Nations Bible

Ezekiel 22

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Tap a verse to see its cross-references.

Zvivi zveJerusarema

1Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 2“Mwanakomana womunhu, ucharitonga here? Ucharitonga here guta iri rokuteura ropa? Ipapo urizivise mabasa aro ose anonyangadza 3uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Haiwa iwe guta rinozvitsvakira kuparadzwa nokuda kwokuteura ropa pakati paro, nokuzvisvibisa nokuita zvifananidzo, 4wava nemhosva nokuda kweropa rawakateura uye wakasvibiswa nokuda kwezvifananidzo zvawakaita. Wakasvitsa mazuva ako pamagumo, uye magumo amakore ako asvika. Naizvozvo ndichakuita chinhu chinoshorwa nendudzi nechinosekwa nenyika dzose. 5Vari pedyo newe navari kure vachakuseka, iwe guta rinonyadza, rizere nebope.

6“ ‘Tarira uone muchinda mumwe nomumwe waIsraeri ari pakati pako mateuriro aanoita ropa achishandisa simba rake. 7Vakazvidza baba namai vari mauri; vakamanikidza mutorwa uye nherera nechirikadzi dziri mukati mako havana kudzibata zvakanaka. 8Iwe wakashora zvinhu zvangu zvitsvene uye wakasvibisa maSabata angu. 9Mukati mako mune vanhu vane makuhwa, vanofarira kuteura ropa; mukati mako muna vanhu vanodyira kushongwe dzezvifananidzo kumakomo uye vanoita mabasa eunzenza. 10Mukati mako muna vanhu vasingakudzi nhoo dzamadzibaba avo, mukati mako muna vanhu vanochinya vakadzi panguva yavanenge vari kumwedzi, pavanenge vasina kuchena. 11Mukati mako mune mumwe munhu anoita zvinonyangadza nomukadzi womuvakidzani wake, mumwe anochinya mukadzi womwana wake zvinonyadzisa, uye mumwe anochinya hanzvadzi yake, mwanasikana wababa vake chaivo. 12Mukati mako muna varume vanogamuchira fufuro kuti vateure ropa; unotora mhindu inopfuura mwero, uchizviwanira pfuma yokubiridzira kubva kuvavakidzani vako. Uye wakandikanganwa ini, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.

13“ ‘Zvirokwazvo ndicharovanisa maoko angu pamwe chete pamusoro pepfuma isakarurama yawakaita uye neropa rawakateura pakati pako. 14Ko, kushinga kwako kucharamba kuripo here kana kusimba kwamaoko ako pazuva randichakutonga? Ini Jehovha ndakazvitaura, uye ndichazviita. 15Ndichakuparadzira pakati pendudzi, ndichakuparadzira kunyika dzakasiyana-siyana; uye ndichagumisa kusachena kwako. 16Muchaziva kuti ndini Jehovha, pamuchasvibiswa pamberi pendudzi.’ ”

17Ipapo shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 18“Mwanakomana womunhu, imba yaIsraeri yaita samarara kwandiri; vose indarira, netini, nesimbi nedare romutobvu rakasarira muvira romoto. Vakaita samarara esirivha. 19Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, ‘Nemhaka yokuti mose mava marara, ndichakuunganidzai muJerusarema. 20Sezvinoitwa navarume vanounganidza sirivha, ndarira, simbi, mutobvu netini muvira romoto kuti zvinyungudiswe nokupiswa nezhenje, saizvozvo ndichakuunganidzai pakutsamwa kwangu nehasha dzangu ndigokuisai mukati meguta ndigokunyungudisai. 21Ndichakuunganidzai ndigokufuridzai nokupisa kwehasha dzangu uye muchanyungudika mukati maro. 22Sokunyungudika kwesirivha iri muvira romoto, saizvozvo muchanyungudika mukati maro, uye muchaziva kuti ini Jehovha ndadurura hasha dzangu pamusoro penyu.’ ”

23Shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri richiti, 24“Mwanakomana womunhu, uti kunyika, ‘Iwe uri nyika isina kuwana mvura kana guti pazuva rehasha dzangu.’ 25Pane rangano yamachinda vari pakati payo vanoomba seshumba iri kubvamburanya chayabata; vanodya vanhu, vanotora pfuma nezvinhu zvinokosha uye vanoita kuti chirikadzi dziwande mukati mayo. 26Vaprista vayo vanoputsa mirayiro yangu uye vanosvibisa zvinhu zvangu zvitsvene; havaoni mutsauko pakati pechinhu chitsvene nechinhuwo zvacho; vanodzidzisa kuti hapana mutsauko pakati pezvisakachena nezvakachena; uye vanotsinzina meso avo kuti varege kuchengeta maSabata angu, saka ini ndakasvibiswa pakati pavo. 27Machinda ari mukati maro akaita samapumhi ari kubvamburanya chaabata; vanoteura ropa uye vanouraya vanhu kuti vawane pfuma yokusarurama. 28Vaprofita vayo vanofukidza mabasa avo aya nezviratidzo zvenhema nokuvuka. Vanoti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha,’ izvo Jehovha haana kutaura. 29Vanhu vomunyika vanotora mari nokumanikidzira uye vanoita ugororo; vanomanikidza varombo navanoshayiwa uye vanoitira vatorwa zvakaipa, vachiramba kuvaruramisira.

30“Ndakatsvaka munhu pakati pavo angavaka rusvingo uye agomira pamberi pangu, pakakoromoka, achimirira nyika kuti ndirege kuparadza, asi ndakashayiwa kana mumwe. 31Saka ndichadurura kutsamwa kwangu pamusoro pavo ndigovaparadza nokutsamwa kwangu, ndichiburutsira pamisoro yavo zvavakaita zvose, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.”

Did you know?

Judgment on the Sins of Jerusalem

  • Ezekiel employs metallurgical imagery by comparing the house of Israel to base metals and slag—copper, tin, iron, and lead—separated out during the refining of silver. Jerusalem is depicted as a smelting furnace where these impurities will be gathered and melted under the fire of divine judgment.Sources: the Bible text itself
  • The chapter presents an indictment against every level of Jerusalem's leadership and society, specifically naming its princes, priests, officials, false prophets, and landowners. Each group is condemned for widespread corruption, oppression of the vulnerable, and disregard for sacred laws, leaving no one to stand in the gap on behalf of the land.Sources: the Bible text itself
  • Although Jerusalem was traditionally revered as the holy city and its name was associated with peace, Ezekiel addresses it bluntly as the city of bloodshed because of pervasive violence, extortion, and systemic injustice within its walls.Sources: Jerusalem · the Bible text itself

Notes written with AI assistance from open sources (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, public domain) and reviewed before publishing.

Places in this chapter

  • Jerusalem · 31.777, 35.234 · verses 2, 19

Only places identified with high confidence are shown (90% or more according to the scholarly sources compiled by OpenBible). Period map: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; modern map: © OpenStreetMap contributors; places: OpenBible.info (CC BY 4.0).

Credits and license for this translation
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Source: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Talk to us

Tell us where you read from, how the Bible has helped you, or what we could improve. We read every message.