Nations Bible

Esther 5

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Tap a verse to see its cross-references.

Chikumbiro chaEsteri kuna Mambo

1Pazuva rechitatu Esteri akapfeka nguo dzake dzouhosi ndokumira muruvazhe rwomukati momuzinda, pamberi peimba yamambo. Mambo akanga akagara pachigaro chake choushe mumba, akatarisana nomukova. 2Paakaona vaHosi Esteri vakamira muruvanze, akafadzwa naye ndokumutambanudzira tsvimbo yake yegoridhe yaiva muruoko rwake. Naizvozvo Esteri akaswedera ndokubata muromo wetsvimbo.

3Ipapo mambo akamubvunza achiti, “Uri kureveiko, vaHosi Esteri? Chikumbiro chako ndecheiko? Kunyange hafu youshe uchaipiwa.”

4Esteri akati, “Kana zvichifadza mambo, mambo ngaauye nhasi pamwe chete naHamani, kumabiko andakugadzirirai.”

5Mambo akati, “Hamani ngaauye nokuchimbidza, kuti tiite zvinokumbirwa naEsteri.”

Naizvozvo mambo naHamani vakaenda kumabiko akaitwa naEsteri. 6Pavakanga vachinwa waini, mambo akabvunzazve Esteri achiti, “Zvino, chikumbiro chako ndechei? Uchachipiwa. Uye unokumbireiko? Kunyange hafu youshe, uchapiwa.”

7Esteri akapindura akati, “Chichemo changu nechikumbiro changu ndeichi: 8Kana ndanzwirwa nyasha namambo uye kana zvichifadza mambo kupedza chichemo changu nokuzadzisa chikumbiro changu, mambo ngaauye mangwana naHamani kumabiko andichavagadzirira. Ipapo ndichapindura mubvunzo wamambo.”

Hasha dzaHamani kuna Modhekai

9Pazuva iro, Hamani akaenda achifara nomufaro mukuru mumwoyo make. Asi paakaona Modhekai pasuo ramambo uye akaona kuti akanga asingasimuki kana kuratidza kutya pamberi pake, akazara nehasha nokuda kwaModhekai. 10Zvakadaro hazvo, Hamani akazvidzora ndokubva aenda kumba.

Akadana shamwari dzake pamwe chete naZereshi, mukadzi wake, 11Hamani akavarondedzera nezvepfuma yake zhinji, zvokuwanda kwavanakomana vake, uye nenzira dzose dzaakaremekedzwa nadzo namambo nokuti akakwidziridzwa sei pamusoro pamamwe makurukota navabati. 12Hamani akatizve, “Hazvisi izvozvo chete, ndini chete munhu akakokwa navahosi Esteri kuti ndiperekedze mambo kumabiko aakatiitira. Zvino andikokazve mangwana pamwe namambo. 13Asi zvose izvi handigutsikani nazvo kana ndichiona muJudha uyu Modhekai agere pasuo ramambo.”

14Mukadzi wake Zereshi neshamwari dzake dzose vakati kwaari, “Misa matanda akareba makubhiti makumi mashanu, ugokumbira mambo panguva dzamangwanani kuti Modhekai asungirirwepo. Ipapo ugoenda namambo kumabiko nomufaro.” Shoko iri rakafadza Hamani, ndokubva aita kuti matanda amiswe.

Artistic illustration — an interpretation, not a historical record.

Did you know?

Esther Before the King and Haman's Plot

  • When Esther entered the inner court in her royal attire, King Ahasuerus extended the golden scepter toward her, signifying his favor and inviting her to present her request.Sources: the Bible text itself
  • Haman served as the vizier or prime minister to King Ahasuerus and is identified as an Agagite, linking him to the royal family of the Amalekites, historical enemies of the Jews.Sources: Haman · the Bible text itself
  • Frustrated that Mordecai would neither rise nor tremble before him at the king's gate, Haman followed the advice of his wife Zeresh and his friends to construct a gallows fifty cubits high.Sources: Zeresh · the Bible text itself

Notes written with AI assistance from open sources (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, public domain) and reviewed before publishing.

Credits and license for this translation
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Source: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Talk to us

Tell us where you read from, how the Bible has helped you, or what we could improve. We read every message.