2 Kings 5
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Tap a verse to see its cross-references.
Naamani Anoporeswa Maperembudzi
1Zvino Naamani, mukuru wehondo yamambo weAramu, aiva munhu mukuru kwazvo pamberi patenzi wake uye aikudzwa zvikuru, nokuti kubudikidza naye, Jehovha akapa mambo weAramu kukunda. Aiva murwi ane simba noumhare, asi aiva namaperembudzi.
2Zvino mauto eAramu akabuda kundorwa akadzoka ava nomusikana weIsraeri wavakanga vatapa, uye akashandira mukadzi waNaamani. 3Akati kuna tenzikadzi wake, “Dai tenzi wangu aiona muprofita ari muSamaria! Aizomuporesa pamaperembudzi ake.”
4Naamani akaenda kuna tenzi wake akamutaurira zvaakanga audzwa nomusikana akanga abva kuIsraeri. 5Mambo weAramu akati, “Zvakanaka, enda hako. Ini ndichatumirawo tsamba kuna mambo weIsraeri.” Naizvozvo Naamani akaenda, akatora matarenda gumi esirivha nezviuru zvitanhatu zvamashekeri egoridhe uye nemhando gumi dzenguo. 6Tsamba yaakaenda nayo kuna mambo weIsraeri yaiti: “Ndatuma muranda wangu Naamani netsamba iyi kuti umurape maperembudzi ake.”
7Mambo weIsraeri akati achangopedza kuverenga tsamba iyi, akabvarura nguo dzake akati, “Ndini Mwari here? Ndinogona kuuraya nokuraramisa here? Sei murume uyu atuma munhu kwandiri kuti azorapwa maperembudzi ake. Onai kuti anoedza sei kutsvaka bopoto neni!”
8Erisha munhu waMwari, akati anzwa kuti mambo weIsraeri abvarura nguo dzake, akamutumira shoko akati, “Mabvarurireiko nguo dzenyu? Regai murume uyo auye kwandiri, uye achaziva kuti muIsraeri mune muprofita.” 9Naizvozvo Naamani akaenda namabhiza ake nengoro akandomira pamukova weimba yaErisha. 10Erisha akatuma nhume yake kwaari achiti, “Enda unoshamba kanomwe muJorodhani, ipapo nyama yako ichadzoredzerwa pakare uye uchava wakanatswa.”
11Asi Naamani akabvapo atsamwa akati, “Ndanga ndichifunga kuti zvirokwazvo achauya kwandiri agomira achidana kuzita raJehovha Mwari wake, agoninira ruoko rwake panzvimbo yacho agondiporesa maperembudzi. 12Ko, Abhana neFaripari, idzo nzizi dzeDhamasiko, hadzisi nani kupinda mvura yose yeIsraeri here? Handaigona kushamba madziri ndikanatswa here?” Naizvozvo akabvapo akaenda akatsamwa kwazvo.
13Varanda vaNaamani vakaenda kwaari vakati, “Nhai baba, dai muprofita anga akuudzai kuti muite chinhu chikuru, hamaizochiita here? Zvino zvaati kwamuri, ‘Shambai mugonatswa!’ ” 14Saka akaburuka akandozvinyudza muna Jorodhani kanomwe, sezvaakanga audzwa nomunhu waMwari, nyama yake ikadzoredzerwa pakare ikava yakachena, seyomwana mucheche.
15Ipapo Naamani akadzokera neboka rake rose kumunhu waMwari. Akamira pamberi pake akati, “Zvino ndava kuziva kuti hakuna Mwari panyika yose kunze kwomunyika yeIsraeri. Ndapota, gamuchirai chipo chabva kumuranda wenyu.”
16Asi muprofita akati, “Zvirokwazvo, naJehovha mupenyu, iye wandinoshumira, handisi kuzogamuchira chinhu.” Kunyange zvazvo Naamani akamugombedzera, iye akaramba.
17Naamani akati, “Ndapota, kana musingadi, muranda wenyu ngaapiwe hake ivhu ringatakurwa namanyurusi maviri, nokuti muranda wenyu haachambofazve akaita chipiriso chinopiswa nechibayiro kuna vamwe vamwari vapi zvavo asi kuna Jehovha. 18Asi Jehovha ngaakanganwire muranda wenyu pachinhu chimwe chete ichi: Vatenzi vangu pavanopinda mutemberi yaRimoni kundonamatamo pasi, uye vakasendamira paruoko rwangu, neni ndikakotama ndirimowo, pandinokotama mutemberi yaRimoni, Jehovha ngaakanganwire muranda wenyu pachinhu ichi.”
19Erisha akati, “Enda hako norugare.”
Mushure mokunge Naamani afamba kwechinhambo, 20Gehazi muranda waErisha munhu waMwari, akati mumwoyo make, “Tenzi wangu arerutsira zvakanyanya Naamani, muAramu uyu, pakusagamuchira kubva kwaari zvaanga auya nazvo. Zvirokwazvo naJehovha mupenyu, ndichamhanya ndimutevere ndigotora chimwe chinhu kwaari.”
21Naizvozvo Gehazi akatevera Naamani. Zvino Naamani akati amuona achimumhanyira, akaburuka mungoro kuti andosangana naye. Akati kwaari, “Kwakanaka here?”
22Gehazi akapindura akati, “Kwakanaka. Tenzi wangu andituma achiti, ‘Pane majaya maviri abva kuboka ravaprofita achangosvika kwandiri achibva kunyika yamakomo yaEfuremu. Ndapota, muvape henyu tarenda resirivha nemhando mbiri dzenguo.’ ”
23Naamani akati, “Torai henyu matarenda maviri.” Akagombedzera Gehazi kuti azvigamuchire, ndokubva asungira matarenda maviri esirivha mumasaga maviri, nemhando mbiri dzenguo. Akazvipa kuvaranda vake vaviri, vakazvitakura vari mberi kwaGehazi. 24Gehazi akati asvika pachikomo, akatora zvinhu kubva kuvaranda akazviisa mumba make. Akadzosa varume vaya ivo ndokuenda havo. 25Ipapo akapinda akandomira pamberi paErisha tenzi wake.
Erisha akamubvunza akati, “Wanga uripiko Gehazi?”
Gehazi akapindura akati, “Muranda wenyu haana kwaamboenda.”
26Asi Erisha akati kwaari, “Mweya wangu wanga usinewe here paburuka murume mungoro yake kuti azosangana newe? Ko, ino inguva yokutora mari kana kugamuchira nguo, neminda yemiorivhi, neyemizambiringa, namakwai, nemombe, kana varandarume navarandakadzi here? 27Naizvozvo maperembudzi aNaamani achanamatira pauri iwe nezvizvarwa zvako nokusingaperi.” Ipapo Gehazi akabva pamberi paErisha ava namaperembudzi, achena sechando.

Did you know?
The Healing of Naaman
- When Elisha instructed Naaman to wash in the Jordan, the commander was indignant, boasting that the Abana and Pharpar, the rivers of Damascus, were superior to all the waters of Israel.Sources: the Bible text itself · Abana · Pharpar
- After being healed of his leprosy, Naaman requested as much Israelite soil as two mules could carry so that he could offer sacrifices exclusively to the LORD upon it back in Aram.Sources: the Bible text itself · Naaman
- Elisha's servant Gehazi pursued Naaman to secretly claim silver and clothing under false pretenses, leading Elisha to declare that Naaman's leprosy would cling to Gehazi and his descendants.Sources: the Bible text itself · Gehazi
Notes written with AI assistance from open sources (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, public domain) and reviewed before publishing.
Places in this chapter
- Syria · Today: Aram · 33.511, 36.306 · verses 1, 2, 5
- Samaria · 32.276, 35.195 · verse 3
- Jordan · Today: Jordan River · 31.761, 35.558 · verses 10, 14
- Abana · Today: Barada River · 33.514, 36.305 · verse 12
- Damascus · 33.511, 36.306 · verse 12
- Aram · 33.511, 36.306 · verse 18
Only places identified with high confidence are shown (90% or more according to the scholarly sources compiled by OpenBible). Period map: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; modern map: © OpenStreetMap contributors; places: OpenBible.info (CC BY 4.0).
Credits and license for this translation
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Language: chiShona Contributor: Biblica, Inc. Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Creative Commons License Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.” Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA). Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us . This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.” Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA). If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us . This translation is made available to you under the terms of the Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0. You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that: You include the above copyright and source information. If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes. If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original. Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents. For other uses, please contact the respective copyright owners. Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19. 2023-04-14
Source: http://ebible.org/sna/ · eBible.org