Nations Bible

Esther 8

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Tap a verse to see its cross-references.

Chirevo chaMambo pamusoro pavaJudha

1Pazuva iroro Mambo Zekisesi akapa imba yaHamani muvengi wavaJudha kuna vaHosi Esteri. Uye Modhekai akauya pamberi pamambo, nokuti Esteri akanga amuudza nezvoukama hwake naye. 2Mambo akabvisa mhete yake yechindori, yaakanga atorazve kubva kuna Hamani, ndokuipa Modhekai. Uye Esteri akamugadza kuti ave mutariri weimba yaHamani.

3Ipapo Esteri akakumbirisa zvakare akawira patsoka dzake achichema. Akakumbirisa kuti amise urongwa hwakaipa hwaHamani muAgagi, hwaakanga arongera vaJudha. 4Ipapo mambo akatambanudzira tsvimbo yake yegoridhe kuna Esteri iye akasimuka akamira pamberi pake.

5Akati, “Kana zvichifadza mambo, uye kana achinditarisa nenyasha nokufunga kuti chinhu chakanaka kuita, uye kana achindifarira, murayiro ngaunyorwe unodzima tsamba dzakanga dzanyorwa naHamani mwanakomana waHamedhata, muAgagi, dzokuparadza vaJudha mumatunhu ose amambo. 6Ndingagona seiko kuona kuparadzwa kuchiwira kuvanhu vangu? Ndingashinga sei ndichiona kuparadzwa kworudzi rwangu?”

7Ipapo Mambo Zekisesi akapindura vaHosi Esteri naModhekai muJudha achiti, “Nokuti Hamani akarwisa vaJudha, ndapa imba yake kuna Esteri, uye ivo vamuturika padanda. 8Zvino chinyorai chimwe chirevo muzita ramambo sezvamunoona zvakakunakirai mugochisimbisa nemhete yamambo, nokuti hakuna gwaro rakanyorwa muzita ramambo rikasimbiswa nemhete yake ringashandurwa.”

9Pakarepo vanyori vamambo vakadaidzwa, pazuva ramakumi maviri namatatu romwedzi wechitatu, mumwedzi waSivhana. Vakapa zvose zvakarayirwa naModhekai kuvaJudha, nokuvakuru vehondo, navabati uye namakurukota enyika dzaiva zana namakumi maviri nenomwe kubva kuIndia kusvika kuEtiopia. Zvakarayirwa izvi zvakanyorwa namanyorerwo enyika imwe neimwe nomutauro wenyika imwe neimwe. 10Modhekai akanyora muzita raMambo Zekisesi, uye akasimbisa tsamba dzacho nemhete yamambo, uye akadzitumira navatakuri vetsamba vainge vakatasva mabhiza aimhanya kwazvo akanga akapfuwirwa mambo.

11Chirevo chamambo chakapa vaJudha vaiva muguta rimwe nerimwe mvumo yokuungana nokuzvidzivirira; kuuraya nokuparadza zvachose varwi vapi zvavo vakapakata zvombo, vorudzi rupi norupi, kana nyika ipi yaigona kuzovarwisa ivo navakadzi vavo navana vavo; uye kupamba midziyo yavavengi vavo. 12Zuva regumi namatatu romwedzi waAdhari ndiro zuva rakanga rakatsaurirwa vaJudha kuti vaite izvi munyika yose yaMambo Zekisesi. 13Chinyorwa chechirevo ichi chaifanira kupiwa somutemo mudunhu rimwe nerimwe nokuziviswa kuvanhu vamarudzi ose kuitira kuti pazuva iroro vaJudha vange vakagadzirira kutsiva vavengi vavo.

14Vatakuri vetsamba vakatasva mabhiza ashe vakaamhanyisa kwazvo, vachisundwa nokurayira kwamambo. Uye chirevo chakaziviswawo munhare yeShushani.

15Modhekai akabva pamberi pamambo akapfeka nhumbi dzoumambo dzaiva namavara ebhuruu namachena, korona huru yegoridhe nenguo yepepuru yomucheka wakaisvonaka. Guta reShushani rakaita mhemberero nomufaro mukuru. 16KuvaJudha kwaiva nechiedza, nomufaro nokufarisisa nokukudzwa. 17Munyika imwe neimwe, uye mumaguta ose, makasvika chirevo chamambo, maiva nomufaro nokufarisisa pakati pavaJudha, vachiita mabiko nokupembera. Uye vanhu vazhinji vedzimwe ndudzi vakava vaJudha nokuda kwokutya kwakanga kwavabata.

Artistic illustration — an interpretation, not a historical record.

Did you know?

A Royal Counter-Decree and Mordecai’s Elevation

  • Under Persian custom, an official decree written in the king's name and sealed with the royal signet ring could not be revoked. Because Haman's previous decree could not be cancelled, King Ahasuerus permitted Esther and Mordecai to write a new decree authorizing the Jews throughout the empire to assemble and defend themselves.Sources: the Bible text itself · Ahasuerus
  • The Persian Empire at this time encompassed 127 provinces, stretching from India—the region surrounding the Indus River—to Cush or Ethiopia, south of Egypt. Royal scribes translated Mordecai's decree into the distinct script and language of each province, which couriers then carried on swift royal horses.Sources: the Bible text itself · India · Ethiopia
  • Mordecai was granted the king's signet ring previously held by Haman and was placed in charge of Haman's estate. When the decree was published, he emerged from the king's presence in royal garments of blue and white, wearing a large gold crown and a purple robe, prompting rejoicing throughout Susa.Sources: the Bible text itself · Mordecai · Susa

Notes written with AI assistance from open sources (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, public domain) and reviewed before publishing.

Places in this chapter

  • Ethiopia · 16.935, 33.751 · verse 9
  • India · 23.994, 67.431 · verse 9
  • Susa · Today: Shush · 32.189, 48.258 · verses 14, 15

Only places identified with high confidence are shown (90% or more according to the scholarly sources compiled by OpenBible). Period map: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; modern map: © OpenStreetMap contributors; places: OpenBible.info (CC BY 4.0).

Credits and license for this translation
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Source: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Talk to us

Tell us where you read from, how the Bible has helped you, or what we could improve. We read every message.