2 Samuel 13
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Tap a verse to see its cross-references.
Amunoni naTamari
1Munguva iyoyo, Amunoni mwanakomana waDhavhidhi akachiva Tamari, hanzvadzi yaAbhusaromu mwanakomana waDhavhidhi yakanga yakanaka kwazvo.
2Amunoni akatambudzika kusvikira pakurwara pamusoro paTamari hanzvadzi yake, nokuti hazvaigona kuti amuite chimwe chinhu.
3Zvino Amunoni aiva neshamwari yake yainzi Jonadhabhu mwanakomana waShimea, mukoma waDhavhidhi. Jonadhabhu akanga ari munhu aiva namano. 4Akabvunza Amunoni akati, “Seiko, iwe mwanakomana wamambo, uchipunyaira mangwanani oga oga? Haungandiudzewo here?”
Amunoni akati kwaari, “Ndinoda Tamari, hanzvadzi yomununʼuna wangu Abhusaromu.”
5Jonadhabhu akati, “Enda unorara unyepedzere kurwara. Zvino kana baba vako vauya kuzokuona, uti kwavari, ‘Ndinokumbira kuti hanzvadzi yangu Tamari auye andipe zvokudya. Ndinoda kuti agadzire zvokudya ini ndichiona kuti ndimuone uye ndigodya zvichibva mumaoko ake.’ ”
6Saka Amunoni akavata pasi akanyepedzera kurwara. Zvino mambo paakauya kuzomuona, Amunoni akati kwaari, “Ndinokumbira kuti Tamari hanzvadzi yangu auye andibikire chingwa chakaisvonaka ndichiona, kuti ndigodya zvichibva mumaoko ake.”
7Dhavhidhi akatumira shoko kuna Tamari kumba kwamambo akati, “Enda kumba kwehanzvadzi yako Amunoni umugadzirire zvokudya.” 8Zvino Tamari akaenda kumba kwaAmunoni hanzvadzi yake, uyo akanga akarara pasi. Akatora mukanyiwa, akakanya, akaumba chingwa uye akachibika iye achiona. 9Akatora pani ndokumupa chingwa, asi iye akaramba kudya.
Amunoni akati, “Vanhu vose ngavabude muno.” Saka vanhu vose vakabuda. 10Amunoni ndokubva ati kuna Tamari, “Uya nezvokudya muno mumba mangu mokurara ndidye zvichibva muruoko rwako.” Zvino Tamari akatora chingwa chaakanga abika akaenda nacho mumba yokurara yehanzvadzi yake Amunoni. 11Asi akati achimupa kuti adye, iye akamubata akati, “Uya urare neni, hanzvadzi yangu.”
12Iye akati kwaari, “Kwete, hanzvadzi yangu! Usandichinya. Chinhu chakadai hachifaniri kuitwa muIsraeri! Usaita chinhu chakaipa zvakadai. 13Ko, ini ndichavei? Uchava somumwe wamapenzi akaipa muIsraeri. Ndapota, taura namambo; haangamborambi kuti ndiroorwe newe.” 14Asi iye akaramba kumuteerera, uye nokuti akanga ane simba kumudarika, akamubata chibharo.
15Ipapo Amunoni akabva amuvenga nokuvenga kukuru kwazvo, akamuvenga kupfuura kumuda kwaaiva ambomuita. Amunoni akati kwaari, “Muka uende!”
16Iye akati kwaari, “Kwete! Kundidzinga muno kwakashata kudarika zvawatondiita nechakare.”
Asi iye akaramba kumuteerera. 17Akadana muranda wake akati kwaari, “Dzinga mukadzi uyu abve muno uye ukiye mukova kana achinge abuda.” 18Ipapo muranda wake akamubudisa panze akakiya mukova shure kwake. Akanga akapfeka nguo yaikosha zvikuru yaipenya, nokuti ndidzo nguo dzaipfekwa navanasikana vamambo vaiva mhandara. 19Tamari akazvizodza madota akabvarura nguo inokosha yaakanga akapfeka. Akabata musoro wake ndokuenda achichema zvikuru.
20Hanzvadzi yake Abhusaromu akati kwaari, “Ko, ndiAmunoni, hanzvadzi yako, anga anewe here? Chinyarara zvako, hanzvadzi; iye ihanzvadzi yako. Usanyanyozvidya mwoyo nazvo.” Uye Tamari akagara mumba maAbhusaromu hanzvadzi yake, akava mukadzi akasurukirwa.
21Zvino mambo Dhavhidhi akati anzwa zvose izvi, akatsamwa kwazvo. 22Abhusaromu haana kana kumbotaura shoko kuna Amunoni, rakanaka kana rakaipa; akavenga Amunoni nokuti akanga akanyadzisa hanzvadzi yake Tamari.
Abhusaromu anouraya Amunoni
23Mushure mamakore maviri; vaveuri vamakwai aAbhusaromu pavakanga vari paBhaari Hazori pedyo nomuganhu weEfuremu, akakoka vanakomana vose vamambo kuti vauye ikoko. 24Abhusaromu akaenda kuna mambo akandoti, “Muranda wenyu aita kuti vaveuri vauye. Ndapota, ko, mambo namakurukota ake haangauyi kuzova neni here?”
25Mambo akapindura akati, “Kwete, mwanakomana wangu. Hatifaniri kuenda tose; tingazova mutoro kwauri.” Kunyange zvazvo akamugombedzera, akaramba kuenda, asi akamuropafadza.
26Ipapo Abhusaromu akati, “Kana zvisingaiti, chitenderai henyu mununʼuna wangu Amunoni kuti aende nesu.”
Mambo akamubvunza akati, “Ko, iye anoendereiko nemi?” 27Asi Abhusaromu akavanyengetedza, saka akazotendera Amunoni navanakomana vose vamambo kuti vaende navo.
28Abhusaromu akarayira vanhu vake akati, “Teererai! Kana Amunoni anwa waini zvokuti haachabviri nokufara uye ini ndikati kwamuri, ‘Urayai Amunoni,’ ibvai mamuuraya. Musatya. Handizini ndakurayirai here? Simbai mutsunge mwoyo.” 29Saka vanhu vaAbhusaromu vakaita kuna Amunoni sokurayirwa kwavakanga vaitwa naAbhusaromu. Ipapo vana vose vamambo vakasimuka, vakatasva manyurusi avo vakatiza.
30Vachiri munzira kudaro, shoko rakasvika kuna Dhavhidhi richiti, “Abhusaromu auraya vanakomana vose vamambo; hapana kana mumwe zvake asara.” 31Mambo akasimuka, akabvarura nguo dzake akazvambarara pasi; ipapo varanda vake vose vakauya vaine nguo dzakabvaruka vakamira paari.
32Asi Jonadhabhu mwanakomana waShimea, mukoma waDhavhidhi, akati, “Ishe wangu ngaarege kufunga kuti vauraya machinda ake ose; Amunoni oga ndiye afa. Izvi zvakagara zviri muurongwa hwaAbhusaromu kubvira musi wakabatwa chibharo hanzvadzi yake Tamari naAmunoni. 33Naizvozvo zvino Ishe wangu mambo ngaarege kuzvidya mwoyo neshoko rokuti vanakomana vose vamambo vafa. Amunoni oga ndiye afa.”
34Panguva iyoyo, Abhusaromu akatiza.
Zvino murume akanga amire akarinda akatarira kumusoro akaona vanhu vazhinji mumugwagwa nechokumavirazuva kwake, vachiburuka norutivi rwegomo. Nharirire iyi yakaenda ikandoudza mambo kuti, “Ndiri kuona varume kunzira yeHoronaimu, kurutivi rwegomo.”
35Jonadhabhu akati kuna Mambo, “Tarirai, vanakomana vamambo vasvika; zvaitika sokutaura kwomuranda wenyu.”
36Akati achipedza kutaura, vanakomana vamambo vakabva vapinda, vachiungudza zvikuru. Zvino mambo pamwe chete navaranda vake vakachema neshungu kwazvo.
37Abhusaromu akatiza akaenda kuna Tarimai mwanakomana waAmihudhi, mambo weGeshuri. Asi mambo Dhavhidhi akachema pamusoro pomwanakomana wake mazuva ose.
38Mushure mokunge Abhusaromu atiza akaenda kuGeshuri, akandogarako kwamakore matatu. 39Uye mweya wamambo wakashuva kwazvo kuenda kuna Abhusaromu, nokuti zvino akanga anyaradzwa pamusoro porufu rwaAmunoni.

Did you know?
Tragedy and Revenge in David's House
- Amnon was David's eldest son, born to Ahinoam of Jezreel, whereas Absalom and Tamar were David's children by Maacah, the daughter of King Talmai of Geshur.Sources: Amnon · Absalom · Talmai · the Bible text itself
- Absalom waited two full years before carrying out his revenge against Amnon, choosing a festive gathering for sheep-shearing at Baal-hazor near the borders of Ephraim.Sources: Absalom · Baal-hazor · the Bible text itself
- Following the assassination of Amnon, Absalom fled north to the district of Geshur to seek refuge with his maternal grandfather, King Talmai son of Ammihud, remaining there for three years.Sources: Absalom · Talmai · Ammihud · Geshur
Notes written with AI assistance from open sources (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, public domain) and reviewed before publishing.
Places in this chapter
Only places identified with high confidence are shown (90% or more according to the scholarly sources compiled by OpenBible). Period map: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; modern map: © OpenStreetMap contributors; places: OpenBible.info (CC BY 4.0).
Credits and license for this translation
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Language: chiShona Contributor: Biblica, Inc. Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Creative Commons License Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.” Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA). Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us . This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.” Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA). If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us . This translation is made available to you under the terms of the Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0. You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that: You include the above copyright and source information. If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes. If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original. Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents. For other uses, please contact the respective copyright owners. Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19. 2023-04-14
Source: http://ebible.org/sna/ · eBible.org