Nations Bible

2 Samuel 7

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Tap a verse to see its cross-references.

Sungano yaMwari naDhavhidhi

1Zvino mambo akati agara mumuzinda wake uye Jehovha amupa zororo kubva kuvavengi vake vose vakanga vakamupoteredza, 2akati kuna Natani muprofita, “Tarira ndiri pano ndigere mumuzinda wakavakwa nemisidhari, asi areka yaMwari igere mutende.”

3Natani akapindura mambo akati, “Endai mberi muite zvose zvamunazvo mupfungwa dzenyu, nokuti Jehovha anemi.”

4Usiku ihwohwo shoko raJehovha rakasvika kuna Natani, richiti:

5“Enda undoudza muranda wangu Dhavhidhi kuti, ‘Zvanzi naJehovha: Ndiwe here ungandivakira imba yandingagara? 6Ini handina kumbogara mumba kubva zuva randabudisa vaIsraeri muIjipiti kusvikira nhasi. Ndanga ndichifamba munzvimbo nenzvimbo ndichigara mutende. 7Pose pandaifamba navaIsraeri vose, ndakamboti here kuno mumwe wavatongi vavo vandakarayira kuti vafudze vanhu vangu vaIsraeri, “Makaregerei kundivakira imba yemisidhari?” ’

8“Naizvozvo zvino, udza muranda wangu Dhavhidhi kuti, ‘Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: Ndakakutora kubva kumafuro kwawaifudza makwai kuti uve mutongi wavanhu vangu vaIsraeri. 9Ndakava newe kwose kwawakaenda, uye ndakaparadza vavengi vako vose ndikavabvisa pamberi pako. Zvino zita rako ndichariita guru, richafanana namazita avakuru vari panyika. 10Uye ndichapa vanhu vangu vaIsraeri nzvimbo uye ndichavasima kuti vave nomusha wavo pachavo kuti vasazokanganiswazve. Vanhu vakaipa havachazovamanikidzazve, sezvavakaita pakutanga 11nezvavakaita kubva panguva yandakagadza vatungamiri vavanhu vangu vaIsraeri. Ndichakuzorodzai kubva kuvavengi venyu vose.

“ ‘Jehovha anoti kwauri Jehovha pachake achakumisira imba: 12Zvino kana mazuva ako akwana uye wazorora namadzibaba ako, ndichamutsa mwana wako kuti atore ushe hwako, achabuda mauri, uye ndichasimbisa ushe hwake. 13Iye ndiye achavakira Zita rangu imba, uye ndichasimbisa chigaro choushe hwake nokusingaperi. 14Ini ndichava baba vake, iye achava mwana wangu. Kana akakanganisa, ini ndichamuranga neshamhu yavanhu, uye nokurangwa kunoitwa navanhu. 15Asi rudo rwangu haruzombobva paari, sokubvisa kwandakaruita pana Sauro, uyo wandakabvisa pamberi pako. 16Imba yako noumambo hwako zvichagara pamberi pangu nokusingaperi; chigaro chako choushe chichasimbiswa nokusingaperi.’ ”

17Natani akazivisa Dhavhidhi mashoko ose ezvaakanga aratidzwa.

Munyengetero waDhavhidhi

18Zvino Mambo Dhavhidhi akapinda akandogara pamberi paJehovha, akati:

“Ko, ini ndini aniko zvangu, nhai Ishe Jehovha, uye mhuri yangu chiiko, zvamandisvitsa pano? 19Uyezve sezvinonzi izvi hazvina kukwana pamberi penyu, nhai Ishe Jehovha, mataurazve nezveramangwana reimba yomuranda wenyu. Nhai Ishe Jehovha Mwari, izvi ndizvo zvamunogara muchiitira vanhu here?

20“Ko, Dhavhidhi angareveizve kwamuri? Nokuti munoziva muranda wenyu, Ishe Jehovha. 21Nokuda kweshoko renyu uye maererano nokuda kwenyu, maita chinhu ichi chikuru uye machizivisa kumuranda wenyu.

22“Haiwa muri mukuru, imi Ishe Jehovha! Hakuna mumwe akafanana nemi, uye hakuna mumwe Mwari kunze kwenyu, sezvatakanzwa nenzeve dzedu. 23Uye ndorupi rumwe rudzi rwakaita savanhu venyu vaIsraeri, irwo rudzi panyika rwakadzikinurwa naMwari kuti vave vanhu vake, uye kuti azviitire zita, uye kuti aite zvinhu zvikuru zvinoshamisa nokudzinga marudzi navamwari vawo pamberi pavanhu venyu, vamakadzikinura kubva muIjipiti? 24Makasimbisa vanhu venyu vaIsraeri kuti vave venyu nokusingaperi, uye imi, Jehovha, mava Mwari wavo.

25“Naizvozvo zvino, Jehovha Mwari, simbisai nokusingaperi shoko renyu ramakataura pamusoro pomuranda wenyu neimba yake. Itai sezvamakavimbisa, 26kuti zita renyu rikudzwe nokusingaperi. Zvino vanhu vachati, ‘Jehovha Wamasimba Ose ndiye Mwari weIsraeri!’ Zvino imba yomuranda wenyu Dhavhidhi ichasimbiswa pamberi penyu.

27“Haiwa Jehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri, makaratidza izvi kumuranda wenyu, muchiti, ‘Ndichakuvakira imba.’ Naizvozvo muranda wenyu atsunga kunyengetera, munyengetero uyu. 28Haiwa Ishe Jehovha, muri Mwari! Mashoko enyu ndeechokwadi, uye mavimbisa zvinhu zvakanaka kumuranda wenyu. 29Zvino ngazvikufadzei kuti muropafadze imba yomuranda wenyu, kuti irambe iri pamberi penyu nokusingaperi; nokuti imi Jehovha Mwari, mazvitaura, uye namaropafadzo enyu, imba yomuranda wenyu icharopafadzwa nokusingaperi.”

Artistic illustration — an interpretation, not a historical record.

Did you know?

God's Covenant with David

  • The prophet Nathan appears here for the first time in the biblical record. He served as a trusted advisor during the reigns of David and Solomon, later guiding David's royal succession and confronting the king during critical moments.Sources: Nathan · the Bible text itself
  • When David proposed building a permanent temple of cedar, God responded with a play on the word "house." Instead of David building a physical house for the ark, God promised to build David an enduring "house"—a royal dynasty whose throne would be established forever.Sources: the Bible text itself · David
  • God reminded David that since leading Israel out of Egypt, His presence had moved about in a tent rather than dwelling in a fixed cedar building, underscoring the mobile sanctuary that had accompanied the nation across generations.Sources: the Bible text itself · Egypt

Notes written with AI assistance from open sources (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, public domain) and reviewed before publishing.

Places in this chapter

  • Egypt · 30.129, 31.308 · verses 6, 23

Only places identified with high confidence are shown (90% or more according to the scholarly sources compiled by OpenBible). Period map: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; modern map: © OpenStreetMap contributors; places: OpenBible.info (CC BY 4.0).

Credits and license for this translation
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Source: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Talk to us

Tell us where you read from, how the Bible has helped you, or what we could improve. We read every message.