Nations Bible

2 Kings 12

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Tap a verse to see its cross-references.

Joashi anogadziridza Temberi

1Mugore rechinomwe raJehu, Joashi akava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore makumi mana. Zita ramai vake rainzi Zibhia; vaibva kuBheerishebha. 2Joashi akaita zvakanaka pamberi paJehovha pamakore ose aakadzidziswa naJehoyadha muprista. 3Kunyange zvakadaro, matunhu akakwirira haana kubviswa; vanhu vakaramba vachibayira zvibayiro uye vachipisira zvinonhuhwira ikoko.

4Joashi akati kuvaprista, “Unganidzai mari yose inouyiswa sezvipiriso zvakatsaurwa kutemberi yaJehovha, mari inounganidzwa, pakuverengwa kwavanhu, mari inogamuchirwa iri yemhiko, nemari inouyiswa kutemberi vanhu vachida havo. 5Vaprista vose ngavagamuchire mari kubva kuno mumwe wavachengeti vehomwe yemari, uye ngaishandiswe kugadzira pose pavanowana pakaputsika mutemberi.”

6Asi mugore ramakumi maviri namatatu raMambo Joashi vaprista vakanga vachigere kugadzira temberi. 7Naizvozvo Mambo Joashi akadana muprista Jehoyadha navamwe vaprista akavabvunza akati, “Seiko musingagadziri pakaputsika mutemberi? Chiregai kutora imwe mari zvakare kubva kuvabati vehomwe, asi muibudise kuti iite basa rokugadzira temberi.” 8Vaprista vakabvuma kuti havaizounganidzazve mari kubva kuvanhu uye kuti havaizogadzira temberi ivo pachavo.

9Muprista Jehoyadha akatora bhokisi akaboora buri pachidzivo charo. Akarigadzika parutivi pearitari, kurudyi kana munhu achipinda mutemberi yaJehovha. Vaprista vairinda mukova vakaisa mubhokisi mari yose yakauyiswa kutemberi yaJehovha. 10Pose pavaiona kuti mari yakanga yawanda mubhokisi, munyori wamambo nomuprista mukuru, vaiverenga mari yainge yauyiswa mutemberi yaJehovha voiisa muzvihomwe. 11Vaiti kana vaona kuti yava marii, vaizoipa kuvarume vakanga vagadzwa kuti vave vatariri vebasa retemberi. Mari iyi yaizoripira vakanga vachishanda patemberi yaJehovha, vavezi navavaki, 12navaironga uye navavezi vamatombo. Vakatenga matanda namatombo akavezwa okugadzirisa temberi yaJehovha, uye vakaripira zvose zvaidiwa pakugadziridza temberi.

13Mari yaiuyiswa mutemberi haina kushandiswa pakugadzira madhishi esirivha, mbato dzemwenje, nemikombe, nehwamanda kana zvimwe zvipi zvazvo zvegoridhe kana sirivha zvetemberi yaJehovha. 14Yakaripirwa kuvarume vaishanda, ivo vakaishandisa kugadzira temberi. 15Havana kubvunza mashandisirwo ayo kuna avo vavakapa mari kuti varipire vashandi, nokuti vakashanda vakatendeka zvakakwana. 16Mari yaibva kuzvipiriso zvemhosva nezvipiriso zvechivi haina kuuyiswa mutemberi yaJehovha; yakanga iri yavaprista.

17Panguva yakaita saiyoyi Hazaeri mambo weAramu akaenda akandorwisa Gati akaripamba. Ipapo akadzokera kundorwisa Jerusarema. 18Asi Joashi mambo weJudha akatora zvinhu zvose zvitsvene zvakatsaurwa zvakanga zvakumikidzwa namadzibaba ake, Jehoshafati, naJehoramu naAhazia madzimambo eJudha, zvipo zvaakanga akumikidza iye negoridhe rose rakawanikwa mumatura etemberi yaJehovha nomumuzinda wamambo, akazvitumira kuna Hazaeri mambo weAramu, iye akabva muJerusarema.

19Zvimwe zvakaitwa pakutonga kwaJoashi, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eJudha? 20Vabati vake vakaita rangano yokumumukira vakamuuraya paBheti Miro, panzira yaienda kuSira. 21Vabati vakamuuraya vakanga vari vanaJozabhadhi mwanakomana waShimeati naJehozabhadhi mwanakomana waShomeri. Akafa akavigwa pamwe chete namadzibaba ake muGuta raDhavhidhi. Uye Amazia mwanakomana wake akamutevera paumambo.

Artistic illustration — an interpretation, not a historical record.

Did you know?

The Reign of Joash and the Temple Repairs

  • When temple repairs lagged into his twenty-third regnal year, Joash reorganized the collection system. Jehoiada the priest placed a wooden chest with a bored lid beside the altar, allowing the royal scribe and high priest to bypass the general priesthood and directly pay the carpenters, masons, and stonecutters.Sources: the Bible text itself · Jehoiada
  • After King Hazael of Aram captured the Philistine city of Gath and advanced toward Jerusalem, Joash averted a siege by handing over gold from the palace and temple treasuries, along with sacred items dedicated by his predecessors Jehoshaphat, Jehoram, and Ahaziah.Sources: the Bible text itself · Hazael · Gath
  • After a forty-year reign in Jerusalem, Joash was assassinated by his own servants at Beth-millo along the road to Silla, an otherwise unknown locality, and was buried in the City of David.Sources: the Bible text itself · Zabad · Silla

Notes written with AI assistance from open sources (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, public domain) and reviewed before publishing.

Places in this chapter

  • Jerusalem · 31.777, 35.234 · verses 1, 17, 18
  • Syria · Today: Aram · 33.511, 36.306 · verses 17, 18
  • Silla · Today: in Jerusalem · 31.777, 35.234 · verse 20
  • City of David · 31.774, 35.236 · verse 21

Only places identified with high confidence are shown (90% or more according to the scholarly sources compiled by OpenBible). Period map: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; modern map: © OpenStreetMap contributors; places: OpenBible.info (CC BY 4.0).

Credits and license for this translation
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Source: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Talk to us

Tell us where you read from, how the Bible has helped you, or what we could improve. We read every message.