Nations Bible

Ezekiel 13

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Tap a verse to see its cross-references.

Vaprofita Venhema vanopiwa mhosva

1Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 2“Mwanakomana womunhu, profita pamusoro pavaprofita vaIsraeri vari kukuprofitirai zvino. Uti kuna avo vanoprofita zvinobva pamurangariro wavo, ‘Inzwai shoko raJehovha! 3Zvanzi naIshe Jehovha: Vane nhamo vaprofita mapenzi vanotevera mweya yavo pachavo ivo vasina chavakaona! 4Vaprofita venyu, imi vaIsraeri, vakafanana namakava ari pakati pamatongo. 5Hamuna kukwira pakakoromoka porusvingo kuti mupagadzirire imba yaIsraeri, kuti igomira yakasimba pahondo pazuva raJehovha. 6Zviratidzo zvavo ndezvenhema uye kuvuka kwavo inhema. Ivo vanoti, “Jehovha anoti,” asi Jehovha asina kuvatuma; asi vanotarisira kuti mashoko avo azadzisike. 7Hauna kuona zviratidzo zvenhema here uye mukataura nhema pakuvuka pamainge muchiti, “Jehovha anoti,” kunyange zvangu ndisina kutaura?

8“ ‘Naizvozvo, zvanzi naIshe Jehovha: Nokuda kwamashoko enyu enhema nezviratidzo zvenhema ndinokupai mhosva, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. 9Ruoko rwangu rucharwa navaprofita vanoona zviratidzo zvenhema uye vanotaura kuvuka kwenhema. Havangavi pakati pamakurukota avanhu vangu kana kunyorwa muzvinyorwa zveimba yaIsraeri, uye havangapindi munyika yaIsraeri. Ipapo muchaziva kuti ndini Ishe Jehovha.

10“ ‘Nokuda kwokuti vanotsausa vanhu vangu, vachiti, “Rugare,” ipo pasina rugare, uye nokuti pavanovaka rusvingo rwakatetepa vanorupenda nependi chena. 11Naizvozvo udza ivavo vanorupenda kuti ruchawa. Mvura ichanaya yakawanda, uye ndichatuma chimvuramabwe chicharova pasi, uye mhepo dzine simba dzichavhuvhuta. 12Panoondomoka rusvingo vanhu havazokubvunzi here vachiti, “Iripiko pendi chena yamakarupenda nayo?”

13“ ‘Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Muhasha dzangu ndichasunungura mhepo ine simba, uye pakutsamwa kwangu chimvuramabwe nemvura zhinji zvichanaya nokuparadza kunotyisa. 14Ndichaparadza rusvingo rwawakapenda nependi chena uye ndicharukoromora ndigorusiya rwati ware ware pasi zvokuti nheyo dzarwo dzichasara dzava pachena. Paruchakoromoka, nemi muchaparadzwa murimo; uye muchaziva kuti ndini Jehovha. 15Saka ndichapedzera hasha dzangu parusvingo napamusoro pavaya vairupenda nependi chena. Ndichati kwamuri, “Rusvingo rwaparara uye naivowo vakarupenda nependi chena, 16vaya vaprofita veIsraeri vakaprofita pamusoro peJerusarema uye vakaona zviratidzo zvorugare rwaro nyamba kwakanga kusina rugare, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.” ’

17“Zvino, iwe mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako pamusoro pavanasikana vavanhu vako vanoprofita zvinobva mundangariro dzavo. Profita pamusoro pavo, 18uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Vane nhamo vakadzi vanosonera mazango pamaoko avo uye vanoita zvifukidzo zvemisoro yavo zvemhando dzakasiyana-siyana pakureba vachiitira kuti vateye vanhu nazvo. Ko, imi muchateya upenyu hwavanhu vangu asi muchichengetedza hwenyu here? 19Makandisvibisa pakati pavanhu vangu nokuda kwezviyero zvishoma zvebhari namafufu echingwa. Pamakareva nhema kuvanhu vangu, vanoteerera nhema, makauraya vaya vakanga vasingafaniri kufa, mukasiya vakanga vasingafaniri kurarama.

20“ ‘Naizvozvo, zvanzi naIshe Jehovha: Ndinovenga mazango enyu amunoteya nawo vanhu kunge munoteya shiri, zvino ndichaadambura pamaoko enyu; ndichasunungura vanhu vamunoteya seshiri. 21Ndichabvarura mavhoiri enyu ndigoponesa vanhu vangu pamaoko enyu, uye havachazovi nyama mumaoko enyu, uye havachazobatwizve nesimba renyu. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha. 22Nokuti makaodza mwoyo yavakarurama nenhema dzenyu, vandakanga ndisina kuchemedza ini, uye nokuti makakurudzira vakaipa kuti varege kutendeuka panzira dzavo dzakaipa nokudaro vaponese mweya yavo, 23naizvozvo hamuchazoonizve zviratidzo zvenhema kana kuita zvokuvuka. Ndichaponesa vanhu vangu pamaoko enyu. Ipapo zvino muchaziva kuti ndini Jehovha.’ ”

Did you know?

False Prophets and Magical Charms

  • Ezekiel compares deceptive prophets to builders who construct a flimsy wall and coat it with whitewash to hide its weakness. Their false promises of peace are depicted as fragile plaster that will be completely washed away when violent storms, torrents of rain, and hailstones strike.Sources: the Bible text itself
  • The chapter also addresses women who practiced folk divination, sewing magic charms onto their wrists and crafting special veils to control or exploit people. These practices were carried out for minimal payments, described by the prophet as mere handfuls of barley and scraps of bread.Sources: the Bible text itself
  • As a consequence of their deceit, false prophets were warned that they would be removed from the council of the people, omitted from the official genealogical register of Israel, and barred from ever returning to the land.Sources: the Bible text itself

Notes written with AI assistance from open sources (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, public domain) and reviewed before publishing.

Places in this chapter

  • Jerusalem · 31.777, 35.234 · verse 16

Only places identified with high confidence are shown (90% or more according to the scholarly sources compiled by OpenBible). Period map: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; modern map: © OpenStreetMap contributors; places: OpenBible.info (CC BY 4.0).

Credits and license for this translation
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Source: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Talk to us

Tell us where you read from, how the Bible has helped you, or what we could improve. We read every message.