2 Corinthians 11
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Tap a verse to see its cross-references.
Pauro naVapostori Venhema
1Ndinovimba kuti muchava nomwoyo murefu zvishoma nokuda kwoupenzi hwangu; asi mava kutozviita kare. 2Ndine godo pamusoro penyu negodo raMwari. Ndakakuitai vakavimbika kumurume mumwe chete, kuna Kristu, kuitira kuti ndigozogona kukusvitsai kwaari semhandara yakachena. 3Asi ndinotya kuti sokunyengerwa kwakaitwa Evha nenyoka nemano ayo, ndangariro dzenyu dzingangotsauswa kubva pakururama nokuchena kwomwoyo, pakuzvipira kuna Kristu. 4Nokuti kana mumwe akauya kwamuri achiparidza mumwe Jesu kunze kwaJesu watakaparidza, kana kuti mukagamuchira mumwe mweya wakasiyana nouyo wamakagamuchira, kana rimwe vhangeri rakasiyana neramakagamuchira, munogona kuzvigamuchira zviri nyore kwazvo. 5Asi handifungi kuti ndiri muduku napaduku pose ku“vapostori vanopfuura vamwe vose.” 6Ndingava zvangu ndisinganatsi pakutaura, asi ndine ruzivo. Takanyatsojekesa izvi kwamuri nenzira dzose.
7Ndakatadza here zvandakazvininipisa kuitira kuti imi mugokudzwa nokuparidzwa kwevhangeri raMwari kwamuri pachena pasina mutengo? 8Ndakatorera dzimwe kereke pandakagamuchira rubatsiro kubva kwavari kuitira kuti ndigone kukushumirai. 9Uye pandakanga ndiri pakati penyu ndichishayiwa chimwe chinhu, handina kuva mutoro kuna ani zvake, nokuti hama dzakabva kuMasedhonia dzakandipa zvandaishayiwa. Handina kuda kuva mutoro nenzira ipi zvayo pakati penyu, uye ndicharamba ndichidaro. 10Zvirokwazvo sezvo chokwadi chaKristu chiri mandiri, hakuna munhu mudunhu reAkaya achandidzivisa pakuzvirumbidza uku. 11Seiko? Nokuti handikudei here? Mwari anoziva kuti ndinokudai! 12Uye ndicharamba ndichiita zvandiri kuita kuti ndishayise nzira kuna avo vanotsvaka mukana wokuti vaenzaniswe nesu pazvinhu zvavanozvirumbidza nazvo. 13Nokuti vanhu vakadai ndivo vapostori venhema, varume vanonyengera, vanozvishandura vachizviita vapostori vaKristu. 14Uye naizvozvo hazvishamisi, nokuti Satani pachake anozvishandura achizviita mutumwa wechiedza. 15Naizvozvowo hazvishamisi, kana varanda vake vachizvishandura vachizviita varanda vokururama. Magumo avo achava sezvakafanira maitiro avo.
Pauro anozvirumbidza pamusoro pamatambudziko ake
16Ndinopamhidza kuti: Ngakurege kuva nomunhu anonditi ndiri benzi. Asi kana muchidaro, naizvozvo ndigamuchirei sebenzi, kuitira kuti ndigozvirumbidzawo zvishoma. 17Mukuzvirumbidza pachangu, handisi kutaura sezvinobva kuna She, asi sebenzi. 18Sezvo vazhinji vachizvirumbidza nenzira inoitwa nenyika, neniwo ndichazvirumbidza. 19Nokuti makava nomwoyo murefu nomufaro kumapenzi sezvo makachenjera! 20Nokuti munoitira mwoyo murefu kunyange munhu wose anokuitai varanda kana anokubirai kana anokutapai kana anokuzvidzai kana anokurovai kumeso. 21Ndichizvishora ndinobvuma kuti takanga tisina simba rokuti tiite izvozvo.
Zvinotsunga vamwe vose kuti vazvirumbidze pamusoro pazvo, ndinotaura sebenzi, ini ndinotsungawo kuzvirumbidza pamusoro pazvo. 22Ivo vaHebheru here? Neniwo ndiri. Ivo vaIsraeri here? Neniwo ndiri. Ivo zvizvarwa zvaAbhurahama here? Neniwo ndiri. 23Ivo varanda vaKristu here? Ndava kupenga, kana ndichitaura zvakadai. Ini ndiri muranda wake zvikuru. Ndakashanda zvokuvapfuura, ndakaiswa mutorongo kakawanda kuvapfuura, ndakarohwa zvikuru kwazvo, uye ndakatarisana norufu kazhinji. 24Kanosvika kashanu ndakarohwa navaJudha shamhu makumi matatu nepfumbamwe. 25Katatu ndakarohwa netsvimbo, kamwe chete ndakatakwa namabwe, katatu ndakaita tsaona nechikepe, ndakapedza usiku humwe namasikati ndiri pagungwa, 26ndakanga ndiri parwendo nguva zhinji. Ndakava panjodzi dzenzizi, panjodzi dzamakororo, panjodzi dzevorudzi rwokwangu, panjodzi dzavaHedheni, panjodzi muguta, napanjodzi murenje, panjodzi mugungwa, napanjodzi pakati pehama dzenhema. 27Ndakabata basa nokutambura uye nguva zhinji ndichishayiwa hope; ndinoziva nzara nenyota uye kushayiwa zvokudya nguva zhinji; chando nokushayiwa chokupfeka. 28Kunze kwaizvozvi zvose, ndinoremedzwa zuva rimwe nerimwe nokurangarira kereke dzose. 29Ndianiko anoshayiwa simba uye ndikasanzwa kushayiwa simba? Ndianiko anotungamirirwa muchivi uye ndikasarwadziwa mukati mangu?
30Kana ndichifanira kuzvirumbidza, ndichazvirumbidza pamusoro pezvinhu zvinoratidza utera hwangu. 31Mwari naBaba vaIshe Jesu, uyo anofanira kurumbidzwa nokusingaperi, anoziva kuti handirevi nhema. 32MuDhamasiko mubati pasi pamambo Aretasi akaita kuti guta ravaDhamasiko ririndwe achida kuti andisunge. 33Asi ndakaburutswa ndiri mudengu napawindo parusvingo uye ndikapunyuka pamaoko ake.

Did you know?
Foolish Boasting and False Apostles
- The chapter closes with Paul's escape from Damascus, where the governor under King Aretas had the city guarded in order to arrest him, and he was lowered in a basket through a window in the wall. Easton's Bible Dictionary (1897) identifies Aretas as king of Arabia Petraea and says that, after the emperor Tiberius died in A.D. 37, Aretas took possession of Damascus, when Paul returned there from Arabia. The same dictionary calls Damascus the most ancient of Oriental cities and the capital of Syria, about 133 miles north of Jerusalem.Sources: the Bible text itself · Aretas · Damascus
- Paul says that when he was with them and in need, he was a burden to no one, because brothers who came from Macedonia supplied his needs, and that this boast will not be silenced in the regions of Achaia. In New Testament times Macedonia was a Roman province north of Greece, governed by a propraetor with the title of proconsul. Achaia, in the sense in which the name is used in the New Testament, was the other Roman province, covering the Peloponnesus and the south of Greece.Sources: the Bible text itself · Macedonia · Achaia
- Paul fears that his readers' minds may be led astray from their simple and pure devotion to Christ, just as Eve was deceived by the serpent's cunning, and he warns that false apostles masquerade as apostles of Christ. He adds that this is no wonder, for Satan himself masquerades as an angel of light, and his servants as servants of righteousness. A dictionary entry notes that Satan, meaning adversary or accuser, is also called the old serpent and, in this same letter, the god of this world.Sources: the Bible text itself · Satan
Notes written with AI assistance from open sources (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, public domain) and reviewed before publishing.
Places in this chapter
- Macedonia · 41.600, 22.540 · verse 9
- Achaia · 38.720, 22.540 · verse 10
- Damascus · 33.511, 36.306 · verse 32
Only places identified with high confidence are shown (90% or more according to the scholarly sources compiled by OpenBible). Period map: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; modern map: © OpenStreetMap contributors; places: OpenBible.info (CC BY 4.0).
Credits and license for this translation
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Language: chiShona Contributor: Biblica, Inc. Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Creative Commons License Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.” Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA). Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us . This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.” Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA). If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us . This translation is made available to you under the terms of the Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0. You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that: You include the above copyright and source information. If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes. If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original. Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents. For other uses, please contact the respective copyright owners. Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19. 2023-04-14
Source: http://ebible.org/sna/ · eBible.org