Nations Bible

Deuteronomy 26

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Tap a verse to see its cross-references.

Zvibereko Zvokutanga neZvegumi

1Kana uchinge wapinda munyika yauri kupiwa naJehovha Mwari wako senhaka uye kana uchinge waitora wava kugara mairi, 2utore zvimwe zvezvibereko zvose zvokutanga zvauchakohwa kubva pavhu renyika yauri kupiwa naJehovha Mwari wako ugozviisa mudengu. Ipapo ugoenda kunzvimbo iyo Jehovha Mwari wako achasarudza kuti Zita rake rigarepo, 3uye ugoti kumuprista ari kushumira panguva iyoyo, “Ndinozvireva nhasi pamberi paJehovha Mwari wako kuti ndasvika munyika yakapikirwa madzitateguru edu naJehovha kuti achatipa.” 4Muprista anofanira kutora dengu kubva mumaoko ako agoriisa pasi pamberi pearitari yaJehovha Mwari wake. 5Ipapo uchataura pamberi paJehovha Mwari wako, uchiti, “Baba vangu vakanga vari muAramu mufambi, vakadzika vakaenda kuIjipiti navanhu vashoma uye vakagarako vakazova rudzi rukuru, rune simba uye runa vanhu vazhinji. 6Asi vaIjipita vakatiitira zvakaipa, vakatitambudza, vachitibatisa basa rinorema. 7Ipapo takadana kuna Jehovha, iye Mwari wamadzibaba edu, uye Jehovha akanzwa inzwi redu akaona kutambudzika kwedu, kushandiswa nokumanikidzwa kwedu. 8Saka Jehovha akatibudisa muIjipiti nechanza chine simba uye noruoko rwakatambanudzwa, nezvinotyisa, nezviratidzo uye nezvishamiso. 9Akatiuyisa panzvimbo ino akatipa nyika ino, nyika inoyerera mukaka nouchi. 10Zvino ndauya nezvibereko zvokutanga zvevhu ramakandipa imi, iyemi Jehovha.” Uise dengu pamberi paJehovha Mwari wako uye ugopfugama pamberi pake. 11Uye iwe navaRevhi, navatorwa vari pakati penyu muchafara mune zvose zvakanaka zvawakaitirwa naJehovha Mwari wako, iwe nemhuri yako.

12Kana uchinge wapedza kutsaura chegumi chezvose zvawakawana mugore rechitatu, gore rechegumi, uchachipa kuvaRevhi, nokumutorwa, nokunherera uye nokuchirikadzi, kuitira kuti vagodya vachiguta mumaguta enyu. 13Ipapo ugoti kuna Jehovha Mwari wako, “Ndabvisa mugove mutsvene paimba yangu uye ndaupa kumuRevhi, nokumutorwa, nokunherera uye nokuchirikadzi, maererano nezvose zvamakarayira. Handina kutsauka kubva pamirayiro yenyu kana kukanganwa kunyange mumwe chete zvawo. 14Handina kudya kana chikamu zvacho chomugove mutsvene panguva yandaiva pakuchema, kana kubvisa chikamu chawo panguva yandaiva ndisina kunatswa, kana kupa chikamu chawo kuvakafa. Ndakateerera Jehovha Mwari wangu; ndaita zvose zvamakandirayira. 15Tarirai muri kudenga, panzvimbo yougaro hwenyu tsvene, mugoropafadza vanhu venyu Israeri uye nenyika yamakatipa sezvamakavimbisa nemhiko kumadzitateguru edu, nyika inoyerera mukaka nouchi.”

Kutevera Mirayiro yaJehovha

16Jehovha Mwari wenyu anokurayirai nhasi kuti muteerere mitemo nemirayiro iyi; muchenjerere kuichengeta nomwoyo wenyu wose uye nomweya wenyu wose. 17Mareva nhasi kuti Jehovha ndiye Mwari wenyu uye kuti muchafamba munzira dzake, uye kuti muchamuteerera. 18Uye Jehovha azvireva nhasi kuti imi muri vanhu vake, pfuma yake inokosha sezvaakavimbisa, uye kuti imi muchachengeta mirayiro yake. 19Ati achakukurisai kwazvo kupfuura ndudzi dzose dzaakaita pakurumbidzwa, napamukurumbira napakukudzwa kuti muve rudzi rutsvene kuna Jehovha Mwari wenyu, sezvaakavimbisa.

Did you know?

Firstfruits, Tithes, and Covenant Dedication

  • When presenting the firstfruits of their harvest at the designated sanctuary, Israelites were instructed to recite a historical creed. This confession recalled their ancestor as a wandering Aramean, their growth and enslavement in Egypt, and their deliverance by God into a fertile land.Sources: the Bible text itself
  • The third year was designated as a special year of tithing, in which the produce was set aside specifically to support vulnerable members of the community, including Levites, resident foreigners, orphans, and widows.Sources: the Bible text itself
  • The chapter concludes with a mutual covenant declaration: the people publicly committed to obey God's statutes, while God affirmed them as His treasured possession and a holy people set apart above the nations.Sources: the Bible text itself

Notes written with AI assistance from open sources (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, public domain) and reviewed before publishing.

Places in this chapter

  • Egypt · 30.129, 31.308 · verses 5, 8

Only places identified with high confidence are shown (90% or more according to the scholarly sources compiled by OpenBible). Period map: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; modern map: © OpenStreetMap contributors; places: OpenBible.info (CC BY 4.0).

Credits and license for this translation
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Source: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Talk to us

Tell us where you read from, how the Bible has helped you, or what we could improve. We read every message.