Nations Bible

Esther 3

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Tap a verse to see its cross-references.

Hamani anoronga kuparadza vaJudha

1Shure kwaizvozvo, Mambo Zekisesi akaremekedza Hamani mwanakomana waHamedhata, muAgagi, akamukwidziridza nokumupa chigaro chinokudzwa chakanga chiri pamusoro-soro kupfuura zvamamwe makurukota ose. 2Vabati vose vomuumambo vaimira pamusuo vakamupfugamira vakapa rukudzo kuna Hamani, nokuti mambo akanga arayira kuti aitirwe izvi. Asi Modhekai akanga asingamupfugamiri kana kumukudza.

3Ipapo vabati vaimira pasuo ramambo vakabvunza Modhekai vakati, “Sei usingateereri murayiro wamambo?” 4Zuva nezuva vaitaura naye asi iye akaramba kuvanzwa. Naizvozvo vakaudza Hamani izvozvo kuti vaone kuti maitiro aModhekai angangoregererwa here, nokuti iye akanga avaudza kuti aiva muJudha.

5Hamani akati aona kuti Modhekai akanga asingamupfugamiri kana kumuremekedza, akatsamwa kwazvo. 6Asi paakanzwa kuti vanhu vaModhekai vaiva vapi akafunga zvokusauraya Modhekai chete. Panzvimbo yokuita izvi, Hamani akatsvaka nzira yokuuraya vanhu vose vaModhekai, vaJudha vose vaiva muumambo hwaZekisesi.

7Mugore regumi namaviri raMambo Zekisesi mumwedzi wokutanga, mwedzi waNisani, vakakanda puri (ndiwo mujenya) pamberi paHamani kuti vasarudze zuva nomwedzi. Mujenya wakawira pamwedzi wegumi nemiviri, mwedzi waAdha.

8Ipapo Hamani akati kuna Mambo Zekisesi, “Kuna vamwe vanhu vakapararira nokutekeshera vari pakati pamarudzi mumatunhu oushe hwenyu vane tsika yakasiyana navamwe vanhu vose uye havateereri mirayiro yamambo; hazvinganakiri mambo kuti muvaregerere. 9Kana mambo achifara nazvo, ngapaiswe chirevo chokuti vaparadzwe, uye ini ndicharipa matarenda zviuru gumi esirivha mudura repfuma yamambo kuti igoshandiswa kuripira avo vachabata basa iri ramambo.”

10Naizvozvo mambo akatora mhete yechindori kubva pamunwe wake akaipa kuna Hamani mwanakomana waHamedhata, muAgagi, muvengi wavaJudha. 11Mambo akati kuna Hamani, “Chengeta mari uye uite zvaunoda navanhu.”

12Zvino pazuva regumi namatatu romwedzi wokutanga vanyori vamambo vakadaidzwa. Vakanyora namanyorero enyika imwe neimwe uye nomutauro worudzi rumwe norumwe zvose zvakarayirwa naHamani kumakurukota ehurumende, navabati venyika dzakasiyana-siyana namakurukota amarudzi akasiyana-siyana. Tsamba idzi dzakanyorwa muzita raMambo Zekisesi pachake uye dzikasimbiswa nemhete yake. 13Matsamba aya akatumirwa navatakuri vamatsamba kunyika dzose dzamambo Zekisesi dziine murayiro wokuparadza, kuuraya, nokupedza vaJudha vose, vadiki navakuru, vakadzi navana vadiki, nokupamba zvinhu zvavo, nezuva rimwe chete, pazuva regumi namatatu romwedzi wegumi nemiviri, iwo mwedzi waAdha. 14Rimwe gwaro rechirevo ichi raizodzikwa somutemo mudunhu rimwe nerimwe, vanhu vendudzi dzose vachizoziviswa kuti vagare vakagadzirira zuva iroro.

15Vatakuri vamatsamba vakabuda nokukasika sokurayira kwamambo, vakandozivisa chirevo panhare yeShushani. Mambo naHamani vakagara pasi kuti vanwe, asi guta reShushani rakanyonganiswa.

Did you know?

Haman's Plot Against the Jews

  • Haman is designated as an Agagite, a description associated with the royal title of the Amalekites, traditional enemies of the Jewish people. As King Ahasuerus's newly elevated prime minister, he demanded homage that Mordecai refused to give.Sources: Haman · the Bible text itself
  • In the first month, Nisan, Haman cast the Pur (the lot) to determine the most auspicious date to carry out his plan of destruction. The lot fell on the thirteenth day of the twelfth month, Adar, placing the execution of the edict nearly a year in the future.Sources: the Bible text itself
  • The Persian imperial administration enabled royal decrees issued in the citadel of Susa to be translated into the distinct script and language of each province and rapidly distributed across the realm by couriers.Sources: the Bible text itself · Susa

Notes written with AI assistance from open sources (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, public domain) and reviewed before publishing.

Places in this chapter

  • Susa · Today: Shush · 32.189, 48.258 · verse 15

Only places identified with high confidence are shown (90% or more according to the scholarly sources compiled by OpenBible). Period map: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; modern map: © OpenStreetMap contributors; places: OpenBible.info (CC BY 4.0).

Credits and license for this translation
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Source: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Talk to us

Tell us where you read from, how the Bible has helped you, or what we could improve. We read every message.