Ephesians 5
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Tap a verse to see its cross-references.
1Naizvozvo, ivai vateveri vaMwari, savana vanodikanwa 2uye murarame upenyu hworudo, sezvatakadikanwa naKristu akazvipa nokuda kwedu sechipiriso chinonhuhwira uye sechibayiro kuna Mwari.
3Asi pakati penyu hapafaniri kutaurwa kunyange zvoupombwe, kana tsvina yemhando ipi zvayo, kana kukara, nokuti izvi hazvina kunaka kuvanhu vatsvene vaMwari. 4Uye hapafaniri kuva nokufunga kusina maturo, kutaura kwoupenzi kana kunemera, izvo zvisina kufanira, asi zviri nani kuvonga. 5Nokuti naizvozvi munogona kuva nechokwadi kuti: Hakuna mhombwe, kana munhu ane tsvina kana ane nhafu, munhu akadaro ndiye anonamata zvifananidzo, anowana nhaka muumambo hwaKristu nohwaMwari. 6Ngakurege kuva nomunhu anokunyengerai namashoko asina maturo, nokuti nokuda kwezvinhu zvakadaro, kutsamwa kwaMwari kunouya pamusoro peavo vasingateereri. 7Naizvozvo musashamwaridzana navo.
8Nokuti kare maiva rima, asi zvino mava chiedza muna She. Garai savana vechiedza 9(nokuti chibereko chechiedza chino kunaka kwose, kururama nechokwadi) 10uye muzive zvinofadza Ishe. 11Musayanana namabasa erima, asi zviri nani kuafumura. 12Nokuti zvinonyadza kureva zvinoitwa muchivande navana vasingateereri. 13Asi zvinhu zvose zvinoratidzwa pachena nechiedza zvinobva zvaonekwa, 14nokuti chiedza ndicho chinoratidza zvinhu zvose. Ndokusaka zvichinzi:
“Muka, iwe muvati,
muka kubva kuvakafa,
Kristu achavhenekera pauri.”
15Zvino, muchenjere kuti munorarama sei, kwete savasina kuchenjera asi savakachenjera, 16muchishandisa mikana yose, nokuti mazuva akaipa. 17Naizvozvo musava mapenzi, asi munzwisise kuti kuda kwaShe ndokupi. 18Musadhakwa newaini, nokuti ndipo pano kusazvidzora. Asi, muzadzwe noMweya. 19Mutaure kuno mumwe nomumwe wenyu namapisarema, nedzimbo uye nenziyo dzomweya. Muimbe uye muridzire Ishe mimhanzi mumwoyo yenyu, 20muchivonga Mwari Baba pazvinhu zvose, muzita raIshe wedu Jesu Kristu.
21Muzviise pasi pomumwe nomumwe wenyu muchitya Kristu.
Vakadzi naVarume
22Vakadzi, muzviise pasi pavarume venyu sezvamunoita kuna She. 23Nokuti murume musoro womukadzi saKristu ari musoro wekereke, iwo muviri wake, iyo yaari muponesi wayo. 24Zvino sezvo kereke ichizviisa pasi paKristu, saizvozvowo vakadzi vanofanira kuzviisa pasi pavarume vavo pazvinhu zvose.
25Varume, idai vakadzi venyu, saKristu akada kereke uye akazvipa nokuda kwayo 26kuti aiite tsvene, akaishambidza nokushambidza kwemvura neshoko, 27uye kuti ayiuyise kwaari sekereke inobwinya, isina gwapa kana kuunyana kana chipi zvacho chainopomerwa. 28Nenzira imwe cheteyo, varume vanofanira kuda vakadzi vavo semiviri yavo chaiyo. Uyo anoda mukadzi wake anozvida iye pachake. 29Pana izvozvo zvose, hakuna munhu angavenga muviri wake, asi anoupa zvokudya uye anouchengeta, sezvinoita Kristu kukereke, 30nokuti tiri nhengo dzomuviri wake. 31“Nokuda kwaizvozvi, murume achasiya baba namai vake uye asanganiswe nomukadzi, uye vaviri vachava nyama imwe chete.” 32Ichi ndicho chakavanzika chakadzika, asi ndiri kutaura pamusoro paKristu nekereke. 33Kunyange zvakadaro, mumwe nomumwe wenyuwo anofanira kuda mukadzi wake sezvaanozvida iye, uye mukadzi anofanira kuremekedza murume wake.

Did you know?
Love, light, and the household
- Ephesians 5 opens by calling readers to imitate God as beloved children and to walk in love, just as Christ loved them and gave himself up for them as a fragrant sacrificial offering to God.Sources: the Bible text itself
- The chapter says its readers were once darkness but are now light in the Lord, and that the fruit of the light is all goodness, righteousness, and truth. It also cites a saying that calls the sleeper to wake and rise from the dead, promising that Christ will shine on that person.Sources: the Bible text itself
- A call to submit to one another out of reverence for Christ introduces the instructions for wives and husbands. Husbands are told to love their wives as Christ loved the church and gave himself up for her, and the chapter calls the union of husband and wife a profound mystery concerning Christ and the church.Sources: the Bible text itself
Notes written with AI assistance from open sources (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, public domain) and reviewed before publishing.
Credits and license for this translation
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Language: chiShona Contributor: Biblica, Inc. Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Creative Commons License Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.” Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA). Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us . This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.” Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA). If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us . This translation is made available to you under the terms of the Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0. You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that: You include the above copyright and source information. If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes. If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original. Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents. For other uses, please contact the respective copyright owners. Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19. 2023-04-14
Source: http://ebible.org/sna/ · eBible.org