Nations Bible

Deuteronomy 22

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Tap a verse to see its cross-references.

1Kana ukaona nzombe yehama yako kana gwai rake rarasika, usarishayira hanya asi uone kuti waridzorera kwaari. 2Kana hama iyi ichigara kure newe kana kuti usingaizivi kuti ndiani, ritore uende naro kumba undorichengeta kusvikira muridzi waro auya achiritsvaga. Ipapo uridzosere kwaari. 3Uite zvimwe chetezvo kana uchinge waona mbongoro yehama yako kana nguo yake kana chinhu chipi zvacho chaanenge arasikirwa nacho. Usachisiya.

4Kana ukaona mbongoro yehama yako kana nzombe yake yakawa panzira, usairega. Ibatsire kuti imire netsoka dzayo.

5Mukadzi haafaniri kupfeka nguo dzomurume, uye murume haafaniri kupfeka nguo dzomukadzi, nokuti Jehovha Mwari wenyu anonyangadzwa nomunhu anoita izvi.

6Kana ukaona dendere reshiri panzira, ringava riri mumuti kana riri pasi, uye mai vacho vachivhuvatira vana kana mazai, usatora mai pamwe chete navana vacho. 7Unogona kutora vana vacho, asi unofanira kurega mai vacho vaende, kuitira kuti zvikunakire, uye uchava namazuva mazhinji oupenyu.

8Kana uchinge wavaka imba itsva, unofanira kuisa rumhanda padenga remba yako kuitira kuti urege kuuyisa mhosva yeropa pamusoro pemba yako kana mumwe munhu azowa kubva padenga rayo.

9Usadyara mbeu dzamarudzi maviri mumunda wako wemizambiringa; kana ukaita izvi hazvisi zvirimwa zvawadyara chete zvasvibiswa asi kuti nezvibereko zvomunda wemizambiringa wako zvakare.

10Usarima nenzombe nembongoro zvakasungwa pajoko rimwe chete.

11Usapfeka nguo dzamakushe nomucheka zvakarukwa pamwe chete.

12Unofanira kuzviitira pfunha pamakona mana enguo yaunopfeka.

Kukanganiswa kweWaniso

13Kana munhu akawana mukadzi uye mushure mokuvata naye, akasamufarira, 14akamunyomba uye akamupa zita rakaipa achiti, “Ndakawana mukadzi uyu, asi mushure mokuva naye, ndakamuwana asiri mhandara,” 15ipapo baba namai vomusikana uyu vanofanira kuuya nechiratidzo chokuti aiva mhandara kuvakuru veguta pasuo. 16Baba vomusikana uyu vachati kuvakuru, “Ndakapa mwanasikana wangu kuti awanikwe nomurume uyu, asi haana kumufarira. 17Zvino anomunyomba achiti, ‘Handina kuwana mwanasikana wenyu ari mhandara.’ Asi hechi chiratidzo choumhandara hwomwanasikana wangu.” Ipapo vabereki vake vanofanira kuwarira nguo pamberi pavakuru veguta, 18uye vakuru vachatora murume uyu vagomuranga. 19Vachamuripisa mashekeri esirivha anosvika zana vagopa kuna baba vomusikana, nokuti murume uyu apa zita rakaipa kumhandara yeIsraeri. Iye acharamba ari mukadzi wake; haafaniri kumuramba upenyu hwake hwose.

20Asi, kana mhaka iyi iri yechokwadi uye pasina chiratidzo choumhandara hwomusikana uyu, 21anofanira kuuyiswa pamukova wemba yababa vake uye ipapo varume veguta vagomutaka namabwe afe. Akaita chinhu chinonyadzisa muIsraeri nokuda kwokupata kwake paaiva achiri mumba mababa vake. Munofanira kubvisa chakaipa pakati penyu.

22Kana murume akawanikwa akavata nomukadzi akawanikwa nomumwe murume, vose vari vaviri murume nomukadzi waakavata naye vanofanira kufa. Munofanira kubvisa chakaipa muIsraeri.

23Kana murume akasangana muguta nemhandara yakapiwa nduma kuti iwanikwe nomumwe murume uye akavata naye, 24munofanira kutora vose vari vaviri mugoenda navo pasuo reguta mugovataka namabwe vafe, musikana nokuda kwokuti akanga ari muguta akasaridza mhere kuti anunurwe, uye murume uyu nokuda kwokuti akakanganisa mukadzi womumwe murume. Munofanira kubvisa chakaipa pakati penyu.

25Asi kana murume akasangana nomusikana kunze kusango akamumanikidza kuvata naye, uye achinge akapiwa nduma yokuzowanikwa, murume aita izvi ndiye anofanira kufa chete. 26Musaita chinhu kumusikana wacho; haana kuita chivi chinofanira rufu. Mhaka iyi yakafanana neyomunhu anorwisa uye agouraya muvakidzani wake. 27Nokuti murume uyu akawana musikana uyu kunze musango, uye kunyange musikana uyu akaita mhiko akaridza mhere, pakanga pasina aigona kumununura.

28Kana murume akasangana nomusikana asina kupiwa nduma yokuwanikwa akamumanikidza kuvata naye uye vakawanikidzwa, 29acharipa baba vomusikana uyu mashekeri makumi mashanu esirivha. Anofanira kuwana musikana wacho, nokuti amukanganisa. Haafaniri kumuramba mazuva ose oupenyu hwake.

30Murume haafaniri kuwana mukadzi wababa vake; haafaniri kuzvidza nhoo yababa vake.

Artistic illustration — an interpretation, not a historical record.

Did you know?

Community Responsibility and Social Conduct

  • Deuteronomy 22 requires Israelites to care for lost or fallen livestock belonging to others rather than ignoring them. It also mandates constructing a railing around the roof of a new house to prevent accidental falls and avoid bringing bloodguilt upon the household.Sources: the Bible text itself
  • The chapter includes several specific prohibitions against mixing different categories, forbidding the planting of a vineyard with two types of seed, plowing with an ox and a donkey yoked together, and wearing garments woven of both wool and linen.Sources: the Bible text itself
  • Legal disputes and marital accusations were brought before the elders at the city gate for judgment. When evaluating cases of sexual assault, the law distinguished between occurrences in a city, where a victim could cry out for help, and in the open countryside, where no rescuer was near.Sources: the Bible text itself

Notes written with AI assistance from open sources (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, public domain) and reviewed before publishing.

Credits and license for this translation
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Source: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Talk to us

Tell us where you read from, how the Bible has helped you, or what we could improve. We read every message.