Daniel 9
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Tap a verse to see its cross-references.
Munyengetero waDhanieri
1Mugore rokutanga raDhariasi mwanakomana waAhasuerasi (chizvarwa cheMedhia), uyo akaitwa mutongi pamusoro poumambo hwavaBhabhironi, 2mugore rokutanga rokutonga kwake, ini Dhanieri, ndakanzwisisa kubva muMagwaro, sezvakataura shoko raJehovha rakapiwa kuna Jeremia muprofita, kuti Jerusarema richagara riri dongo kwamakore makumi manomwe. 3Saka ndakatendeukira kuna Ishe Mwari ndikamukumbira mukunyengetera nokuteterera, ndichitsanya, uye ndikafuka nguo dzamasaga namadota.
4Ndakanyengetera kuna Jehovha Mwari wangu ndikareurura ndichiti:
“Haiwa Ishe, Mwari mukuru anotyisa, iye anochengeta sungano yake yorudo navose vanomuda uye vanoteerera mirayiro yake, 5takatadza tikaita zvakaipa. Takaita zvinhu zvakaipa uye takakumukirai; takatsauka tikava kure nemitemo nemirayiro yenyu. 6Hatina kuteerera varanda venyu vaprofita, vakataura muzita renyu kumadzimambo, machinda edu namadzibaba edu, uye nokuvanhu vose venyika.
7“Ishe, imi makarurama, asi nhasi takafukidzwa nenyadzi, vanhu veJudha navanhu veJerusarema navaIsraeri vose, vari pedyo navose vari kure, munyika dzose kwamakatiparadzira nokuda kwokusatendeka kwedu kwamuri. 8Haiwa Jehovha, isu namadzimambo edu, machinda edu namadzibaba edu takafukidzwa nenyadzi nokuti takakutadzirai. 9Ishe Mwari wedu ndiye ane ngoni uye anokanganwira, kunyange dai takamumukira. 10Hatina kuteerera Jehovha Mwari wedu kana kuchengeta mirayiro yaakatipa kubudikidza navaranda vake vaprofita. 11VaIsraeri vose vakadarika murayiro wenyu ndokutsauka, vachiramba kukuteererai imi.
“Naizvozvo kutukwa nokutonga kwaakapika kwakanyorwa mumurayiro waMozisi, muranda waMwari, zvakadururirwa pamusoro pedu, nokuti takakutadzirai imi. 12Makazadzisa mashoko akataurwa pamusoro pedu napamusoro pamadzishe edu nokuuyisa pamusoro pedu njodzi huru. Hakuna kumbova nechinhu chakaitwa pasi pedenga rose chakafanana nezvakaitwa paJerusarema. 13Sezvazvakanyorwa muMurayiro waMozisi, njodzi iyi yose yakawira pamusoro pedu, kunyange zvakadaro hatina kutsvaka nyasha dzaJehovha Mwari wedu nokutendeuka kubva pazvivi zvedu tichiteerera chokwadi chenyu. 14Jehovha haana kunonoka kuuyisa njodzi pamusoro pedu, nokuti Jehovha Mwari wedu akarurama pazvinhu zvose zvaanoita; asi hatina kumuteerera.
15“Zvino, imi Ishe Mwari wedu, makabudisa vanhu venyu kubva muIjipiti noruoko rune simba uye mukazviitira zita rinogara kusvikira iye nhasi, takatadza, takaita zvakaipa. 16Haiwa Ishe, dzorai kutsamwa kwenyu nehasha dzenyu kubva paJerusarema, guta renyu nechikomo chenyu chitsvene, nokuda kwamabasa enyu ose akarurama. Zvivi zvedu nezvakaipa zvamadzibaba edu zvakaita kuti Jerusarema nevanhu zvive chinhu chinosekwa neavo vose vakatipoteredza.
17“Zvino, imi Mwari wedu, inzwai minyengetero nemikumbiro yomuranda wenyu. Haiwa Ishe, nokuda kwenyu, mutarire nenyasha pamusoro petemberi yenyu yakaparara. 18Rerekai nzeve yenyu imi Mwari, uye munzwe; zarurai meso enyu muone kuparadza kweguta rakatumidzwa Zita renyu. Hatikumbiri kwamuri nokuda kwokuti takarurama, asi nokuda kwenyasha dzenyu huru. 19Haiwa Ishe, inzwai! Haiwa Ishe kanganwirai! Haiwa Ishe, inzwai muite! Haiwa Mwari wangu, nokuda kwenyu musanonoka, nokuti vanhu venyu neguta renyu vakatumidzwa Zita renyu.”
Vhiki Makumi Manomwe
20Pandakanga ndichitaura uye ndichinyengetera, ndichireurura chivi changu nechivi chavanhu vangu vaIsraeri ndichiisa chikumbiro changu kuna Jehovha Mwari wangu nokuda kwechikomo chake chitsvene, 21ndichiri pakunyengetera, Gabhurieri, murume wandakanga ndaona muchiratidzo changu chokutanga, akasvika pandiri achibhururuka kwazvo nenguva inenge yechibayiro chamadekwana. 22Akandirayira uye akati kwandiri, “Dhanieri, ndauya zvino kuzokupa njere nokunzwisisa. 23Pawakangotanga kunyengetera, mhinduro yakabva yapiwa, ndiyo yandauya kuzokuudza, nokuti iwe unokudzwa kwazvo. Naizvozvo rangarira shoko iri uye unzwisise chiratidzo:
24“Vhiki makumi manomwe dzakatemerwa vanhu vako uye neguta rako dzvene kuti vapedze kudarika kwavo, varege kutadza, kana kuyanana nezvakaipa, vauye nokururama kusingaperi, kusimbisa chiratidzo nechiprofita nokuzodza iye mutsvene-tsvene.
25“Uzive uye unzwisise izvi: Kubva pakupiwa kwechirevo chokuvandudza nokuvaka Jerusarema kusvikira Muzodziwa, iye mutongi, auya, kuchava nevhiki nomwe uye vhiki makumi matanhatu nembiri. Richavakwa rine migwagwa uye nomugero, asi munguva dzokutambudzika. 26Shure kwevhiki makumi matanhatu nembiri, Muzodziwa achagurwa uye achashaya chinhu. Vanhu vomutongi vachasvika vagoparadza guta nenzvimbo tsvene. Kuguma kuchauya sokudira kwemvura. Hondo icharamba iripo kusvikira kumagumo, uye kuparadzwa kwakatemwa kare. 27Achasimbisa sungano navazhinji kwevhiki imwe. Pakati pevhiki achagumisa chibayiro nechipiriso. Uye pano rumwe rutivi rwetemberi achaisa chinyangadzo chinokonzera kuparadzwa, kusvikira kuguma kwakatemwa kwadururirwa pamusoro pake.”

Did you know?
Daniel's Prayer and the Seventy Weeks
- Daniel understood from the sacred writings of the prophet Jeremiah that the desolation of Jerusalem was decreed to last seventy years. This realization led Daniel to turn to God in deep intercession, accompanied by fasting, sackcloth, and ashes, confessing the sins of his nation.Sources: the Bible text itself · Jeremiah
- While Daniel was praying at the time of the evening sacrifice, the angel Gabriel—whose name means "Champion of God"—arrived to bring him insight. Gabriel revealed the prophecy of the "seventy weeks" decreed for the holy city and its people.Sources: the Bible text itself · Gabriel
- In his prayer of confession, Daniel recognized that the destruction of Jerusalem and the exile of the people directly fulfilled the oath and curse written in the Law of Moses.Sources: the Bible text itself · Moses
Notes written with AI assistance from open sources (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, public domain) and reviewed before publishing.
Places in this chapter
- Chaldea · 30.962, 46.104 · verse 1
- Jerusalem · 31.777, 35.234 · verses 2, 7, 12, 16, 20, 25
- Egypt · 30.129, 31.308 · verse 15
- Most Holy Place · Today: on Mount Moriah · 31.778, 35.236 · verse 24
Only places identified with high confidence are shown (90% or more according to the scholarly sources compiled by OpenBible). Period map: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; modern map: © OpenStreetMap contributors; places: OpenBible.info (CC BY 4.0).
Credits and license for this translation
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Language: chiShona Contributor: Biblica, Inc. Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Creative Commons License Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.” Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA). Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us . This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.” Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA). If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us . This translation is made available to you under the terms of the Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0. You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that: You include the above copyright and source information. If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes. If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original. Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents. For other uses, please contact the respective copyright owners. Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19. 2023-04-14
Source: http://ebible.org/sna/ · eBible.org