu uye nomoto wehasha dzangu, ndinozivisa kuti panguva iyoyo pachava nokudengenyeka kukuru munyika yaIsraeri. 20Hove dzegungwa, shiri dzedenga, mhuka dzesango, nezvose zvinokambaira panyika, navanhu vose vari pamusoro penyika vachadedera pamberi pangu. Makomo achapidiguka, mawere achaondomoka uye rusvingo rumwe norumwe ruchawira pasi. 21Ndichadana munondo kuzorwisa Gogi pamusoro pamakomo ose, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Munondo womunhu mumwe nomumwe uchabaya hama yake. 22Ndicharanga nedenda nokudeuka kweropa; ndichanayisa mvura zhinji, nechimvuramabwe nesafuri inopfuta pamusoro pake napamusoro pamauto ake uye napamusoro pendudzi dzaanadzo. 23Nokudaro ndicharatidza ukuru hwangu noutsvene hwangu, uye ndichazvizivisa pamberi pendudzi zhinji. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.’

Did you know?
Gog and the Coalition Against Israel
- Many of the nations named in this prophecy—including Magog, Meshech, Tubal, and Gomer—trace back to the descendants of Japheth in Genesis 10. Later writers, such as the Latin church father Jerome, identified Magog with fierce Scythian tribes inhabiting the regions north of the Caucasus and Caspian Sea.Sources: Magog · Meshech · Gomer (son of Japheth) · the Bible text itself
- The coalition gathered under Gog includes peoples from opposite extremes of the ancient world. Alongside the northern tribes are Persia to the east and Cush to the far south, representing the regions bordering southern Egypt.Sources: Persia · Cush · the Bible text itself
Notes written with AI assistance from open sources (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, public domain) and reviewed before publishing.
Places in this chapter
- Meshech · Today: about 200 km around Gordion · 39.655, 31.994 · verses 2, 3
- Tubal · Today: Tabal · 37.296, 36.254 · verses 2, 3
- Cush · Today: Cush 1 · 16.935, 33.751 · verse 5
- Persia · 34.806, 48.516 · verse 5
- Gomer · Today: Asia Minor · 39.000, 32.000 · verse 6
- Sheba · 15.348, 44.206 · verse 13
Only places identified with high confidence are shown (90% or more according to the scholarly sources compiled by OpenBible). Period map: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; modern map: © OpenStreetMap contributors; places: OpenBible.info (CC BY 4.0).
Credits and license for this translation
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Language: chiShona Contributor: Biblica, Inc. Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Creative Commons License Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.” Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA). Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us . This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.” Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA). If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us . This translation is made available to you under the terms of the Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0. You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that: You include the above copyright and source information. If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes. If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original. Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents. For other uses, please contact the respective copyright owners. Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19. 2023-04-14
Source: http://ebible.org/sna/ · eBible.org