Nations Bible

Acts 7

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Tap a verse to see its cross-references.

Sitefani anotaura kuDare Guru

1Ipapo muprista mukuru akamubvunza akati, “Izvi zvauri kupomerwa ndezvechokwadi here?”

2Iye akapindura achiti, “Hama dzangu nemi madzibaba, nditeererei! Mwari wokubwinya akazviratidza kuna baba vedu Abhurahama paakanga achiri kuMesopotamia, asati agara muHarani. 3Mwari akati kwaari, ‘Ibva munyika yako nokuhama dzako, uende kunyika yandichakuratidza.’

4“Saka akabva munyika yavaKaradhea akandogara muHarani. Shure kwokufa kwababa vake, Mwari akamutuma munyika ino yamugere zvino. 5Haana kumupa nhaka imomo, kunyange paangatsika norutsoka rwake. Asi Mwari akamuvimbisa kuti iye nezvizvarwa zvake zvaimutevera vaizotora nyika ino, kunyange panguva iyoyo Abhurahama akanga asina mwana. 6Mwari akataura naye achiti, ‘Zvizvarwa zvako zvichava vatorwa munyika isiri yavo, uye vachaitwa varanda vagotambudzwa kwamakore mazana mana. 7Asi ndicharanga rudzi rwavachashandira senhapwa,’ ndizvo zvakataurwa naMwari, ‘uye shure kwaizvozvo vachabuda munyika iyoyo vagondishumira panzvimbo ino.’ 8Ipapo akapa Abhurahama sungano yokudzingiswa. Abhurahama akabereka Isaka akamudzingisa zuva rorusere shure kwokuberekwa kwake. Shure kwaizvozvo Isaka akabereka Jakobho, uye Jakobho akabereka madzitateguru ane gumi navaviri.

9“Nokuti madzitateguru akaitira godo Josefa, vakamutengesa senhapwa kuIjipiti. Asi Mwari akanga anaye 10akamununura kubva pamatambudziko ake ose. Akapa Josefa uchenjeri uye akaita kuti adikanwe naFaro mambo weIjipiti; saka akamuita mutongi weIjipiti nomuzinda wake wose.

11“Zvino nzara yakasvika muIjipiti yose neKenani, kukava nokutambudzika kukuru, uye madzibaba edu akashayiwa zvokudya. 12Jakobho akati anzwa kuti kuIjipiti kwaiva nezviyo, akatuma madzibaba edu parwendo rwavo rwokutanga. 13Parwendo rwavo rwechipiri, Josefa akaudza madzikoma ake kuti iye aiva ani uye Faro akanzwa nezvemhuri yaJosefa. 14Shure kwaizvozvo, Josefa akatuma shoko kuti baba vake Jakobho, nemhuri yavo yose, vanhu makumi manomwe navashanu pamwe chete, vauye. 15Ipapo Jakobho akaburuka akaenda kuIjipiti, uko kwaakandofira iye namadzibaba edu. 16Mitumbi yavo yakatakurwa ikaendeswa kuShekemu vakavigwa muguva rakanga ratengwa naAbhurahama kubva kuvanakomana vaHamori, paShekemu, nomutengo wemari yakati kuti.

17“Nguva yakati yaswedera yokuti Mwari azadzise chipikirwa chake kuna Abhurahama, uwandu hwavanhu vedu muIjipiti hwakawedzerwa zvikuru. 18Ipapo mumwe mambo, akanga asingazivi nezvaJosefa, akava mutongi weIjipiti. 19Akabata vanhu vedu zvakaipa akadzvinyirira madzitateguru edu achivamanikidza kuti varase vana vachangoberekwa kuitira kuti vagofa.

20“Panguva iyoyo Mozisi akaberekwa, uye akanga asiri mwanawo zvake. Akachengetwa mumba mababa vake kwemwedzi mitatu. 21Paakasiyiwa kunze, mwanasikana waFaro akamutora akamurera somwanakomana wake. 22Mozisi akadzidziswa uchenjeri hwose hweIjipiti uye aigona kwazvo kutaura nokuita zvinhu.

23“Mozisi paakanga ava namakore makumi mana okuberekwa, akafunga zvokundoshanyira hama dzake ivo vaIsraeri. 24Akaona mumwe wavo achitambudzwa nomuIjipita, saka akasvika akamurwira akatsiva nokuuraya muIjipita uya. 25Mozisi akafunga kuti vanhu vake vachaziva kuti Mwari ainge achimushandisa kuti avanunure, asi ivo havana kuzviziva. 26Fume mangwana Mozisi akasvikowana vaIsraeri vaviri vachirwa. Akaedza kuvayananisa achiti, ‘Varume, muri hama imi; munodireiko kukuvadzana?’

27“Asi murume uya akanga achitambudza mumwe akasundidzira Mozisi padivi akati, ‘Ndianiko akakuita mubati nomutongi wedu? 28Unoda kundiuraya sokuuraya kwawakaita muIjipita nezuro?’ 29Mozisi paakanzwa izvozvo, akatiza akaenda kuMidhiani, uko kwaakandogara ari mutorwa uye akabereka vanakomana vaviri.

30“Makore makumi mana akati apfuura, mutumwa akazviratidza kuna Mozisi ari mumurazvo womoto mugwenzi, mugwenga raiva pedyo neGomo reSinai. 31Paakaona chinhu ichi, akashamiswa nezvaakaona. Akati achiswedera kuti anyatsoona, akanzwa inzwi raIshe richiti, 32‘Ndini Mwari wamadzibaba ako, Mwari waAbhurahama, Isaka naJakobho.’ Mozisi akadedera nokutya akatadza kana kutarisa.

33“Ipapo Jehovha akati kwaari, ‘Bvisa shangu dzako; nokuti nzvimbo yaumire pairi itsvene. 34Zvirokwazvo ndaona kudzvinyirirwa kwavanhu vangu muIjipiti. Ndanzwa kugomera kwavo, saka ndaburuka kuti ndizovasunungura. Zvino uya, ndinoda kukutuma udzokere kuIjipiti.’

35“Ndiye Mozisi uya wavakanga varamba namashoko okuti, ‘Ndianiko akakuita mubati nomutongi wedu?’ Ndiye akatumwa naMwari pachake kuti ave mubati nomusununguri wavo, kubudikidza nomutumwa akazviratidza kwaari mugwenzi. 36Ndiye akavabudisa muIjipiti uye akaita zvishamiso nezviratidzo muIjipiti, paGungwa Dzvuku uye kwamakore makumi mana murenje.

37“Ndiye Mozisi uya akaudza vaIsraeri kuti, ‘Mwari achakutumirai muprofita akaita seni anobva muvanhu venyu chaivo.’ 38Akanga ari muungano yaiva murenje, pamwe chete nomutumwa akataura kwaari paGomo reSinai, uye namadzibaba edu; uye akagamuchira mashoko mapenyu kuti azoasvitsa kwatiri.

39“Asi madzibaba edu akaramba kumuteerera. Vakamuramba uye mumwoyo yavo vakadzokerazve kuIjipiti. 40Vakati kuna Aroni, ‘Tiitire vamwari vachatitungamirira. Kana ari Mozisi uyu akatibudisa muIjipiti, hatizivi zvakamuwira! 41Ndiyo nguva yavakaumba chifananidzo chakaita semhuru. Vakauya nezvibayiro kwachiri vakachipemberera vachikudza chinhu chakaitwa namaoko avo. 42Asi Mwari akavafuratira akavasiya kuti vanamate hondo dzokudenga, sezvazvakanyorwa mubhuku ravaprofita zvichinzi:

“ ‘Makandivigira zvibayiro nezvipo

makore makumi mana murenje here, imi imba yaIsraeri?

43Makatakura tabhenakeri yaMoreki

nenyeredzi yamwari wenyu Refani,

zvifananidzo zvamakaita kuti muzvinamate.

Naizvozvo ndichakuendesai kuutapwa’ mberi kweBhabhironi.

44“Madzitateguru edu akanga ane tabhenakeri yeChipupuriro pakati pavo murenje. Yakanga yakagadzirwa sokurayirwa kwakanga kwaitwa Mozisi naMwari, maererano nomufananidzo waakanga aona. 45Vakagamuchira tabhenakeri, vachitungamirirwa naJoshua, madzibaba edu akauya pamwe chete nayo paya pavakatora nyika kubva kundudzi dzakanga dzadzingwa pamberi pavo naMwari. Tabhenakeri yakagara munyika iyo kusvikira panguva yaDhavhidhi, 46uyo akaitirwa zvakanaka naMwari uye akakumbira kuti avakire Mwari waJakobho nzvimbo yokugara. 47Asi Soromoni ndiye akazomuvakira imba.

48“Kunyange zvakadaro, Wokumusoro-soro haagari mudzimba dzakavakwa navanhu. Sezvinorehwa nomuprofita achiti:

49“ ‘Denga ndicho chigaro changu choushe

uye nyika ndiyo chitsiko chetsoka dzangu.

Ko, muchandivakira imba yakaita sei?

Kana kuti nzvimbo yangu yokuzorora ichava kupiko?

50Ko, ruoko rwangu haruna kuita izvozvi zvose here?’

51“Imi vanhu vemitsipa mikukutu, vane mwoyo nenzeve dzisina kudzingiswa! Makangoita samadzibaba enyu: Munogara muchidzivisa Mweya Mutsvene! 52Kwakambova nomuprofita asina kutambudzwa namadzibaba enyu here? Vakauraya kunyange vaya vakaprofita kuuya kwaIye Oga Akarurama. Uye zvino makamupandukira mukamuuraya, 53iyemi makagamuchira murayiro wamakapiwa kubudikidza navatumwa, asi mukasauteerera.”

Kutakwa kwaSitefani namabwe

54Vakati vanzwa izvi, vakashatirwa zvikuru uye vakamurumanyira meno avo. 55Asi Sitefani, azere noMweya Mutsvene, akatarisa kudenga akaona kubwinya kwaMwari, uye Jesu amire kuruoko rworudyi rwaMwari. 56Akati, “Tarirai, ndinoona denga razaruka uye Mwanakomana woMunhu amire kuruoko rworudyi rwaMwari.”

57Pavakanzwa izvi vakadzivira nzeve dzavo vakamhanyira kwaari vose, vachidanidzira namanzwi ari pamusoro-soro, 58vakamuzvuzvurudzira kunze kweguta vakatanga kumutaka namabwe. Uye, vaya vaiva zvapupu vakandoisa nguo dzavo patsoka dzejaya rainzi Sauro.

59Vachiri kumutaka namabwe, Sitefani akanyengetera, akati, “Ishe Jesu, gamuchirai mweya wangu.” 60Ipapo akapfugama namabvi ake akadanidzira achiti, “Ishe, musavapa mhosva yechivi ichi.” Akati ataura izvi, akavata.

Artistic illustration — an interpretation, not a historical record.

Did you know?

Stephen retells Israel's story

  • Stephen opens his speech with Abraham still in Mesopotamia, before he settled in Haran, when he was told to leave his country and his kindred. Mesopotamia—Hebrew Aram-naharaim, “Syria of the two rivers”—was the name Greeks and Romans gave the region between the Euphrates and the Tigris; the Old Testament also calls it Padan-aram, “the plain of Aram,” and the north of that plateau was the early home of the Hebrews’ ancestors. Easton's Bible Dictionary (1897) notes that this first call is not mentioned in the Old Testament, though Genesis 12 implies it, and that Abraham left Ur in Chaldea and traveled about 300 miles north to Haran.Sources: the Bible text itself · Mesopotamia · Abraham
  • Stephen says the bones of Jacob and the fathers were carried back to Shechem and placed in the tomb Abraham had bought from the sons of Hamor. Easton's Bible Dictionary (1897) identifies Hamor as a Hivite whose name means “he-ass,” notes that Acts 7:16 calls him Emmor, and says Jacob bought from him the plot at Shechem in which Joseph was later buried. The entry adds that Hamor’s son Shechem founded the city that took his name.Sources: the Bible text itself · Hamor
  • Stephen places the burning bush in the desert near Mount Sinai and says Moses received living words there from the angel who spoke to him on the mountain. Easton's Bible Dictionary (1897) treats Sinai—a name linked with Sin, a moon god—as the same mountain district also called Horeb. The entry says the Hebrews reached that region in the third month after the Exodus, after a journey of about 150 miles from the Red Sea, including all the windings of the route, and remained encamped for about a year.Sources: the Bible text itself · Mount Sinai

Notes written with AI assistance from open sources (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, public domain) and reviewed before publishing.

Places in this chapter

  • Haran · Today: Harran · 36.864, 39.033 · verses 2, 4
  • Mesopotamia · Today: Aram-naharaim · 36.864, 39.033 · verse 2
  • Chaldea · 30.962, 46.104 · verse 4
  • Egypt · 30.129, 31.308 · verses 9, 10, 11, 12, 14, 15, 17, 18, 34, 36, 39, 40
  • Canaan · 32.767, 35.333 · verse 11
  • Shechem · Today: Tell Balatah · 32.214, 35.282 · verse 16
  • Nile · Today: Nile River · 31.465, 30.367 · verse 19
  • Midian · 28.495, 35.012 · verse 29
  • Babylon · 32.543, 44.422 · verse 43

Only places identified with high confidence are shown (90% or more according to the scholarly sources compiled by OpenBible). Period map: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; modern map: © OpenStreetMap contributors; places: OpenBible.info (CC BY 4.0).

Credits and license for this translation
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Source: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Talk to us

Tell us where you read from, how the Bible has helped you, or what we could improve. We read every message.