Nations Bible

Acts 28

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Tap a verse to see its cross-references.

Pauro paMarita

1Takati tasvika zvakanaka kumahombekombe, takazoziva kuti chitsuwa ichi chainzi Marita. 2Vanhu vomuchitsuwa ichi vakatiitira tsitsi dzinoshamisa. Vakavesa moto vakatigamuchira tose nokuti kwakanga kuchinaya uye kuchitonhora. 3Pauro akaunganidza svinga retutsotso. Paakanga ava kutuisa mumoto, nyoka, yanzwa kupisa kwomoto, yakanamatira paruoko rwake. 4Vanhu vomuchitsuwa ichi pavakaona nyoka yakarembera paruoko rwake, vakataurirana pakati pavo vakati, “Munhu uyu anofanira kuva mhondi; nokuti kunyange apunyuka hake mugungwa, kururamisira hakuna kumubvumira kuti ararame.” 5Asi Pauro akazunzira nyoka mumoto uye haana kurwara. 6Vanhu vakanga vakatarisira kuti achazvimba kana kuwira pasi pakarepo ofa, asi vakati varindira kwenguva refu uye vakasaona chakaitika kwaari, vakashanduka vakati aiva mwari.

7Pakanga pano munda waiva pedyo ipapo wakanga uri waPabhuriosi, muchinda mukuru wechitsuwa icho. Akatigamuchira kumba kwake akatichengeta zvakanaka kwamazuva matatu. 8Baba vake vakanga vachirwara vavete pamubhedha, vachirwadziwa nefivha uye vane manyoka aibudisa ropa. Pauro akapinda kuti andovaona, uye shure kwokunyengetera, akaisa maoko ake pamusoro pavo akavaporesa. 9Izvi zvakati zvaitika, vairwara vose vomuchitsuwa vakauya vakaporeswa. 10Vakatikudza nenzira zhinji uye patakanga tagadzirira kukwira chikepe, vakatipa zvinhu zvataida.

Pauro anosvika kuRoma

11Mwedzi mitatu yakati yapfuura, takaenda kugungwa tikakwira muchikepe chakanga chapedza mwaka wechando chiri pachitsuwa apa. Chakanga chiri chikepe chokuArekizandiria chakanga chine misoro miviri yavamwari mapatya, ivo Kasitori naPorukisi. 12Takaenda paSirakuse tikandogarapo kwamazuva matatu. 13Takabvapo tikakwira chikepe tikandosvika kuRegiamu. Zuva rakatevera, mhepo yaibva zasi yakatanga kuvhuvhuta, uye pazuva rechipiri takazosvika paPuteori. 14Ipapo takawana hama uye dzakatikoka kuti tipedze vhiki imwe tinavo. Tichibva ipapo takaenda kuRoma. 15Hama dzaikoko dzakanga dzanzwa kuti takanga tichiuya, naizvozvo vakafamba kusvikira kuMusika weApio napaMahotera Matatu kuti vazosangana nesu. Pauro, paakaona varume ava, akavonga Mwari uye akakurudzirwa. 16Takati tasvika kuRoma, Pauro akatenderwa kuti agare oga, ane murwi aimuchengeta.

Pauro anoparidza muRoma

17Mazuva matatu akati apfuura, akakoka vatungamiri vavaJudha. Vakati vaungana, Pauro akati kwavari, “Hama dzangu, kunyange ndisina kuita chinhu chakaipa kuvanhu vokwedu kana pamusoro petsika dzamadzitateguru edu, ndakasungwa muJerusarema ndikaiswa mumaoko avaRoma. 18Vakandibvunzisisa uye vakada kundisunungura, nokuti ndakanga ndisina mhosva ipi zvayo yaikodzera rufu. 19Asi vaJudha vakati varamba ndakazvipira kuti ndizviise kuna Kesari, kwete kuti ndakanga ndine mhosva ipi zvayo nehama dzangu. 20Nokudaro ndakumbira hangu kuti ndikuonei uye nditaure nemi. Nokuda kwetariro yaIsraeri ndakasungwa nengetani iyi.”

21Ivo vakati, “Hatina kumbogamuchira kana tsamba zvadzo dzichibva kuJudhea maererano newe, uye hakuna mumwe wehama dzakabvako akatizivisa kana kutaura chinhu chipi zvacho chakaipa pamusoro pako. 22Asi tinoda kunzwa kuti pfungwa dzako ndedzei, nokuti tinoziva kuti kwose kwose vanhu vanotaura zvakaipa pamusoro peboka iri.”

23Vakaronga kuzosanganazve naPauro pane rimwe zuva, uye vakauya kwaakanga ari vari vazhinji kwazvo. Kubvira mangwanani kusvikira madekwana akavatsanangurira uye akavapupurira zvoumambo hwaMwari, uye achiedza kwazvo kuti vatende nezvaJesu kutanga paMurayiro waMozisi kusvikira kuvaprofita. 24Vamwe vakatendeswa nezvaaireva, asi vamwe havana kutenda. 25Havana kutenderana pakati pavo ndokubva vatanga kuenda, shure kwokunge Pauro ataura mashoko okupedzisira okuti: “Mweya Mutsvene akataura chokwadi kumadzitateguru enyu paakataura nomuromo waIsaya muprofita achiti:

26“ ‘Enda kuvanhu ava uti,

“Mucharamba muchinzwa asi musingatongonzwisisi;

mucharamba muchiona asi musingaonesesi.”

27Nokuti mwoyo yavanhu ava yava mikukutu;

havanzwisisi nenzeve dzavo,

uye vakatsinzina meso avo.

Zvimwe vangaona nameso avo,

vanganzwa nenzeve dzavo,

vakanzwisisa nemwoyo yavo,

vagotendeuka, ndigovaporesa.’

28“Naizvozvo ndinoda kuti muzive kuti ruponeso rwaMwari rwatumirwa kune veDzimwe Ndudzi, uye vachanzwa!” 29Shure kwokunge ataura izvi, vaJudha vakabva, vachikakavadzana zvikuru pakati pavo.

30Pauro akagara ikoko kwamakore maviri ose ari muimba yake yaairipira uye aigamuchira vose vaiuya kuzomuona. 31Akaparidza zvoumambo hwaMwari asingatyi, asingadziviswi uye akadzidzisa nezvaIshe Jesu Kristu.

Artistic illustration — an interpretation, not a historical record.

Did you know?

From Shipwreck on Malta to Rome

  • The island the travelers learned was called Malta is the Mediterranean island also known as Melita, modern Malta. Easton's Bible Dictionary (1897) says it was first colonized by Phoenicians, whom it identifies with the “barbarians” of Acts 28:2, and that the Greeks took it in 736 B.C., after which it passed to the Carthaginians. Paul and his companions remained there three months, until the stormy season had passed.Sources: Melita · Publius · the Bible text itself
  • Nearby stood an estate belonging to Publius, the chief official of the island, who welcomed the shipwrecked party and entertained them hospitably for three days. Easton's Bible Dictionary (1897) notes that some suppose the Greek word protos, rendered “chief man,” was properly a Maltese term, the official title of the governor.Sources: Publius · the Bible text itself
  • After three months they set sail in an Alexandrian ship that had wintered on the island. They stayed three days at Syracuse, on the south-east coast of Sicily, which Easton's Bible Dictionary (1897) describes as distinguished for its size and splendor; then they came to Rhegium, on the Strait of Messina, and to Puteoli, which that dictionary describes as the great port for Alexandrian grain ships, about 170 miles from Rome. From Puteoli they continued toward Rome by the Appian Way, and brothers traveled as far as the Forum of Appius and the Three Taverns to meet them.Sources: Syracuse · Rhegium · Puteoli · the Bible text itself

Notes written with AI assistance from open sources (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, public domain) and reviewed before publishing.

Places in this chapter

  • Malta · 35.933, 14.412 · verse 1
  • Alexandria · 31.183, 29.896 · verse 11
  • Syracuse · 37.064, 15.293 · verse 12
  • Puteoli · Today: Pozzuoli · 40.826, 14.121 · verse 13
  • Rhegium · Today: Reggio Calabria · 38.109, 15.644 · verse 13
  • Rome · 41.892, 12.485 · verses 14, 15, 16, 30
  • Forum of Appius · Today: Forum Appii · 41.466, 12.998 · verse 15
  • Three Taverns · 41.562, 12.874 · verse 15
  • Jerusalem · 31.777, 35.234 · verse 17
  • Judea · Today: Judea 1 · 31.777, 35.234 · verse 21

Only places identified with high confidence are shown (90% or more according to the scholarly sources compiled by OpenBible). Period map: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; modern map: © OpenStreetMap contributors; places: OpenBible.info (CC BY 4.0).

Credits and license for this translation
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Source: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Talk to us

Tell us where you read from, how the Bible has helped you, or what we could improve. We read every message.