Nations Bible

Daniel 11

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Tap a verse to see its cross-references.

1Uye mugore rokutanga raDhariasi muMedhia, ini ndakasimuka kuti ndimutsigire uye ndimudzivirire.

Madzimambo eZasi neoKumusoro

2“Zvino ipapo, ndinokuudza chokwadi: Mamwezve madzimambo matatu achamuka muPezhia, uye ipapozve mumwe wechina, achava akapfuma kupfuura vamwe vose. Paachava nesimba nokuda kwepfuma yake, achamutsa vamwe vose kuzorwa noumambo hweGirisi. 3Ipapo mambo ane simba achamuka, uyo achatonga nesimba guru nokuita sezvaanoda. 4Shure kwokuonekwa kwake, ushe hwake huchatsemuka hugogoverwa kumhepo ina dzedenga.

5“Mambo weZasi achava neimba, asi mumwe wavakuru vake vehondo achava nesimba kupfuura iye uye achatonga muumambo hwake amene nesimba guru. 6Shure kwamamwe makore, vachazobatana. Mwanasikana wamambo weZasi achaenda kuna mambo woKumusoro kuti anoita sungano, asi mwanasikana uyu haangarambi ane simba rake, uye iye mambowo nesimba rake zvichaguma. Mumazuva iwayo mwanasikana acharaswa, pamwe chete navanomurinda nababa vake uye naiye anomutsigira.

7“Mumwe anobva mumhuri yake achamuka kuti atore nzvimbo yake. Acharwisa mauto amambo woKumusoro agopinda munhare yake; iye acharwa navo agovakunda. 8Achatapawo vamwari vavo, zvifananidzo zvavo zvesimbi nezvinhu zvavo zvinokosha zvesirivha negoridhe agozvitakura achienda nazvo kuIjipiti. Achazosiya mambo woKumusoro ari oga kwamakore. 9Ipapo mambo woKumusoro acharwisa umambo hwamambo weZasi asi achizodzokera hake kunyika yake. 10Vanakomana vake vachagadzirira kurwa uye vachaunganidza hondo huru, ichakukura samafashamu emvura ane simba vagorwa kusvikira kunhare yake.

11“Ipapo mambo weZasi achafora akatsamwa kwazvo kuti azorwisa mambo woKumusoro, uyo achamutsa hondo huru, asi ichizokundwa. 12Kana varwi vaendwa navo, weZasi achazara nokuzvikudza uye achauraya zviuru zvizhinji, asi zvazvo haazorambi achikunda. 13Nokuti mambo woKumusoro achaumba imwe hondo, yakakura kupfuura yokutanga; uye shure kwamakore mazhinji, achaenda kundorwa ane hondo huru huru yakashongedzwa zvakakwana.

14“Munguva idzodzo vazhinji vachamukira mambo weZasi. Varume vechisimba pakati pavanhu vokwako vachakumukira kuti chiratidzo chizadziswe, asi havangakundi. 15Ipapo mambo woKumusoro achauya agovaka mirwi yokurwisa uye achapamba guta rakakomberedzwa, Mauto eZasi achashaya simba rokuzvidzivirira; kunyange mapoka emhare dzavo achashaya simba rokumira. 16Mupambi achaita zvaanoda; hakuna achagona kumisidzana naye. Achazvisimbisa muNyika Yakaisvonaka uye achava nesimba rokuiparadza. 17Achashingaira kuti auye navane simba voumambo hwake hwose uye achabatana namambo weZasi. Uye achamupa mwanasikana wake kuti amuwane kuitira kuti aparadze umambo, asi urongwa hwake hahuzobudiriri kana kumubatsira. 18Ipapo acharinzira chiso chake kuzviwi agotora zvizhinji zvacho, asi mukuru wamauto achagumisa kuzvidza kwake uye agodzorera kuzvidzwa kwake kwaari amene. 19Shure kwaizvozvo, achadzokera akananga kunhare dzenyika yake asi achagumburwa ndokuwa, akasazoonekwazve.

20“Anomutevera achatumira muteresi kuti achengetedze mbiri youmambo. Zvisinei hazvo, shure kwamakore mashoma, iye achaparadzwa, zvisingaitwi mukutsamwa kana muhondo.

21“Achatsiviwa nomunhu anozvidzwa asina kumbopiwa rukudzo rwoumambo. Iye achapamba umambo panguva iyo vanhu vanenge vakadekara, uye achahubvuta nenzira yokubata kumeso. 22Ipapo hondo huru ichakukurwa pamberi pake; zvose iye nomuchinda wesungano zvichaparadzwa. 23Shure kwokuita chibvumirano naye, achaita zvinhu zvounyengeri, uye navanhu vashoma chete achatora chigaro chokutonga. 24Matunhu akapfuma paanenge adekara, acharwisa uye achakwanisa kuita zvisina kumboitwa namadzibaba ake kana madzitateguru ake. Achagovera zvaakapamba, zvaakatora nebipitira nepfuma, pakati pavanhu vake. Achaita rangano yokuparadza nhare, asi kwechinguva chete.

25“Nehondo huru achamutsa simba rake nokushinga kwake kuti arwise mambo weZasi. Mambo weZasi acharwa naye nehondo huru kwazvo uye hondo ine simba kwazvo, asi haazogoni kumira nokuda kwamano aakarongerwa. 26Vaya vanodya zvokudya zvamambo vachaedza kumuparadza; hondo yake ichakukurwa, uye vazhinji vachafa muhondo. 27Madzimambo maviri, vane mwoyo yavo yakakombamira pane zvakaipa, vachagara patafura imwe chete vachireverana nhema, asi pasina zvazvinobatsira, nokuti kuguma kuchasvika zvakadaro panguva yakatarwa. 28Mambo woKumusoro achadzokera kunyika yokwake nepfuma zhinji, asi mwoyo wake uchavenga sungano tsvene. Achairwisa agodzokera kunyika yokwake.

29“Panguva yakatarwa acharwisa yeZasi zvakare, asi panguva ino zvichaitika zvichasiyana napakutanga. 30Zvikepe zvokuzviwi zvokumavirira zvichamupikisa, uye iye achaora mwoyo. Ipapo achadzokera kwaabva agondopedzera shungu dzake pamusoro pesungano tsvene. Achadzokera agondofarira vaya vanorasa sungano tsvene.

31“Mauto ake akapakata zvombo achasimuka kuti asvibise nhare yetemberi uye achadzivisa chibayiro chamazuva ose. Ipapo vachamisa chinonyangadza chinokonzera kuparadzwa. 32Nokubata kumeso achatsausa avo vakaputsa sungano asi vanhu vanoziva Mwari wavo vachamudzivisa kwazvo.

33“Vakachenjera vachadzidzisa vazhinji, kunyange kwechinguva vachazourayiwa nomunondo kana kupiswa kana kutapwa kana kupambwa. 34Pavachawa vachagamuchira rubatsiro rushoma shoma, uye vazhinji vasiri muchokwadi vachabatana navo. 35Vamwe vakachenjera vachagumburwa, kuitira kuti vagonatswa, nokucheneswa uye vave vasina gwapa kusvikira panguva yokupedzisira, nokuti zvichazongoitika panguva yakatarwa.

Mambo anozvikudza

36“Mambo uyu achaita sezvaanoda. Achazvisimudzira uye achazvikudza pamusoro pavamwari vose uye achataura zvinhu zvisina kumbonzwikwa pamusoro paMwari wavamwari. Achabudirira kusvikira nguva yokutsamwa yapera, nokuti zvakatemwa zvinofanira kuitika. 37Haazovi nehanya navamwari vamadzibaba ake kana nouyo anodikanwa navakadzi, uye haangavi nehanya namwari upi zvake, asi achazvikudza pamusoro pavo vose. 38Pachinzvimbo chazvo, achakudza mwari wenhare; achakudza negoridhe nesirivha namatombo anokosha, nezvipo zvomutengo wapamusoro, mwari akanga asingazivikanwi namadzibaba ake. 39Acharwisa nhare dzakasimbisisa achibatsirwa namwari wavatorwa uye achakudza zvikuru vaya vanomugamuchira. Achavaita vabati pamusoro pavanhu vazhinji uye achagovera nyika nomutengo.

40“Panguva yokupedzisira mambo weZasi acharwisana naye, uye mambo woKumusoro achamukirana naye nengoro neboka ravarwi nezvikepe zvizhinji. Acharwisa nyika zhinji agopfuura nomadziri samafashamu emvura. 41Acharwisawo Nyika Yakaisvonaka. Nyika zhinji dzichawa, asi Edhomu, Moabhu, navatungamiri veAmoni vachawira muruoko rwake. 42Achaita kuti simba rake risvike pamusoro penyika zhinji; Ijipiti haingapunyuki. 43Achava nesimba pamusoro pepfuma yegoridhe nesirivha uye pfuma yose yeIjipiti, uye vaRibhiya navaNubhia vachazviisa pasi pake. 44Asi mashoko anobva kumabvazuva nokumusoro achamuvhundutsa, ipapo achabuda nehasha zhinji kundoparadza nokupedza vazhinji. 45Achadzika matende ake oushe pakati pamakungwa pagomo dzvene rakaisvonaka. Asi achasvika kumagumo ake, uye hakuna achamubatsira.

Artistic illustration — an interpretation, not a historical record.

Did you know?

Kings of the North and South

  • The chapter opens with a forecast of Persian rulers stirring up conflict against the kingdom of Greece, followed by a mighty monarch whose vast empire is quickly broken into four separate realms rather than passed to his descendants.Sources: the Bible text itself · Persia · Greece
  • The prophecy outlines generations of warfare, treaties, and dynastic marriages between the kingdoms of the North and South, leading to a deceitful ruler who desecrates the temple fortress and abolishes the daily sacrifice.Sources: the Bible text itself · Egypt
  • Amid sweeping military campaigns across the region and into Egypt, neighboring territories identified as Edom and Moab are specifically noted as escaping the invader's reach.Sources: the Bible text itself · Edom · Moab

Notes written with AI assistance from open sources (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, public domain) and reviewed before publishing.

Places in this chapter

  • Greece · 37.972, 23.727 · verse 2
  • Persia · 34.806, 48.516 · verse 2
  • South · Today: South 3 · 31.183, 29.896 · verses 5, 6, 7, 9, 11, 12, 14, 15, 17, 25, 29, 40
  • North · 36.227, 36.172 · verses 6, 7, 8, 9, 11, 13, 15, 16, 28, 40
  • Egypt · 30.129, 31.308 · verses 8, 42, 43
  • Canaan · 32.767, 35.333 · verses 16, 41
  • Kittim · Today: Cyprus · 35.000, 33.000 · verse 30
  • Ammon · 31.955, 35.934 · verse 41
  • Edom · 30.746, 35.604 · verse 41
  • Moab · Today: Moab 1 · 31.181, 35.701 · verse 41

Only places identified with high confidence are shown (90% or more according to the scholarly sources compiled by OpenBible). Period map: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; modern map: © OpenStreetMap contributors; places: OpenBible.info (CC BY 4.0).

Credits and license for this translation
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Source: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Talk to us

Tell us where you read from, how the Bible has helped you, or what we could improve. We read every message.